Uncategorized

Akadzikwa demo nachenzira

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Akadzikwa demo nachenzira

Kwayedza

Given Siakanoka naKingstone Mapupu —
MUZVINA BHIZIMISI wekwaMola, kuKariba ari kurwira upenyu hwake ari muchipatara cheHarare Central Hospital zvichitevera kukuvara kwaakaita apo akatemwa gumbo rikatyoka ari pamba pake nemumwe murume waasingazive.

VaSaviours Mwemba Siyambale (60) vanobva kwaMarembera, vari kurapwa muchipatara chemuHarare ichi uye nyaya yekutemwa kwavo nedemo yakamhan’arwa kumapurisa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanotsinhira kuti vari kuferefeta nyaya iyi. Muhurukuro neKwayedza vari muchipatara cheHarare Central Hospital svondo rapera, VaSiyambale vanoti munhu akavatema nedemo havana ruzivo nezvake.

Vanoramba mashoko ari kutaurwa nevamwe ekuti murume akavatema muzukuru wavo, uye vakazorwiswa mushure mekunge vaisa runyoka pamudzimai wake apo iye anonzi aive kunze kwenyika.

“Handimuzive munhu akanditema nedemo uyu, kana hukama naye handina sezvinotaurwa izvi. Vanhu vanoda kusvibisa zita rangu.

“Akanditemera pamba pangu kuma 10 mangwanani nemusi wa28 Nyamavhuvhu apo akauya achiti aiva atadza kunzwanana nemusikana anove mwana wangu anotengesa kutakishopu yedu achiti aiva amurambira kuti atenge zvaaida neEcoCash,” vanodaro. Vanoti murume uyu apo akatadza kunzwanana nemwanasikana wavo, akauya kumba akasvikotanga kuonana nemudzimai wavo. “Akandiwana ndakarara akasvikobvunza kumukadzi wangu kuti ndaivapo here apo ndakamutswa ndokuonana naye. Akati aiva nemari yaiva mufoni iyo aida kutengesa ndikamuti adzokere kumusikana, izvo akaramba ndokutanga kuti aida basa kwandiri rekushanda.

“Ndakamuti handina basa rekumupa ndokubva ndagara zvangu pasi. Ipapo akabva andidzika demo pabvi regumbo rekurudyi, demo ndokurambirira iye achibva atiza,” vanodaro.

Vanoti mutsvakurudzo dzavakazoita, vakazowana kuti zita remurume uyu anonzi Sauro Chindega anobva mudunhu rimwe chete iri kumisha yekwaDhumbula kana kuti kwaLutope, kuSiyamavhu.

“Pandakatemwa, mudzimai wangu Manza Siyajeka (40) aivapo. Akachema achishevedzera vanhu asi hapana akamunzwa. Ndinodzokorora kuti munhu uyu handimuzive, kaiva kekutanga kuonana naye uyezve mukadzi wake wandinonzi ndinodanana naye handimuzive,” vanodaro VaSiyambale.

Murume uyu airatidza kurwadziwa zvikuru ari muchipatara achiti vanachiremba vaida kuti aiswe simbi mugumbo rinonzi rakatyoka iri. VaSiyambale vanoti pavakatemwa, vakatanga kuendeswa kuchipatara chekuSiakobvu uko vakanodarikidzwa kuKariba ndokuzopfuudzwa kuHarare.

“Kubva pandakatemwa ndikanomhan’ara kumapurisa ekuSiakobvu, hapana mapurisa akambotaura neni.

“Handizive kuti munhu uyu akasungwa here kana kuti haana, ndakangomirira kunzwa chokwadi ndinodavira kuti mapurisa vachaita basa ravo.” Mudzimai wechipiri wamuzvinabhizimisi uyu, Mai Manza Siyajeka (40) vakawanikwa neKwayedza vari kuchipatara uku vachipepa murume wavo.

“Murume akavatema aiva nedemo, akatanga kusvika kutakishopu iri panzvimbo yemabhizimisi yeMarembera kwaiva nemwana wedu anotengesa, Shebbah Mwemba (16). Mwana uyu akaramba kumutengesera neEcoCash apo akazouya kumba ndikamutsa baba vainge varere. Ndakanotaurirawo tezvara vangu, VaFalls Siyambale, avo vakauya kuzoona njodzi iyi,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti mashoko ekuti murume wake anodanana nemuzukuru ndeekunyepa.“Murume akatema baba hatimuzive uye haasi muzukuru wedu sekutaurwa kwazvo. Nyaya yerunyoka haipo, vakangotemwa nemunhu uyu hamheno kuti aiva nechinangwa cheiwo. Ini ndiri mukadzi wechipiri, ndine vana vashanu, amaiguru mukadzi mukuru – Violet Bhobho – vane vana vashanu. Hatina runyoka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links