Uncategorized

Akagocherwa shanje

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Akagocherwa shanje

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUSIKANA wechidiki anogara kuCaledonia Phase 1, kuEastview muHarare, ari kuyaura nemaronda ehutsva ari muviri wake wose zvichitevera kupiswa kwaanoti akaitwa nemudiwa wake uyo waanoti akamudira parafini ndokumukwenyera machisi.

Izvi zvinotevera kunetsana kwavakaita nemukomana wake uyu nenyaya dzeshanje pamusoro pemumwewo musikana anonzi ave kudanana nemukomana uyu.

Alice Jarisoni (25) anoti akapiswa nemukomana wake – Tafadzwa Gibson (25) – uyo waaigara naye imba yekuroja mumusha uyu.

Zvisinei, Gibson ari kurambisisa mhosva yaari kupomerwa naJarisoni achiti haana ruzivo nezvayo.

Gibson – uyo akataurwa naye panhare mushure mekusabatika kwenguva refu – anoramba nyaya yaari kupomerwa naJarisoni achiti ari kuda kungosvibisa zita rake.

“Aya manyepo, handina nyaya yandinoziva yakadaro,” anodaro Gibson.

Jarisoni anoratidza kuti muviri wake wose wakatsva zvikuru.

“Tanga tave nenguva tichidanana naTafadzwa tichiwirirana zvikuru kusvikira amai vangu, Martha Zulu, vave kutomuziva. Kana iniwo hama dzake dzinotondizivawo.

“Aitosvika kumba kwedu uye ndakadanana naye kwemwedzi 9 ndichigara naye kwandairoja kunyangwe amai vangu vaine imba muno,” anodaro musikana uyu, chiso chake chakaputirwa nemarwadzo.

Anoti dambudziko rakazovepo apo Gibson akatanga kudanana nemumwe musikana, uyo waakangodoma saJesca wekuMabvuku.

Jarisoni anoti nyaya yekudanana kwaTafadzwa naJesca ndiyo yakazoita kuti vanetsane zvikaita kuti iye azopiswa zvekusara akuvara zvikuru.

“Musi wandazopiswa, ndaiva ndakatsamwa zvikuru apo ndakabvunza Tafadzwa nyaya yekudanana kwake nemusikana uyu. Takanetsana tichitaura nyaya iyi kubva kuma5 zuva rodoka kusvika kuma7 manheru apo taiva pamba pandairoja, panhamba 7087. Panguva iyoyo ndaibika nechitofu cheparafini.”

Jarisoni anoti akapedza kubika achibva apa mukomana wake Gibson kudya.

Panguva iyi, anodaro Jarisoni, Gibson akabva atora kapu yaiva neparafini achibva amudira kumeso nemuviri wose, ndokumukwenyera machisi zvikaita kuti abatire moto pakarepo.

Anoti paaibvira, akaedza kumhanyira kune mumwe wake achifunga kuti dzimwe nguva angamudzimure asi aitotizira kure.

“Apo muviri wangu wose wakabatira moto ndichitsvaga kwekubuda nako, Tafadzwa akamhanyira kudhoo kwandaida kubuda nako panze achibva aritsigira kuti ndisabuda ndikatsva. Ndakachema pasina akakwanisa kundinunura pavanhu vataigara navo,” anodaro.

Jarisoni anoti akazokwanisa kubuda kunze apo mukomana wake akatizira panze uye akazoendeswa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals nevamwewo vanhu uko akanogarako kwemwedzi miviri.

“Ndinotenda machiremba, vakoti nevamwe vose vakazvipira kundirapa nekuti ndaifanirwa kufa. Chave kunetsa hurema, ganda rangu nemaronda andinawo ave kugara achida mishonga inodhura.

‘‘Kuchipatara kuri kudiwa mari inosvika $3 400 yechikwereti chekurapwa kwandakaitwa,” anodaro.

Anoti vanachiremba vakamuudza kuti hutsva hwake ndehwemhando yepamusoro-soro (first class degree burns).

“Handichakwanisa kuzvishandira sezvo ndaimboenda kubasa, anondiriritira hapana.”

Jarisoni anoti nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa epakamba yekuMabvuku naGibson nehama dzake panguva iyo aive kuchipatara.

Anotizve paakazobuda muchipatara, akaedza kuenda kukamba iyi asi hapana chakanyatsobuda sezvo Gibson akambotorwa nemapurisa ndokuzoregedzwa nyaya iyi isati yaenda kumatare edzimhosva.

“Kuburikidza nekutsva uku, nzeve yangu yekuruboshwe yakadambuka uyewo pahuro pane makomba, uku dumbu rakatsva,” anodaro.

Jarisoni anoti paakabuda muchipatara, akaudzwa naGibson kuti asasimudzire nyaya iyi achiti aizomubhadhara nekumupa sitendi yemba pamusoro.

“Panguva iyi, hapana chandaikwanisa kuita kana kufamba chaiko nekutaura ndaisagona. Tafadzwa achitaura neni, akanditi ndiudze mapurisa kuti ndakaputikirwa nechitofu kuti iye asasungwe.”

Anoti zvakare mukomana wake uyu aimukurudzira kuti anovharisa dhoketi kumapurisa achiti aizomutengera mishonga yose inodiwa kuti arapwe hutsva hwake.

“Amai vaTafadzwa nedzimwe hama dzake vakauya kwandiri vachidemba neni kuti nyaya iyi isaende mberi vachiti vaizondipa sitendi yemba, kundirapisa nekuzoripawo amai,” anodaro.

Jarisoni anoti pane mapepa avainyora naGibson panguva yaairwara ayo anoti akamuti aise runyoro rwake asi asinganyatsoziva kuti airevei.

“Ndinoda kuti nyaya iyi ifambire mberi nekuti ndakadzvinyirirwa.

“Chokwadi nyika kuita seisina mutemo, nyaya yekupiswa kwangu ngaiongororwe.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>