Uncategorized

Akaremara apuruzirwa nevaroyi

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Akaremara  apuruzirwa  nevaroyi GLADYS-MUTEVANI

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUDZIMAI wemuguta reHarare anonzi akwanisa makore 31 achingogara mumba bedzi uye asingabude kunze, izvo zvinonzi zvakatanga apo akapuruzirwa nekubatwa-batwa muviri wake nevanofungidzirwa kuti varoyi.

Pakaitika izvi, mukadzi uyu azongofumoona zvinhu zvainge mushonga izvo akasiya akwizwa.

Gladys Mutevani (48) — uyo anogara pamba pevabereki vake panhamba 2515 Jairosi Jiri, kuDzivaresekwa 2 — anoti dambudziko rake rakatanga mugore ra1986 apo akanga achangopedza kunyora bvunzo dzake dzeForm 4.

Anoti rimwe zuva husiku akashanyirwa nevanhu vaasina kunyatsoona, avo vakasvikomubata-bata muviri wose ndokumukwiza zvainge mafuta nemushonga.

Gladys anoti vanhu ava vakamubata-batawo gumbo rake rekuruboshwe iro rakabva raita seradambuka ndokutanga kuzvimba nekurwadza ipapo, ruwoko rwuchibva rwaremara.

“Ndaiva ndakarara ndoga apo ndakavhunduka kubva kuhope ndichinzwa mawoko evanhu aitonhora zvikuru achindibata-bata ndichikwizwa zvinhu zvaiita semishonga kana kuti mafuta. Asi vakaita izvi handina kuvaona.

“Pavakapedza, muviri wangu wose wakabva waoma, kusanganisira gumbo iro rakabva raita chiveve nekudivi rangu rekuruboshwe. Ndiwo matangiro akaita hurema hwangu uho vamwe vanoti ndakaita situroko asi haisi, ndakaroyiwa!” anodaro Gladys nehukasha.

Anoti paakazomuka, mishonga yaaizorwa nemafuta haana kumboona kwazvakaenda nako, iye ndokusara oita seapukutwa nejira.

Gladys — uyo anova dangwe raVaJacob Mutevani (82) naMai Emelda Mutevani (71) mumhuri ine vana vapfumbamwe — anoti zviri pachena kuti akaroyiwa.

“Amai vangu ndakafumovaudza kuti pane vanhu vauya husiku vakandibata-bata asi handina kuvaona. Vabereki vangu hapana matanho avakatora kusvika nanhasi. Hamheno kuti vanoda kuti ndife here,” anodaro.

Kubva mugore ra1986, Gladys — uyo asina kumboroorwa kana kuita mwana — anoti anoswera akagara pasofa apo anorara nekudya ari.

‘‘Anobuda chete panze achienda muchimbuzi kunogeza nekuzvibatsira.

Zvisinei, Gladys haana kubuda pachena kuti sei asingade kubuda kunze asi iye achigona kufamba.

“Rimwe dambudziko rangu nderekuti handigone kudya sadza, handingorida asi ndinodya mbatatisi, chingwa, mupunga, mabhanzi, machipisi, poriji riya revana vadiki rekutenga, kunwa madhiringi nekudyawo mabhisikitsi nezvimwe zvinowirirana nemudumbu mangu.”

Gladys anogara pamba apa nababa vake nehanzvadzi dzake mbiri nemusikana webasa uyo waanoti ndiye anomubikira nekumuitira zvakawanda.

Anoti nguva zhinji amai vake vanenge vasipo.

Kwayedza payaiita hurukuro naGladys, pakamboita kusawirirana pakati pake nababa vake apo vakaedza kuti mwanasikana wavo anoramba kunoongororwa kuchipatara vachiti akasituroka.

“Imi baba, siyanai neni! Ndakunzwai muchiti ndakasituroka?

‘‘Asi mune zvamunoziva here padambudziko rangu? Chiregai vaende (kureva vatori venhau) kana musina chekutaura navo,” anodaro Gladys.

VaMutevani vanoti dambudziko remwana wavo parakatanga vakamboenda naye kuchipatara uko aifanirwa kuvhiiwa asi Gladys akaramba achiti anozofa sezvo anofungira kuti zvine chekuita nechivanhu.

“Ndakaenda naye kuParirenyatwa (Group of Hospitals) uko aifanirwa kuvhiiwa, angadai akatoita mushe ndichitova nemukuwasha ari kumba kwake nemhuri yake. Zvino hapana chakazobuda, kana mwana haana.

‘‘Anongogara mumba imomu achiverenga mabhaibheri, ndiho upenyu hwake. Dai pawanawo vangamubatsire ndingafare,” vanodaro baba ava.

Vanoenderera mberi vachiti: “Dambudziko randinaro nderekuti ini handichashanda, ndaimbova foromani mukuru mumagaraji anotengesa peturu muno muHarare.

‘‘Handichina mari apa mwana uyu haadye sadza, anongoda zvinhu zvakaita semupunga, dovi, chingwa, mbatatisi machipisi, bhinzi netumwe tunonaka asi mari yacho pasina.”

Vanoti vanoda kuti mwanasikana wavo abatsirwe kungave kun’anga kana kumaporofita.

“Nyaya yehuroyi handiirambe, zvinogona kunge zviripo asi nyaya yaataura yekuti akabatwa-batwa muviri nevaroyi zvakazopa kuti gumbo rake neruwoko zvekuruboshwe zvitange kurwadza ndatoinzwawo nhasi achiudza imi. Ini kubva pamakore ose aya haana kumbozvitaura, hamheno amai vacho vaari kuti ndivo vaakazivisa,” vanodaro VaMutevani.

Vanoti imba yavo inongova nemakamuri mana zvinoita kuti Gladys agare nekurara pasofa muimba yekutandarira sezvo dzimba dziri shoma.

“Paanoswera ari ndipo paanorara. Asiwo dambudziko nderekuti haana mbatya nemagumbeze zvinomukwanira.”

VaMutevani vanotiwo hapana mishonga yakaipa yavakabata mukurarama kwavo uye vanonamata chechi yeRoman Catholic nemhuri yavo yose.

Ganga remuviri waGladys ratsvukuruka kuburikidza nekusabuda kunze nekushaya zuva.

Vatori venhau veKwayedza vakaedza kumukumbira kuti avaperekedze pavainge vobva pamba apa asi akaramba ndokuvaoneka agere pasofa achiti vaburitswe mumba nababa vake.

Vanoda kubatsira Gladys vanogona kuridza nhare dzinoti 0715 058 967.

Share This:

Sponsored Links