Uncategorized

Anorwadziwa nechikomba chaamai vake

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Anesu Kurebwaseka ari kwaMUTARE —
MURUME wemuguta reMutare – wekupwanya laptop yaamai vake senzira yekuvapfidzisa achiti anorwadziwa nemaitiro echikomba chavo icho chaanopomera kuti chiri kupfimba mudzimai wake – ava kuzvidemba zvichitevera kuendeswa kwaakaitwa kudare redzimhosva.

Roland Chifungo (22) akamiswa pamberi pemutongi Innocent Bepura wedare reMutare Magistrates’ Court akatarisana nemhosva yekupwanya midziyo zvine utsinye mukati.

Chifungo akabvuma mhosva yake pasina kupedzera dare nguva yaro.

Muchuchisi Fletcher Karombe akaudza dare kuti nemusi wa30 Chivabvu gore rino nenguva dza4 dzemasikati, Chifungo akaenda kunogara amai vake kuZororo, mumusha weSakubva ndokukumbira zvekudya.

Amai vake vakamuudza kuti hapana chavakange vabika izvo zvisina kufadza Chifungo achibva apwanya laptop yavo yemhando yeDel, iyo yaichaja pamagetsi.

Laptop iyi inokosha $350.

Chifungo akaudza dare kuti akapwanya laptop iyi kwete nekuti amai vake vainge varamba kumubikira, asi kuti akarwadziwa nekuita kweshamwarirume yavo, iyo yaanoti inopfimba mudzimai wake.

“Mambo wangu, ndakagumbuka nekuda kwezviri kuitwa nemudikani wavo kumudzimai wangu. Ari kupfimba mudzimai wangu,” anodaro Chifungo.

Anoenderera mberi achiti: “Pandakazvinzwa ndakamubvunza uye akada kunditsvetera kuti ndisataure nyaya iyi asi ndakaramba. Kubva ipapo akatanga kutaura zvakaipa pamusoro pemukadzi wangu saka kupwanya kwandakaita laptop iyi kutsividza zvaaiita.”

Mutongi Bepura akaudza Chifungo kuti haana kodzero yekupwanya laptop iyi uye kuti kana pane zvinenge zvanetsa, anofanira kutaura naamai vake zvakanaka.

Chifungo akatemerwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mina iyo yakazosendekwa yose padivi paine chitsidzo chekuti anofanira kuripira amai vake $350 yelaptop yavo yaakapwanya musi wa30 Chikumi usati wadarika. — The Manica Post.

Share This:

Sponsored Links