Antipas: Zviri mumhuri

22 May, 2015 - 00:05 0 Views
Antipas: Zviri mumhuri

Kwayedza

MURAIRIDZI weChicken Inn FC Joey ‘Mafero’ Antipas, uyo anove baba vaQuincy Antipas anotambira chikwata cheHobro IK icho chinokwikwidza muligi rekuDenmark, anoti mwana wake uyu akakura achifarira kutamba cricket zvikuru.

Vatsigiri venhabvu vanoziva Quincy achinwisa zvikuru mumitambo yePremier Soccer League achitambira zvikwata zvakaita seMotor Action neCAPS United.

Asi sekutaura kwababa vake, Joey, shasha iyi yakakura ichinetsa zvikuru mumutambo wecricket zvekuti aida chaizvo kutambira chikwata cheZimbabwe Cricket icho chinozivikanwa semaChevrons.

“Quincy mukukura kwake kwose aifarira cricket uye aiigona zvakanyanya zvekuti pane imwe nguva akambofunga zvekutambira chikwata chenyika chemaChevrons.

“Akazosarudza nhabvu nekuda kwezvikonzero zvake zvaakaona zvakamunakira iye asi mitambo miviri iyi — cricket nenhabvu — zvose aizvigona.

“Ndinofarawo hangu kuti ari kufamba mumatsimba angu asi kuzosarudza kutamba nhabvu kwaakaita ndiye akazvisarudzira,” akadaro Joey.

Quincy asati awana mukana wekunotambira kunze kwenyika, akambotambira Motor Action FC uko airairidzwa naJoey uye aive muchikwata cheCAPS United chakahwina mukombe wePSL mumakore anoti 2004 ne2005.

Joey akarairidza Quincy nhabvu zvakare muna 2006 ari kuWarriors panguva iyo aive mutevedzeri waSunday Chidzambwa.

Anoti panguva yaakarairidza mwana wake aisaita zvetsvete naye asi kuti aimukurudzira kushanda nesimba sevamwe vatambi kuti akwanise kupinda muchikwata chake.

Izvi zvinobva zvaunza ndangariro dzaSteve Bruce murairidzi weHull City yekuEngland iyo inotambirwa nemwana wake, Alex Bruce.

Mwaka uno Steve akataura mashoko aya pamusoro pemwana wake Alex, “Zvakaoma kutaura nezvaAlex asi pakupera kwezuva mwana wangu, handingamurase iropa rangu.

“Asi kubva atange kutambira chikwata chino atamba mitambo yakawanda, pose anogara achishanda nesimba uye akazvipira mubasa rake. Chose chaanenge anzi aiite anoita nemwoyo unoda,” akadaro.

Mashoko aya akafanana neakataurwa naJoey ekuti: “Quincy mwana wangu asi handiite zvetsvete nekuti mwana wangu.

“Ndinoda kuti abudirire sevamwe vatambi saka kuti zviitike anofanirwa kushanda nesimba uye anofanirwa kunge akazvipira mubasa rake.

“Kwose kwandakashanda naye, kungave kumaWarriors kana kuMotor Action, ndaigaro mukurudzira kuti ashande nesimba kuti agove mutambi anoyemurwa zvikuru,” akadaro Joey.

Zvakadaro, Joey panguva yake akakwanisa kutambira Arcadia United pamwe neRio Dairibord, asi vatsigiri venhabvu vazhinji vanomuziva achivhara bhora zvinodadisa ari kuArcadia United.

Shasha iyi yakatambirawo maWarriors kanopfura ka20 uye anoti chiremerera chikuru kuwaniswa mukana wekutambira nyika yake.

Anoti mitambo yaasingakanganwe yaive yeArcadia United apo yaisangana neDynamos FC pamwe neHighlanders FC, kozoti yemaWarriors yose.

“Kare zvainzi zvikanzi Arcadia United iri kusangana neDynamos FC kana kuti Highlanders ‘Bosso’ yaive mitambo mikuru yaiteverwa nevatsigiri venhabvu.

“Panguva iyi Arcadia yainetsa zvikuru,” akadaro Joey.

Kubva paakatanga kurairidza nhabvu Joey anoti achiri kurangarira zvikuru gore ra2010 apo akatungamira Motor Action kuhwina mukombe wePSL.

Joey akarairidza Motor Action kwemakore isati yaburitswa muligi mugore ra2013 apo paakasiya basa mwaka uchiri pakati nekuti zvinhu zvakange zvisisina kumira zvakanaka kuchikwata ichi.

Parizvino ari kurairidza Chicken Inn iyo iri kusimukira zvikuru muPSL. Svondo radarika yakakunda Bosso 2-1 uye chikwata chake ndicho chakagara pamusoro pelog kubva pamitambo 10.

Svondo rino, Chicken Inn iri kunanga kuHwange uko ichanosangana neHwange FC kunhandare yeColliery.

“KuColliery kwakaoma kubuda kunotoda kushinga chaizvo, asi isu ticharwa semvumba kuti tigohwina mutambo wedu uyu.

“Mwaka uno tatanga zvakanaka asi tinofanirwa kuramba tichishanda nesimba kuitira kuti tigokwanisa kupedza tiri pazvikwata zvepamusoro.

“Hatidi kumhanya kutaura zvekuhwina ligi nekuti mitambo ichiripo asi chikuru ndechekuti tinofanirwa kuona zvemitambo yatinenge takatarisa panguva iyoyo,” akadaro Joey.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>