Uncategorized

baba Matipedza: vanasikana

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
baba Matipedza: vanasikana

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
YAKAVE batai-batai pachirongwa cheTilder Live Show panhepfenyuro yeStar FM nemusi weChipiri svondo rino apo mumwe murume, uyo ari kupomerwa kuti anoita vanasikana vake vakadzi achishandisa mishonga, akangoerekana apinda mustudhiyo maive nevana ava zvakaita kuti vose vafende.

Vasikana vaviri vekuDomboshava, kuGoromonzi ava – avo vatichapa mazita ekuti Chido (25) naChipo (20) – vakange vapotera kuchirongwa ichi vachitsvaga rubatsiro vachiti vane dambudziko rekugara vachiguswa vhudzi rekusikarudzi nemunhu wavasingaone uye vanoitwa vakadzi nevarume kuhope.

Uku vakange vaperekedzwa naamai vavo, avo vatichangoti Rungano (45), apo baba vavo – Aswell – vakangoerekana vapinda mustudhiyo pasina aizvitarisira.

Chirongwa ichi chaiitwa naOwen “Ollah 7” Madondo.

“Tinogerwa vhudzi redu rakavandika, kuveurwa chaiko tichizongofuma pasina chinhu. Asi, pazvinoitwa hatizvinzwe. Tinofumawo tiine zviratidzo zvekuti tiri kuitwa vakadzi tirere nevarume vatisinganyatsoona. Izvi zvinonyanya kuitika panguva yedu tose yekutevera apo tinoguma tasvitsa mazuva gumi tichijuja ropa,” anodaro Chido.

Vasikana ava vanoti dambudziko iri rakatanga mugore ra2015.

“Kwatinofamba tinonzi ndibaba vedu vanoita izvi nekuda kwemishonga yavakabva nayo kuMalawi. Hatiwane varume vekudanana navo kana vanoda kutiroora, watinoona bedzi ndibaba vedu vachitipindira mumba vachishinha nesu. Tatambura!” anodaro Chido.

Amai vevasikana ava vanoti pakutanga pavaitaurirwa dambudziko rine vana vavo vaifunga kuti kunyeba.

“Kwandinofamba nevana tinonzi vana vari kuitwa vakadzi nababa vavo asi handizvione kuti baba ava vanomuka nguvai vachienda kuvana vedu. Pamwe ndinosiya ndaisirwa duri ndoti munhu, hamheno,” vanodaro amai ava, Rungano.

Chido anoti chimwe chinovanetsa ndechekuti kwose kwavanofamba vachida kubatsirwa – kungave kumaporofita kana kun’anga – vanoshamisika kuwana baba vavo vatoveko.

“Baba vedu vanofembera kuburikidza nemishonga yavo kuti taenda kwakati, tovawana vavako,” anodaro Chido.

Pavairondedzera dambudziko ravo, Aswell akazoerekana apinda mustudhiyo chirongwa ichi chiri pakati zvikaita kuti vasikana ava varidze mhere. Vasikana ava vakatanga kubongomora kuchema ndokumhanya kunohwanda pasi petebhuru yemunhepfenyuro, vose vachibva vangofenda.

Amai vacho nerumwe rutivi vaichemawo.

“Nhaiwe Chido, toenda kupiko baba vaye vauya kuno kwatinoda kubatsirwa? Tiyamureiwo kani!” anodaro Chipo achizhamba.

Panguva iyi, Aswell aipopota achipomera mudzimai nevana vake kuti vari kuronga nyaya dzemanyepo.

“Nyaya yamuri kuita muno iyi ndeyemanyepo bedzi. Vana vangu matsotsi, vanofurirwa naamai vavo havachandida. Vakambozviita saka ndazviziva kuti vauya kuno,” anodaro Aswell.

Vashandi venhepfenyuro iyi vaona vanasikana ava vafenda kudaro, vakazoshevedza muporofita Madzibaba Steven Mugariri, uyo aiva kunze akamirira kupinda muchirongwa chake panhepfenyuro imwe cheteyo iyi.

Madzibaba Steven akasvikoporofita murume uyu ndokuti anogara nemushonga muchikoko chemachisi.

“Baba imi, taurai kuti mauya sei kuno uyewo maziva sei kuti mukadzi wenyu nevana vauya kuno? Imi mune mushonga wamunogara nawo muchikoko chemachisi, ndiwo unokutaurirai zvose zvinoitika pamba penyu nekwaenda vana venyu. Ndiwo unoita kuti mushinhe nevana venyu, uchitora vhudzi rakavandika revana venyu,” vanodaro Madzibaba Steven.

Aswell paakadirwa mvura yaiva yanamatirwa akazobvuma kuburitsa chikoko chaiva nemushonga waiva nemvere uyo akati ndewekutsvagisa basa nemari.

“Uyu mushonga wekutsvagisa basa chete, kwete wezvamataura. Munoda kuparadza imba yangu here?” anodaro Aswell.

Madzibaba Steven vakazotanga kunamatira vanasikana ava apo Madzibaba Clive Masango vekuRugare, muHarare vaivepowo vachimirirawo kupinda muchirongwa chavo chinoitwa panhepfenyuro iyi.

“Vana ava vanoitwa vakadzi nababa vavo nemishonga, asi amai vavo munozviziva nekuti munobika sadza moripakura muchiita zvekukutura pasina kushandisa mugwaku.

‘‘Imhiko yavakapihwa nemurume wavo uyewo mushonga unogara muchikoko vanouziva vose,” vanodaro Madzibaba Steven.

Amai vevasikana ava vakazobvuma kuti vanoziva mishonga yemurume wavo ndokuti vaitya kuzvitaura sezvo vachinzi vakangozviti bufu bedzi vanopondwa.

“Ichokwadi, ndinozviziva ndaitya kuuraiwa. Sadza ravo vanoda kuti ripakurirwe mundiro yemuti kwete yesimbi,” anodaro mukadzi uyu murume wake aripo.

Aswell akazoburitswa mustudhiyo apo akawana kunze kwaungana vanhu vaibva mumusha we- Mbare avo vaiti vaida kumurova zvikaita kuti azotizira mukombi yaidarika nemugwagwa waSimon Mazorodze ichipinda muguta reHarare.

Mushonga wake akaenda nawo uyo wakanzi naMadzibaba Steven waizomupandukira.

Share This:

Sponsored Links