Balotelli munyepi: Carragher

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Balotelli munyepi: Carragher

Kwayedza

SHASHA yekuongorora nhabvu paSky Sport News, Jamie Carragher, anoti Mario Balotelli akanyepera varairidzi vemutambo uyu vakawanda zvekusvika pakufunga kuti mutambi wemhando yepamusoro-soro.

Mutambi uyu ave pedyo kudzokera kuAC Milan uko achanotamba nechikwereti mushure mekupedza gore ari kuLiverpool abva kuchikwata chekuItaly ichi.

Balotelli akakwanisa kunwisa kamwe chete mumitambo 16 yeligi achitambira Liverpool mwaka wadarika uye Carragher anoti kutengwa kwake kwakakanganiswa zvikuru nemunhu wose kuLiverpool.

“Kutengwa kwaBalotelli kwakakanganiswa zvikuru nechikwata chose, kwete naBrandan Rodgers ega asi netransfer committee zvekare iyo yakamutenga,” Carragher akadaro mushure mekunge Liverpool yaita mangange 0-0 neArsenal musi weMonday Night Football.

“Akakurumidzirwa kutengeswa zvinenge zvakanakisa chose. Zvichiri kundinetsa kunzwisisa kuti vakamutenga. Zvake zvaramba kubudirira saka ngaachienda.

“Ari kunyepera vamwe varairidzi kana akaenda kuAC Milan.” — Sky Sports News.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>