Bambo orongera DeMbare

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

KUNOTSVA demo kugosara mupinyu svondo rino neMugovera kunhandare yeRufaro Stadium apo Dynamos ichasangana neHarare City mumutambo weCastle Lager Premiership uyo unozivikanwa nekuti Harare Derby.Mutambo uyu unorakidza kuti uchanakidza kukunda ngoma kurira sezvo uchange uri wekutanga uyo uchaona murairidzi weHarare City, Moses Chunga, achisangana neDeMbare iyo yaakatambira zvakanyanya.

Moses ‘Bambo’ Chunga

Moses ‘Bambo’ Chunga

Pose panotaurwa nezvevatambi vakanetsa kuDynamos FC, zita raChunga – uyo anozivikanwa nemazita emadunhurirwa ekuti Razorman kana kuti Bambo – harisari.

Chunga akapihwa basa rekutungamira Harare City kuti ipedze iri pazvikwata zvitatu zvepamusoro kozoti DeMbare iri kurwira mukombe wePSL kunyangwe hazvo yakatanga ichitatarika.

Murairidzi wevabati vepagedhi kuDeMbare, Gift ‘Umbro’ Muzadzi, anoti mitambo yakadai yakaoma zvikuru nekudaro vanofanira kutorwa semvumba.

Gift Muzadzi

Gift Muzadzi

“Mutambo wedu wakaoma uyu asi tave kuita tichisimuka palog, zvave kurakidzira kuti tine kwatiri kuenda.

“Mitambo ye‘derby’ yakaoma zvikuru nekuti angobwaira chete anodyiwa.

“Isu tiri chikwata chihombe tinofanirwa kuzvirakidza, kwose kwatinotamba tisu tinenge tichiita kunge tiri pamusha kunze kwekuBabourfields chete patinotamba neHighlanders,” anodaro Muzadzi.

Zvakadaro, Chunga anoti vatambi vechikwata chake vanofanirwa kukwiridzira masokisi avo apo vari kusangana neDymanos svondo rino.

Anoti vanofanira kugadzirira mutambo uyu uye vorega kuvarairwa zvichitevera kuhwinha kwavakaita mitambo miviri yadarika apo vakakunda Ngezi Platinum Stars 2-1 neBulawayo City 2-0.

“Ndinotarisa mutambo uyu zvakangofanana nemimwe mitambo uye ndinoziva kuti panogona kuve nekurongerana kwakasimba sezvinogara zvichiitika kana ndichitamba neDynamos ndiri kune chimwe chikwata,” anodaro Chunga.

Zvakadaro, mwaka uno wePSL uri kunakidza zvikuru sezvo zvikwata zvakasiyana zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura kozoti zvimwe zvakaita seBorder Strikers, Mutare City neTsholotsho zviri kutatarika.

 

CAPS United vs Bulawayo City

CAPS United yakatungamira palog svondo radarika zvichitevera kukunda kwayakaita Mutare City 2-0. Zvakadaro, svondo radarika kwakambenge kwaita nyonga-nyonga kuKepe-kepe zvichitevera kuramwa kwaiita vatambi vechikwata ichi kuita gadziriro dzavo vachichema-chema kuti vakange vasina kubhadharwa mari yavo yemwedzi wadarika.

Zvisinei, vatambi ava vakazowirirana nevakuru vechikwata ichi panyanya iyi zvakaita kuti mamiriro ezvinhu agadzikane.

Svondo rino Kepe-kepe ichange iri pamusha apo ichasangana neBulawayo City.

Bulawayo City, iyo yakapinda muPSL gore rino, iri kutamba nhabvu inonwisa mvura.

FC Platinum vs Triangle

ZPC Kariba masvondo adarika yakave iyo chikwata chekutanga kukunda FC Platinum iyo yange isati yambokundwa mumitambo inopfuura 20.

Svondo rino ZPC Kariba iri kusangana neTriangle kunhandare yeMandava Stadium, kuZvishavane.

Mitambo

 

CAPS United vs Bulawayo City

Chapungu United vs How Mine

Harare City vs Dynamos

Highlanders vs Kariba

Hwange vs Mutare City

Ngezi Platinum vs Border Strikers

Platinum vs Triangle United

Tsholotsho vs Chicken Inn

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>