Uncategorized

‘Batai munhu, zviri kuitwa handizvo’

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
‘Batai munhu, zviri kuitwa handizvo’ Madzimai Molline Mudzingwa vachibviswa zino Madzibaba Elias Gomwe

Kwayedza

Madzimai Molline Mudzingwa vachibviswa zino Madzibaba Elias Gomwe

Madzimai Molline Mudzingwa vachibviswa zino Madzibaba Elias Gomwe

MUTAURIRI wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Mai Audrey Tasaranarwo, vanoti zviri kuitwa nemuporofita weko, uyo ari kudzura varwere mazino achishandisa mawoko ake pasina zvimwe zvakaita semagirovhosi, zvine njodzi huru sezvo zvichigona kukonzera kupararira kwezvirwere.

“Pane zvakawanda zviri kukanganiswa apa sezvo munhu ari kuita izvi asina kudzidzira basa. Pamusoro pezvo, haapfeke magirovhosi.

“Panoitwa basa iri muzvipatara, machiremba vanopfeka magirovhosi anenge achangovhurwa achionekwa kuti haana utachiona nemajemisi. Apa zvakare hapazi kushandiswa jekiseni rechiveve kuti murwere adzurwe mazino pasina kurwadziwa,” vanodaro Mai Tasaranarwo.

Vanoti muporofita uyu akazivikanwa nevakuru vezveutano anogona kusungiswa nekuda kwezvaari kuita sezvo zvisiri pamutemo.

“Tine vamwe vanhu vanobuda ropa zvikuru, iro rinotozoda vanamazvikokota kuti murwere abatsirwe. Zvino madzibaba ava vanozviita sei kana pasvika pakadaro?

“Munhu iyeye anogona kufa. Ivo zvakare madzibaba ava vari panjodzi yekutapurirwa zvirwere kubva kuvanhu vavanobatsira.”

Vanoti pamutemo, mushure mekunge munhu abviswa zino anofanirwa kunwa mapiritsi ekupomhodza marwadzo izvo zvisiri kuitwa nemuporofita uyu.

“Vanhu vanoenda kumuporofita uyu kunobviswa mazino vachida kubatsirwa avo vanoti vanoshaya mari vanofanirwa kuenda kuzvipatara vonotaura dambudziko ravo sezvo vanogona kubatsirwa pachena,” vanodaro.

Machiremba emazino munyika muno anotungamirirwa nesangano reMedical and Dental Practitioners Council of Zimbabwe (MDPCZ) iro vakuru varo vasina kukwanisa kubatika kuti vapewo maonero avo pamusoro penyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>