Batsirai mwana Munenyasha

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Batsirai mwana Munenyasha

Kwayedza

AMAI vekwaNgorima, kuChimanimani, vari kutsvaga rubatsiro rwemari inosvika US$700 yekuti mwana wavo avhiiwe (oparesheni) kuitira kuti azokwanisa kuita tsvina nenzira kwayo sezvo pari zvino ari kuita nepadumbu.Mai Tambudzayi Mbuyi vanoti mwana wavo, Munenyasha Muchapondwa, anoda zvakare kuvhiiwa muromo, guvhu nemwoyo.

“Ndiri kukumbirawo rubatsiro rweUS$700 yekuti mwana wangu anovhiiwa kuAll Souls Mission Hospital, kwaMutoko. Ndiko kwandakanzwa kuti kune machiremba anokwanisa kubatsira mwana wangu uyo ane gore nemwedzi mishanu yekuberekwa.

“Mwana uyu ndakamusunungukira munzira ndichienda kuChimanimani General Hospital,” vanodaro.

Vanoti Munenyasha ane dambudziko remuromo wakanamira kumhuno (cleft lip).

“Anoita tsvina nepadumbu nekuti ndipo pakafanoiswa buri nemachiremba kuti afana kubatsirikana asi anofanira kuitwa imwe oparesheni yekuti akwanise kuita tsvina nenzira kwayo (colostomy).

Pamusoro peizvi, Munenyasha ane buri pamwoyo izvo zvinonzi anoda kuvhiiwa zvakare. Ane hernia paguvhuwo inoda kuvhiiwa,” anodaro Mbuyi.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi reutano nekurerwa kwevana (Director of Epidemiology and Disease Control), Dr Portia Manangazira, vanoti zviitiko zvakadai zvinogona kudzivirirwa kana madzimai achinge abaiwa majekiseni ekudzivirira zvirwere panguva iyo vanenge vakazvitakura kana kuti vasati.

“Tinokurudzira madzimai kuti ange achibaiwa majekiseni anodzivirira zvirwere kuitira kuti vasapedzisira vave kubara vana vakaremara.

“Zvinhu zvinodziviririka nyore uye zvisingadhure nekuti kazhinji kacho majekiseni iwayo anobaiwa pachena kuburikidza nezvirongwa zveHurumende muzvipatara nemumakirinika.

“Asi nekuda kwezvitendero kana kushaya hanya neruzivo kwevamwe, vanogona kuwanikwa vachiramba kuenda kunobaiwa majekiseni asi zvichizovadhurira apo vanosangana nematambudziko akadai,” vanodaro Dr Manangazira.

Vanoti dambudziko rine mwana uyu rinodaidzwa kunzi conjenital abnormalities uye anobatsirika kana vabereki vake vakakurumidza kuenda naye kuchipatara kunovhiiwa.

“Nemamiriro akaita mwana uyu, ane maoparesheni akawanda ayo anoda kuitwa paari saka anofanira kukasika kuendeswa kuchipatara chinoona nezvevana kana machiremba evana (peadiatricians) kuti abatsirwe.

“Pacleft lip, kune chirongwa chakange chiri kuitwa kuHarare Central Hospital neMpilo General Hospital, kuBulawayo, apo vana vakange vaivhiiwa vachigadziriswa nhengo dzemiromo idzo vakabarwa dzakaremara kana kuti dzisiri panzvimbo,” vanodaro.

Dr Manangazira vanoti panyaya yekuita tsvina nepadumbu, iyi ioparesheni yakaitwa pamwana uyu nekuti pamwe pacho anenge akatozvarwa asina nzira yekuita tsvina nayo.

Panofanira kubuda netsvina kana zvinhu zvakanaka, vanodaro Dr Manangazira, panenge pakavharika saka machiremba anovhura padumbu kuti awane kubatsirikana akamirira imwe oparesheni yekuti ange achiita tsvina nenzira kwayo.

“Matumbu emwana anenge asina kudzika kusvika panzvimbo inobuda netsvina saka panenge pachida kuti pagadziriswe nekuti dzimwe nguva anenge akatomonerana,” vanodaro Dr Manangazira.

Vanokurudzira mudzimai uyu kuti aende nemwana wake kukirinika iri pedyo uko anozonyorerwa magwaro ekuti ange achipfuudzwa kuzvipatara zvinoona nezvevana zvinova zvinobatsira kuti ayamurwe nekukasika.

“Chinonetsa ndechekuti munyika muno hamusati mave nemachiremba ane hunyanzvi hwekuita mamwe maoparesheni akadai secleft lip saka tinonyanya kubatsirwa nemachiremba anobva kune dzimwe nyika.

“Asi kana tikawana zvekushandisa zvakakwana, tinoona maoparesheni aya achiitwa muno nekuti machiremba emuno ari kutofundiswawo maitirwo emaoparesheni aya sezvo anoverengwa kuchikamu chemaEmergencies,” vanodaro.

 

Vangade kubatsira mwana uyu vanoisa mari muakaundi yeEcoCash yaTambudzai Mbuyi panhamba inoti (+263) 777 684 616.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>