Uncategorized

Bhudhi nasisi tiba murudo!

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Bhudhi nasisi tiba murudo!

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME wekwaNemangwe, kuGokwe, ari kudura kuti apengesana murudo nehanzvadzi yake zvekuti akatosvika pakuzvambaradza mukuwasha wake nekuda kweshanje zvikaita kuti apate musha.

Moses Dhlamini (45)

Moses Dhlamini (45) naShamiso Mbano Mhesi (33) — avo vagere mubhuku raTakavata — vari kupengesana zvekuti havatombonyara kuratidza rudo rwavo kuruzhinji zvisinei nekuti ihanzvadzi nehanzvadzi.

Amai vaDhlamini nevaMhesi mukoma nemunin’ina asi murume uyu akatosvika pakurwisana nemurume waMhesi — Jonathan Muchena (43) nekuda kwenyaya iyi zvikaita kuti mukuwasha atize pamusha pake.

Pachivanhu, vaviri ava — Dhlamini naMhesi — ihanzvadzi nehanzvadzi zvekuti havatenderwe kuita rudo pakati pavo. Izvi zvikaitika ndicho chinonzi chipini kana kuti makunakuna.

Muchena anonzi airohwa zvakaomarara naDhlamini nguva nenguva kudzimara azotiza pamusha pake mugore ra2012 ndokuenda kusina anoziva achisiya mudzimai wake nemhuri.

Mhesi naDhlamini vose vanotsinhira kuti vari kupengesana murudo — zvisingaite!

Mukuzobuda kwenyaya iyi, Muchena anonzi akawana runyerekupe rwekuti mudzimai wake aidanana nehanzvadzi yake Dhlamini, izvo zvakazoita kuti avawanikidze kakawanda vachishinha.

Muchena naMhesi vane vana vana pamwe chete uye mukadzi uyu anonzi akambotiza pamusha achienda kubasa kuKwekwe uko akanoita mumwe mwana wechishanu nechimwewo chikomba chaanoti ndechekuMhondoro.

Nyaya yekudanana kwaMhesi naDhlamini inonzi yakambopindirwa nevechikuru vemunzvimbo iyi asi vakakundikana kuvarambanisa.

Paakabvunzwa nezvemakunakuna aya neKwayedza, Mhesi haana kuramba kuti anodanana nabhudhi (hanzvadzi) wake.

“Murume wangu chaiye ndiJonathan Muchena, uyu bhudhi Moses Dhlamini chikomba changu bedzi. Ndakazodanana naye arambana nemukadzi wake, ininiwo murume wangu Jonathan aiita tsika yekunditiza nevana achitisiya tisina kana chekudya.

“Bhudhi ndakadanana naye mugore ra2012 apo murume wangu akabva azotiza pamusha zvachose, kusvika nanhasi handizive kwaari,” anodaro Mhesi asi kana nyadzi.

Anoti vakadanana naDhlamini asingazive kuti ihanzvadzi yake sezvo achiti vakakurira kwakasiyana.

“Takazoudzwa nevakuru kuti tiri hanzvadzi nehanzvadzi asi takanga tatova nenguva tichidanana. Murume wangu Jonathan ndiye akakonzeresa nyaya iyi nekuti ndakadanana naMossy kuti andichengetere vana vangu —kuvapinza chikoro nekutipa kudya.

“Murume wangu chaiye akabvira kare achingotiza mhuri, pamwe aitondisiya ndiine pamuviri achienda kuchikorokoza kuZenda,” anodaro Mhesi.

Asi Mhesi akazosanduka ndokuti Dhlamini anogara achimurovawo zvose nevana vake vashanu.

“Mossy anouya achirara pano husiku, asi anozoramba arimo mumba achiramba kuenda kumba kwake kusvika masikati. Chikomba chinofanirwa kuitwa muchivande, ndizvo zvandaida kuti aite asi iye anoramba kuita zvechihwande. Manje ini handichamuda nekuti anodzinga mwana wangu mukuru pano.”

Mhesi anotsinhira zvakare nyaya yekuti Dhlamini ndiye akarova murume wake kudzimara atiza musha nekutyira upenyu hwake.

Kwayedza payakasvika pamba paMhesi yakamuwana akatsvuka ziso ichiti ainge arohwa nezvibhakera naDhlamini.

“Ehe, anondichengeta asi ndaneta nekurohwa naye saka handichamuda. Asi iye haasi kuda kurambwa, ari kugara achipfurwa nerekeni nemwana wangu mukuru kubva pandakamuudza kuti handichada kumuona pamba pedu.

“Ndakamboenda kwasabhuku nekumapurisa ekuCMB asi hapana zviri kubatsira kuti Mossy abviswe pamba pangu,” anodaro Mhesi.

Dhlamini anonzi ari kubheja kuti haadi kuona mumwe murume anopinda mumba maMhesi achitiakadyiwa semuzhanje nehanzvadzi yake iyi.

“Mossy aimbogara kumba kwake ndokuzouya kuzogara pano zvachose kwenguva ingaite gore. Anondipa mari uyewo vana vangu vaviri ndiye anovapinza chikoro nekunditengerawo mbatya nedzevana nezvimwe zvepamusha,” anodaro Mhesi.

Mudzimai uyu, uyo anova nherera zvichitevera kushaika kwevabereki vake, anobvuma kuti Muchena akabvisa roora kuvabereki vake vachiri vapenyu. Dhlamini anotsinhirawo kuti anodanana nehanzvadzi yake achiti vakazviita vasingazive.

“Ehe, ihanzvadzi yangu asi rumwe rutivi mudzimai wangu. Tasvitsa makore gumi tichidanana.

“Takadanana tisingazivane, iye aisagara kuno uye ndisingazive kuti mukadzi wemunhu,” anodaro.

Anoti akadyiwa zvikuru naMhesi achimutengera zvekudya nembatya dzemhuri nedzake uyewo achiendesa vana vake kuchikoro nekumuvakira imba yekubikira.

“Ndakadyiwa mhani! Imba kicheni ndini ndakavaka, vana vake ndinoendesa kuchikoro uye zvekudya ndini ndinotenga.

“Murume wake ndakamurova, ndiye aindidenha. Ndinomuda mukadzi uyu zvekuti kana ini ndikadzokera kumba kwangu anonditevera nekuti ropa redu rakapindirana,” anodaro Dhlamini.

Anoti akazvipira kuripa Muchena uyo waakatorera mudzimai.

Ernest Muchena (16), mwanakomana mukuru waMhesi, anotsinhira kuti anopfura Dhlamini nerekeni.

“Ndinogara ndichimupfura nerekeni apo anouya kuzotaimira amai vangu. Tinomugaririra nevapfana vangu tichimurova. Akarova baba vangu kudzimara vatiza musha nesu. Iye zvino tava kugara nenhamo nekuda kwasekuru Mossy. Akaramba achiuya pano tichamuuraya,” anodaro Ernest.

Anoenderera mberi achiti: “Izvozvi hatizive kuna baba vedu, iye haadi kundiona pamba saka takamurongera. Achatama chete pamba pedu. Ndakaenda kunana babamukuru nanabamudiki ndikavataurira kuti vandibvisire sekuru Mossy pamba pedu asi havana kuzviita. Musha wababa vangu hauparadzwe ndiripo.”

Mukomana uyu anoti akatiza kurohwa naDhlamini pamusha apa uye ave kugara kumba kwababamudiki vake, Wellington Muchena.

Anotizve akabvunza amai vake nekuda kwenyaya yaDhlamini vanomutuka vachiti asiyane naye.

Mwanakomana uyu anoti zvakare akasvitsa nyaya iyi kumadzisekuru ake avo vanosanganisa Blessed Mbano.

“Nezuro chaiye (neChishanu svondo rapera) Mossy ndakamupfura nerekeni akaminyuka gumbo achitiza. Anombouya nesimbi achida kundirova nayo zvino hazvichaita, ndinoda kuti baba vangu vadzoke,” anodaro.

Ernest anoti akagumira Grade 7 ashairwa mari yechikoro sezvo baba vake vakadzingwa.

Mai Caroline Chigayo, avo vanova ambuya kuna Dhlamini naMhesi, vanoti makunakuna ari kuitwa nevaviri ava anonyadzisa zvikuru.

“Vaviri ava ihanzvadzi nehanzvadzi, vakasangana kwaamai asi vari kudanana.

“Nyaya yavo yanyadzisa muno uye vanoti havakwanise kurambana,” vanodaro.

Sabhuku vemusha uyu, VaJoseph Mafusa (52), vanoti vakaedza kugadzirisa nyaya iyi vakaitadza.

“Ndakashevedza chikomba nemuridzi wemukadzi naiye mukadzi wacho tikagara navo pasi mugore ra2012. Uyu Jonathan Muchena akati aida kuripwa mombe shanu, uyuwo Dhlamini akabvuma kuripa. Hapana chakabviswa kusvika izvozvi, asi mukadzi uyu ipfambi nekuti anodanana nevarume vakawanda muno,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMuchena sezvo asiri kuzivikanwa kwaari zvichitevera kutiza kwaanonzi akaita mushure mekuzvambaradzwa naDhlamini. Nyaya iyi inonzi yava kudare raMambo Nemangwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>