Caps, Harare City dhuma!

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Caps, Harare City dhuma!

Kwayedza

Abel Ndooka —
SVONDO rino nzira dzose dzinenge dzichinanga kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare uko CAPS UNITED ichange ichitatsurana neHarare City mumutambo weHarare Derby nemusi weSvondo.

Zvikwata zviviri izvi mumitambo yazvo yekutanga svondo rapera zvakaita mangange, CAPS UNITED 0-0 neShabanie Mine kozoti Harare City ikaita 0-0 neYadah Stars.

Saka svondo rino zvese zviri kuda zvibodzwa zvitatu kuti zvikwikwidze neChicken Inn, FC Platinum, Highlanders neNgezi Platinum.

Kepe-kepe, sezita remadunhurirwa reCAPS UNITED iyo iri kurairidzwa naLlyod Chitembwe, payakasangana neHarare City gore radarika yakahwina mitambo yayo yose. Pane wekutanga yakahwinha 2-1 uyo wakatambirwa kuNSS kozoti 1-0 kuRufaro Stadium.

Zvakadai, kutanga kwemwaka mutsva weCastle Lager Premiership svondo radarika kwakaona zvikwata zvizhinji zvichitamba nhabvu inodakadza parwendo rwekurwira mukombe uyo parizvino une CAPS UNITED.

Chicken Inn – iyo yakatorerwa mukombe gore radarika neCAPS UNITED – yakarakidza kuti ine huturu uye iri kuda kudzora mukombe wayakahwina muna 2015 apo yairairidzwa naJoey Antipas.

Chicken Inn yakadashura Bantu Rovers 5-0 izvo zvakaiona iriyo yakabva yatanga kuenda pamusoro pelog rePSL musvondo rekutanga.

Mwaka wa2017 uri kurakidza kuti uchanakidza kukunda ngoma kurira nekuti varairidzi vanoti Norman Mapeza weFC Platinum, Lloyd Mutasa weDynamos, Elroy Akbay weHighlanders, Mike Madzivanyika weHarare City naJairos Tapera weYadah Stars vose vari kurwira mukombe uyu.

Svondo rino apo PSL iri kupinda muvhiki rechipiri, Dynamos – iyo yakakundwa svondo radarika – iri kutofanirwa kurwa semvumba kuti ihwine mutambo wayo neTriangle igofambirana nezvimwe zvikwata zviri kuda kutora mukombe uyu.

Zvakadai, mubvunzo uri pamiromo yevatsigiri venhabvu vazhinji ndewekuti chii chaizvo chiri kumboitika kuDynamos FC chikwata chikuru chenhabvu chemuZimbabwe chine vatsigiri vakawanda?

Gore negore DeMbare chimwe chezvikwata chinenge chichitarisirwa kukwikwidza kurwira mukombe wePSL asi mwaka wadarika yakatokundikana kupedza iri pakati pezvina zvikuru zvenhabvu zvemuno.

Mwaka uno yakatanga nekukundwa 1-0 iri pamba payo neFC Platinum uye svondo rino ine rwendo rukuru rwekuenda kuGibbo Stadium kunosangana neTriangle United.

Mwaka wadarika, pakasangana zvikwata zviviri izvi mutambo wekutanga wakapera uri mangange 0-0 uyo wakatambirwa kuRufaro kozoti wechipiri DeMbare yakazohwina 1-0 kuGibbo.

Bantu Rovers chikwata chaMathembe Ndlovu yakabviswa chiri kumeso svondo radarika apo yakazvambaradzwa 5-0 neChicken Inn. Svondo rino iri panguva yakaoma zvakare sezvo iri kunanga kuMandava kunosangana neFC Platinum iyo ine hukasha hwekuda kutora mukombe wePSL.

Platinum yave nemakore ichingopotsa mukombe uyu nepadiki uye gore rino ikakundikana kuusimudza zvinogona kureva kuti Mapeza pake pamuperera.

Gore radarika, chikwata chake chakambotungamira muligi ndokuzodzikira chave kusvika kumagumo, CAPS UNITED ndokuchibvutira mukombe uyu pamuromo chaipo.

Kana paine chikwata chinofanirwa kungwarirwa mwaka uno iNgezi Platinum iyo iri kurairidzwa naTonderai Ndiraya.

Mumwaka wayo wekutanga muPSL, Ngezi Platinum Stars yakahwina mukombe weChibuku Super Cup izvo zvakaita kuti inokwikwidza kumutambo yeConfederations Cup umo yakazoburitswa neRecreativo do Libolo yekuAngola.

Gore rino, Ngezi Platinum yakatanga zvakanaka sezvo yakakunda Black Rhinos iyo ichangodzoka muPSL 1-0 uye svondo rino iri kunanga kuHwange kunosangana neHwange.

Mwaka wadarika pakasangana zvikwata zviviri izvi, mumutambo wekutanga Hwange yakahwinha 2-0 kuHwange kozoti Ngezi ikazohwinawo 3-0 kuBaobab Stadium kuMhondoro.

Zvakadai, kuBulawayo kuchange kuine Bulawayo Derby iyo ichaona Bulawayo City ichisangana neChicken Inn.

Bulawayo City svondo radarika yakakundwa 2-0 neHighlanders nekudaro inotofanirwa kukwidziridza masokisi ayo apo iri kusangana nemaGamecocks.

Mwaka wadarika pakasangana zvikwata izvi, Bulawayo City yakahwina mitambo yese 1-0.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>