Chakachaya muPsl

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka —
KUNOTSVA demo kugosara mupinyu vhiki rino neMugovera neSvondo apo zvikwata zvemuCastle Lager Premiership zvichange zvichikwikwidza kuti zviende pamusoro pelog.

Mwaka uno zvikwata zvakaita seBlack Rhinos zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura uye chimwe chezvikwata zviri kumusoro palog rePSL.

Svondo rino Rhinos iri kunanga kuMaglass Stadium uko ichasangana neShabanie Mine.

Chikwata chaStanford ‘Stix’ Mutizwa ichi chikaramba chichatamba nhabvu yepamusoro chine mukana mukuru wekupedza mwaka chiri pakanaka.

Chapungu vs Dynamos FC

Uyu mutambo uchange uchisuwisa zvikuru kuchikwata cheDynamos FC sezvo pachakapedzisira kuenda kuAscot Stadium gore radarika ndipo pakaitika njodzi iyo yakauraya vamwe vatsigiri vayo.

Asi DeMbare, iyo yave kutanga kusimuka palog, ichaedza nepainogona kuti ihwine mutambo uyu kuti idzokere pamusoro apo inonyatsozivisisa.

Ngezi Platinum vs Bantu Rovers

Tonderai Ndiraya ari kubata basa rinodakadza kuNgezi Platinum izvo zviri kuona chikwata chake chichimbogara panyanga muPSL palog.

Svondo rino chikwata ichi chikakwanisa kukunda Bantu Rovers kuBaobab chinogona kuramba chiri pamusoro pelog.

ZPC Kariba vs FC Platinum

Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa akabuda pachena kuti mwaka uno ari kuda kuhwinawo mukombe wePSL kozoti FC Platinum iri kutarisira kuti murairidzi wayo – Norman Mapeza – ahwine mukombe sezvo ave nemakore akawanda achingokundikana panguva yekupedzisira.

ZPC ndiyo yakagara pechitatu palog ichitevera mumashure meNgezi Platinum neBlack Rhinos.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>