Charles Manyuchi opinda muhondo!

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Charles Manyuchi opinda muhondo!

Kwayedza

Abel Ndooka
MANEJA weshasha yepasi rose yeWorld Boxing Council Silver Welterweight, Charles Manyuchi, anoti mutambo wake wesvondo rino neChishanu naJose Agustin Feria wekuColombia uyo uchaitirwa muguta reHarare wakakosha zvikuru kunyangwe usiri wekurwira bhande sezvo achaushandisa segadziriro yemakwikwi makuru anotevera.Manyuchi aifanirwa kusangana naDamien Martin wekuFrance achirwira kuchengetedza bhande rake reWorld Boxing Council asi akakundikana kuuya kumutambo uyu.

Maneja waManyuchi, Chris Malunga weOriential Quarries Boxing Promotions, anoti vakafunga zvekutsvaga Feria sezvo Martin akazovazivisa pasisina nguva kuti haachakwanise kuuya kuzokwikwidza.

Anoti mutambo uyu wakakosha zvikuru sezvo vari kuushandisa segadziriro apo Manyuchi achazosangana naDmitry Mikhaylenko wekuRussia, uyo waakakunda kutanga kwegore rino, muna Mbudzi.

“Taitarisira zvikuru kuti Manyuchi arwire kuchengetedza bhande rake naMartin asi mutambi wekuFrance uyu akazongotizivisa kuti haasi kukwanisa kusangana naye, uyewo isu hatizive zvikonzero zvake.

“Manyuchi achasangana naJose Agustin Feria chizvarwa chekuColombia mumutambo usiri wekurwira bhande. Mutambo uyu achaushandisa segadziriro sezvo tave kutarira kuti achazorwa naDmitry Mikhaylenko wekuRussia zvakare,” anodaro Malunga.

Mutambo waManyuchi uyu uchaonawo Lolita Muzeya wekuZambia achirwira bhande reWBC naAgnes Mtimaukena wekuMalawi. Vatambi vemuno vane chitsama vanoti Tinashe Mwadziwana, Trevor Mpofu, Anyway Katunga, Wesley Mcdade naTinashe Mutodza vacharwawo nevakasiyana vekune dzimwe nyika pamutambo uyu.

Mpofu weboka reheavyweight acharwa naAlick Gogodo wekuMalawi, Katunga weflyweight atatsurana naAlfred Muwowo wekuZambia, Mcdade achasangana naDonald Kamupamba mucruiserweight.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>