Chikosoro munguva yechando

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
Chikosoro munguva yechando

Kwayedza

ZVIRWERE zvechikosoro kazhinji zvinobata vanhu vemazera ose munguva yechando apo muviri unopindwa nekutonhora kwakanyanya.

Kune utachiona hunodarika mazana maviri hunokonzera chikosoro asi chinorapika kuburikidza nekushandisa mishonga inodaidzwa kuti maAntibiotics. Asi dzimwe dzenguva chikosoro chinogona kungopera chega pasina kushandisa mishonga.

Dr Bernard Madzima, avo vanova director kuchikamu cheMaternal and Child Health kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti chikosoro chinokonzerwa nechando chinokanganisa mashandiro akanaka emhuno nepahuro asi chinokwanisa kupera chega mukati memasvondo maviri.

“Zviratidzo zvechikosoro ichi zvinosanganisira kurwadziwa nepahuro pachiita sepane maronda, kukosora nekuvhara kwemhuno nekuda kwedziwa uye kuhetsura. Varwere vechikosoro vanokurudzirwa kunwa mvura yakawanda, kudya kunovaka muviri uye kunwa mapiritsi anotanda marwadzo kuitira kuti muviri usapise zvakanyanya,” vanodaro Dr Madzima. Vanokurudzira varwere kuti vaende kuchipatara kana vachinge vaona zviratidzo izvi.

“Kupararira kwechirwere ichi kuri nyore, kunogona kubva pakukwazisana nemawoko nemunhu ane chikosoro kana kufema mweya une utachiona uhwu apo vanhu vanokosora kana kufurira dziwa ravo pose-pose. Tinokurudzira vanhu kuti varegedze kushandisirana matauro mudzimba uye kuti vaye vanenge vachikosora vavhare miromo yavo kuitira kuti utachiona husadaukire kune vamwe,” vanodaro.

Senzira yekudzivirira chikosoro, vanhu vanokurudzirwa kugara vakapfeka mbatya dzinodziya uye kugeza mvura inodziya kuitira kuti muviri usapindwe nechando.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>