Uncategorized

Chimurenga: Masvikiro akabatsira

23 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Chimurenga: Masvikiro akabatsira

Kwayedza

Kingstone Mapupu
HONDO yeChimurenga yaive yechirwirangwe, apo vanoita zvechivanhu semasvikiro nen’anga vaishanda pamwe chete nevarwi, chinangwa chiri chekusunungura nyika yeZimbabwe kubva kuhutongi hwevadzvanyiriri.Kazhinji, varwi vehondo ava — makomuredhi — vaiti vakasvika mudunhu vaitanga vaenda kumasvikiro emo kuti vapihwe gwara rekufamba naro. Cde Renious Gomba (65), avo vaiva mujibha mudunhu reMhondoro — kubatanidzira nekuBeatrice, Marirangwe neNorton — vanoti masvikiro akabatsira zvikuru mukurwiwa kwehondo yerusununguko. Cde Gomba, avo vanovawo sachigaro wesangano reZimbabwe Liberation War Collaborators (ZILIWACO) mudunhu reMhondoro, vanoti masvikiro anofanira kuremekedzwa nebasa guru ravakabata muhondo yeChimurenga.

“Kwose kwataienda tiine vakomana (makomuredhi) ava taitanga nekusvika kumidzimu nemasvikiro totaurirwa zvinodiwa munzvimbo imomo izvo zvakaita senzvimbo dzinoyera nezvinodiwa nemidzimu yemo. Taiudzwawo kuti tisaite cheupombwe, kudhakwa uye kusaba zvinhu zvevanhu.

“Kana hondo ichiuya taitotaurirwa kana kunzi ibvai munzvimbo ino nenguva dzakati, zveshuwa tichibva waitoona ndege dzaisara dzichisvika kana motokari dzemasoja (evadzvanyiriri),” vakadaro.

“Semudunhu rino reMhondoro nekuNorton, Marirangwe neBeatrice, masvikiro anosanganisira Sekuru Mushore, avo vakazoguma vave kugara kuNharira, kuNorton, vakashanda zvikuru nevarwi vehondo yerusununguko.”

Cde Gomba vanoti rimwe remasvikiro akabatsira zvikuru muhondo kuMhondoro ndiVaNever Munaku (78) avo pari zvino vave kanzura weWard 10 mudunhu iri.

Vanoti dzimwe hondo dzakarwiwa kuMhondoro mushure mekunge vabatsirwa nemasvikiro dzinoti yekwaMonera, kwaMagwagwa, kwaMutukwa nekuna Mupfure.

“Takarwa muno nemaCdes aitungamirirwa naSection Commander ainzi Cde Sachiweshe kana kuti Disperse Pasi Pano Pashata. Vamwe ndevaiti Cde Moto Moto, Chengetai Nherera, Bvumazvipere, Green Blood naChapungu.

Mabhesi edu makuru aiva kuMarirangwe kupurazi rekwaGarise, kwaMagwagwa nekuna Mupfure kwaMudzurahona,” vakadaro.

VaMunaku, avo vanonzi rimwe remasvikiro akashanda nevaiva varwi vehondo mudunhu iri, vanoti hakuna chaiitwa muhondo pasina kutanga masvikiro nevadzimu vaturirwa.

“Hakuna murwi wehondo akapinda muno muMhondoro asina kudarika nemubanya mangu. Vaiuya nezvombo zvavo, kusanganisira pfuti, iwo mabazooka aya, nedzimwe zvoiswa mubanya tozviyeresa vasati vatanga kunorwa.

“Vaitaurirwa zvaidiwa zvose nemhiko, vaiuya usiku hwega-hwega vachitaura nemudzimu nekubvunza mafambiro vachirairwa. Masvikiro akaita basa guru muno,” vanodaro.

Vanoti pane chimwe chiitiko apo varwi ava vakataurirwa nezvehondo yaizoitika kwakasarudzwa nemidzimu vanhu vana vakanzi ndivo vaifanirwa kuzonoridza chete pfuti vamwe vakahwanda. Izvi vanoti zvakaitika pahondo yekuna Mupfure uko mabhunu akarakashwa.

“Saka nanhasi uno munhu akaterera midzimu yake haambofa akatsaudzira paupenyu hwake, zvinomufambira,” vanodaro.

Imwe n’anga, VaFreddy Makudo (43) vekuEpworth, asi vachibva kwaChihota, vanoti mimwe mitemo yaishandiswa muhondo yeChimurenga yaibva kumasvikiro nekudzin’anga.

“Ndokusaka mainzwa kuti maCdes aisanduka kuita mombe kana matombo, aiva maminimini evadzimu vaida kuti nyika yavo isununguke nekuvanza vana vavo,” vakadaro.

VaEmanuel Dhliwayo (51) vanogara kuKuwadzana asi kumusha vachibva kuChipinge, vanoti masvikiro anofanirwa kuramba achiremekedzwa.

“Varwi vehondo vaitaurirwa kuti musaridze pfuti pose-pose uye vachinzi vasapfure mhuka, vaipihwawo bute,” vanodaro.

Mbuya Pitypeace Dube (55) vekuGweru, vanoti vairota hope dzaidudzira kufamba kwevarwi vehondo ava.

“Ndaigona kurota ndege kana shiri dzakawanda kana moto waibvira. Hope idzi dzaibva dzasvitswa kuvarwi avo vaibva vatora matanho ekugadzirira kana kusuduruka munzvimbo. Saka isu sen’anga nemasvikiro tiri kupemberera zororo iri nechido nekuti takariunza,” vanodaro Mbuya Dube.

Mashoko avo akatsinhirwa naMbuya Dorothy Manhenda (49) vekuDomboshava, avo vanova chiremba wechivanhu.

“Varwi vehondo vainzvengeswa muchitozonzwa kuti makomuredhi apesana nemabhunu mubani risina miti, vasina kuonana. Saka chivanhu tikachirasa nyika yedu haifambe zvakanaka,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links