Uncategorized

Chitunha chemwana kuseri kwe‘door’

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Chitunha chemwana kuseri kwe‘door’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VAGARI vekwaJacha kuEpworth, muHarare, vakasara vasina neremuromo nguva pfupi yadarika apo mumwe mudzimai weko akaenda kunoramwira chitunha chemwana wake mucheche kumba kwehanzvadzi yemurume waari kupomera kuti ndiye akamupa mimba.

Nyevero Matanhuse (33) anoti akamitiswa naDickson Mutize zvisinei nekuti murume uyu ari kuzviramba.

NYEVERO MATANHUSE

Matanhuse anonzi akazosununguka mwana uyo akazofa ave nemwedzi mipfumbamwe yekuberekwa.

Mushure mekufa kwemwana uyu, Matanhuse anonzi akabatsirwa nevamwe vanhu kutakura mutumbi wake ndokuenda kunouramwira pamba pehanzvadzi yaDickson inonzi Agnes Mutize (32) sezvo Dickson achigara kuKaroi.

Agnes anotsinhira chiitiko ichi achiti Matanhuse akaramwira chitunha chemwana uyu kumba kwake.

“Ini zvangu ndakange ndagara ndanyeurirwa nemumwe sahwira wangu kuti paive nevanhu vari kuronga kuzoramwira chitunha chemwana wavo pamba pangu. Saka ndakagara ndabva pamba ndikanorarira kumwe, asi vana ndavakasiya pamba.

“Mangwana acho makuseni, kuma6, ndava kubva kwandakarara kuye, ndipo pandakaona Matanhuse aine vamwe vanhu vakabata mwana akafa uya vachibva vamutsveta kuseri kwemusuwo wemba yangu. Ndakaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaDomboramwari uye pandakadzoka ndakawana chitunha chemwana uyu chaiswa mumba chaimo, chakaputirwa nemachira,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Patakaenda kumapurisa, hapana dhoketi rakavhurwa asi vakayambira Nyevero kuti aende kunotora mwana wake avige vachiti akanga apara mhosva pakuramwira mwana mumba mangu pachinzvimbo chekuti atsvage baba vemwana.”

Agnes anoti mushure mekupindira kwemapurisa, Matanhuse akazodzoka nevamwe vake ndokutora mutumbi wemwana uya vachibva vanouviga kumakuva ari kwaChiremba, ikoko kuEpworth zvisinei nekuti kunze kwakange kwatosviba.

Matanhuse akaudza Kwayedza kuti Dickson ndiye baba vemwana akafa uyu.

AGNES MUTIZE

“Takatombogara tese naDickson pamba patete Agnes kwandakanoramwira chitunha chemwana ichi nekuti vanoziva nyaya yacho. Kubva kwandakaita pamba patete ndava kunoroja, yaiva nyaya yekuti vakanga vati havachakwanisa kutichengeta vakatipa choto vachiti tibike toga. Tete Agness naBernard vanogona kuramba havo asi nyaya yemwana vanoiziva kubvira ichiri nhumbu,” anodaro Matanhuse.

Anoti musi washaya mwana, akatomboedza kufonera Dickson asi nhare yake yaisabatika zvikaita kuti atume mwana kunoshevedza Agnes uyo akati aisakwanisa kuuya.

“Muridzi wemba yandinoroja akanditi hazviite kuti ndivige mwana hama dzake dzekumurume dzisingazvizive, ndiko kusaka takazoruka zano nevamwe vataichema navo pano kuti tiendese chitunha kwatete.

“Hazvirevi kuti takavaramwira asi kuti taida kuti tibatsirane pakuviga mwana. Kudai ndakaramwa mwana ndingadai ndakangonyangarika,” anodaro.

Muridzi wepamba panoroja Matanhuse, Mai Lucia Zvenyika (48), vanotsinhira kuti vakamubatsira kunosiya chitunha chemwana kumba kwaAgnes vachiti vakanga vaona zvisingakodzeri kuti mwana uyu avigwe pasina hama dzekwababa vake.

“Pakutanga, ndakatuma mwana kuti anodaidza tete vacho asi vakati havakwanisi kuuya nekuti vanorwara zvekutoda

kutakurwa nengoro kana bhara. Ndipo patakazosimuka tonosiya chitunha,” vanodaro.

Agnes anotiwo chimwe chiri kumunetsa ndechekuti musi waramwirwa chitunha chemwana uyu, pamba pake pakazosvika nyoka yemhando yemhunzamusha iyo inonzi inoyera kana kuti inoshura pachivanhu.

“Musi wakare uyu, ini semunhu asiri kunzwa zvakanaka, ndakanga ndakagara hangu pacheya ndiri pamba mushure mechiitiko ichi ndipo pandakaona nyoka yatodarika nekuseri kwemakumbo angu ndichibva ndadaidzira muzukuru wangu Bernard Mutize (28) uyo akazouraya nyoka iyi. Akabva aipisa asi chakatishamisa ndechekuti mangwana acho takamuka tichiona nyoka iya isisipo pasi pemuti payakapisirwa,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa naMai Ruth Maunganidze, anova muzukuru wake, vachiti kuramwirwa chitunha kwakavashamisa.

Bernard anotsinhirawo ne- zvenhau yekuramwirwa kwakaitwa chitunha pamba pavo uye kuuya kwenyoka iyo akazouraya.

Mai Nyasha Mupazviriwo (23), vemunharaunda iyi, vanoti itsika yakaipa yekuramwirana chitunha.

“Ndinoti kune mamwe madzimai kana muchinge mamitiswa, dzidzai kutaurirana nevarume uye hama dzevarume zvinhu zvichakanaka pane kuzouya nechitunha nekuti imhosva inosungisa,” vanodaro.

Kwayedza haana kukwanisa kutaura naDickson nezvenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links