DeMbare ingamise CAPS here?

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
DeMbare ingamise CAPS here?

Kwayedza

Abel Ndooka
NZIRA dzose svondo rino nemusi weSvondo dziri kunanga kuNational Sports Stadium muHarare apo makara asingaonani CAPS United neDynamos FC zvichasangana mumutambo weHarare Derby. Kubva kare, vatsigiri venhabvu vanoziva mutambo uyu wakaoma zvikuru uye pose paunowanzotambwa chikwata chinohwina ndicho chinobva chatora mukombe wePremier Soccer League.

Zvakadaro, kwengu varefu mwaka uno, FC Platinum ndiyo yange ichingotungamira palog asi svondo radarika kukundwa kwayakaitwa neHarare City zvakabva zvashandura zvinhu sezvo chikwata chaLloyd Chitembwe (CAPS United) chakakunda Border Strikers 3-1 zvakabva zvachisimudzira kuenda pamusoro pelog.

Kwasara mitambo mina chete kuti mwaka wa2016 wenhabvu uchipera uye Kepe-kepe inofanirwa kuhwina mitambo yayo yose, kutanga newesvondo rino apo ichasangana neDeMbare. DeMbare, mumutambo uyu iri kuda kutsividza kukundwa kwayakaitwa mwaka uchingotanga apo parikitwa 1-0 neKepe-kepe mushure mekunge yapedza makore matanhatu isati yambokundwa.

Izvi zviri kureva kuti DeMbare, iyo iri kurairidzwa naLloyd Mutasa, inotofanirwa kurwa semvumba. Zvakadaro, FC Platinum svondo rino iri kusangana neNgezi Platinum uye ichange ichidya marasha zvichitevera kubviswa kwayakaitwa pamusoro pelog neCAPS United svondo rapera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>