Uncategorized

Dhuma-dhuma nehaka paMbare

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views
Dhuma-dhuma nehaka paMbare

Kwayedza

MHOMHO yevanhu yakaita chapwititi kumhanyira kuMbare mangwanani emusi weChipiri svondo rino vachida kunoona mhuka yehaka mhenyu yaiveko.
Vanhu vakaungana vachiita sevachatsikirirana kuti vaone chipuka chesango chisingaonekwe pose-pose ichi.

Haka iyi yakazoendeswa kukamba yemapurisa eMbare uko yakazotorwa nevebazi reParks and Wildlife Management Authority.

Kuti izosvika kuMbare, musha unogara vanhu vakawanda muHarare, haka iyi inonzi yainge yaonekwa nevarume vatatu vanogara kunzvimbo dzakasiyana nemusi weChipiri uyu papurazi reMachona riri kuBeatrice apo vaive pachiteshi chemabhazi.

VaNimrod Mupedzamakombe (48) vekuMashonda Farm, VaMaxwell Bosha vanobva kwaNyamweda kuMhondoro naVaTendai Mukombegumi (39) vekuNorton, vanoti vakaona haka iyi apo vaive vakamirira kukwira bhazi rinoenda kuHarare munguva dzemambakwedza.

VaMupedzamakombe vanoti vakazadzwa nemufaro nekuona kwavakaita mhuka iyi sezvo vachiti inonzi inounza rombo rakanaka kana munhu akaiona.

Vanoti vakazowirirana nevamwe vavo kuti vanoipereka kumapurisa nekuti vanoziva kuti imhosva kana munhuwo zvake akawanikwa ainayo.

“Ndanzwa kufara zvisingaite, haka imhuka inobatanidzwa nezvinhu zvakanaka chete. Nokudaro tangowirirana kuti tiiunze kumapurisa. Zvinoreva kuti tichaita rombo rakanaka, zvechitsotsi hazvina kumbobvira zvauya muhana dzedu nekuti mutemo wakagadzirirwa vanhu vanoutyora,” vakadaro VaMupedzamakombe.

VaBosha vanofungidzira kuti haka iyi yakabva mumasango ekwakare kuBeatrice. “Tatongoiona takamira pabus stop zvekuti tatozokumbira kuti tiuye nayo kumapurisa asi inenge yabva musango nekuti kumapurazika uku. Dai mumwe munhu aiona aigona kutobatwa nemweya wekuiuraya kuti aite usavi, kanyama kemadzimambo aka,” vakadaro vachiseka.

VaMukombegumi vakati vakanzwa manyunyuku nekuona kwavakaita haka iyi.

Officer-in-Charge (administration) pakamba yemapurisa yeMbare, Inspector Wellington Mukahiwa, vakatsinhira nyaya iyi.

“Ichokwadi, pane varume vatatu vauya nehaka kubva kuBeatrice vachiti vaiona pabus stop. Takatomirira veParks and Wildlife kuti vauye vaite basa ravo,” vakadaro Inspector Mukahiwa.

Investigations Officer vekubazi reParks and Wildlife Management Authority, VaRobert Choma, avo vakazotora haka iyi, vakati vachatanga vaiongorora kana pasina payakakuvadzwa vasati vaidzosera musango.

Haka imhuka inogara musango, haiwanikwe pose-pose uye pasichigare yaidyiwa nemadzimambo chete.

Share This:

Sponsored Links