Diamond FM yoita zveutano

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Diamond FM yoita zveutano

Kwayedza

Tandayi Motsi
NHEPFENYURO yeDiamond FM, iyo inotepfenyura iri kwaMutare uye iri pasi pekambani huru mune zvenhau munyika muno yeZimpapers, yakatanga chirongwa chekutepfenyura kunze kwemastudio nedonzvo rekusimudzira nyaya dzeutano. Chirongwa ichi, cheMobile Integrated Social and Health Awareness Approach (MISHAA), chinosanganisira kurwisa chirwere chegomarara. Chiri kuitwa munzvimbo dzakasiyana dzemudhorobha iri nekumaruwa akapotedza.

Varwere vegomarara vachange vachiwaniswa mukana wekukurukura matambudziko avari kusangana nawo nekuda kwedenda iri uye vachapangwa mazano nenyanzvi.

Mukuru weDiamond FM, Leander Kandiero, anoti chirongwa ichi chiri kuitwa pasi pedingindira rinoti “Radio without boundaries-bringing radio closer to you,” uye chine donzvo rekusimbaradza hukama pakati penhepfenyuro iyi, vatereri nevatsigiri vayo.

“Vatereri vedu vanowana mukana wekusangana nevashamarari, kudzidza nekuhwinha mibairo inobva kuDiamond FM nevatsigiri vayo. Tiri kufara zvikuru nezvirongwa izvi nekuti zvinozadzikisa chivimbiso chedu chekutepfenyura tiri kunze kwemastudio edu,” anodaro Kandiero.

“Tinonyanya kufara kuti tiri kusimudzirawo nharaunda dzedu. ‘‘Nguva pfupi yadarika, takatepfenyura tiri pachitoro cheTM kuChikanga apo takakurukura pamusoro penyaya yechibharo nesangano reChildline pamwe chete nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP). Tiri kukurukura zvakare pamusoro pechirwere chegomarara neveIsland Hospice,” anodaro Kandiero.

Kupa chenjedzo pamusoro pegomarara zvinoenderana nechirongwa cheZimpapers chekudzorera kuruzhinji apo kambani iyi iri kubatana neveIsland Hospice mukuona kuti ruzivo pamusoro pechirwere ichi rwasvitswa kune veruzhinji.

Chirongwa cheDiamond FM chekutepfenyura kunze kwemastudio chinoitwa musi weChitatu svondo rega-rega nenguva dza1500 kusvika 1800. Diamond FM inhepfenyuro yechipiri yeZimpapers iyo inotepfenyura iri maMutare kunzvimbo dzakapoteredza dhorobha iri. Imwe nhepfenyuro yekambani iyi iStar FM.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>