Ebola haiparadzirwe nehumhutu

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
Ebola haiparadzirwe nehumhutu

Kwayedza

CHIRWERE cheEbola chiri kuramba chichitekeshera kunyika dziri kuWest Africa uye kushaya ruzivo pamusoro pedziviriro pamwe nekupararira kwacho ndiko kuri kuwedzera dambudziko redenda iri.

Ongororo yakaitwa nesangano reCentre for Disease Control (CDC) inoratidza kuti chirwere cheEbola hachiparadzirwe nehumhutu asi kuti mhuka dzinoyamwisa vana vadzo dzakaita setsoko, zvimupanzi kana vanhu.

Izvi zvinotevera kutya kwange kwave muruzhinji apo vaifunga kuti sezvo humhutu huchinwa ropa revanhu, hunogona kubatsira mukupararira kweEbola.

Vanhu zvakare havabatire Ebola kana vakahetsurirana kana kukosorerana sezvo utachiona uhu husingafambi mumhepo.

Zvisinei, sangano reCDC rinoti kana munhu achinge ave nezviratidzo zveEbola, akakosora kana kuhotsira, utachiona hukaita mikana yekupinda mumaziso kana mukanwa memunhu asina, anogona kubatira uye zviri kunyanya kuwandira kuvarapi nevanhu vanenge vachipepa varwere.

Kupararira kweEbola hakutore nguva refu kana zvichienzaniswa nezvimwe zvirwere zvakaita seHIV kana gwirikwiti.

Chirwere cheEbola chasvika pachidanho chipi?

Ebola iri kuramba ichishungurudza vanhu uye pari zvino vanhu vanodarika 20 000 vabata chirwere ichi kukafa 8 000 munyika pfumbamwe.

Chirwere ichi chave kuita kuti kunyangwe vaongorori vasvike pakupererwa nemazano pamwe nekushaya taririro apo vanenge vave kubvunza mubvunzo wekuti chingazopera rini? Asi hapasi kuwanikwa mhinduro.

Rimwe dambudziko nderekuti chirwere ichi chinogara mumhuka nokudaro zvingareva here kuti mhuka dzose dzinofungirwa kuti dzinokonzera kupararira kweEbola dziuraiwe?

Varapi nevabatsiri kunyika dzine Ebola vachine tariro yekuti kana vakawaniswa rutsigiro rwemari uye pakaitwa ongororo yakasimba, chirwere ichi chinogona kupera.

Ndezvipi zviri kudzosera hondo yekurwisa Ebola shure?

Nyaya dzetsika nemagariro uye zvitendero ndidzo dzimwe dziri kuonekwa dzichiita kuti kurwiswa kweEbola kutadze kubudirira. Zvakaonekwa kuti kunyika dzine chirwere ichi, kune vamwe vanhu vari kutevera kumakuva anenge avigwa hama dzavo dzinenge dzafa neEbola vachinodzifukunura vodziviga ivo pachavo vachiita chivanhu chavo chakadai sekudzishambidza nezvimwe zvakawanda.

Vamwe vachiri kuramba vachitevedza maitiro anokonzera kupararira kweEbola sekutsvodana, kupinda munyaya dzepabonde pasina dziviriro, kudya nyama dzemhuka dzine utachiona hweEbola nekusangana nevanhu vane chirwere ichi nezvimwe.

Madzimai akazvitakura mamwe achiri kuenda kunosunungutswa mudzimba kana kumakereke nevanhu vasina kufundira basa iri zvinoita kuti chirwere ichi chirambe chichipararira.

Nyaya dzekukwazisana nemawoko ndiro rimwe dambudziko guru sezvo chatove chijairira kuti vanhu vanokwazisana nechanza kana kumbundirana kuratidza rudo.

Zvii zviri kuitwa mukurwisa Ebola?

Vagari vekumaruwa ndivo vanhu vari kusaririra mukuwana mashoko uye ruzivo maringe nechirwere cheEbola sezvo vazhinji vacho vachigara kunzvimbo dzakasaririra dzinonetsa kusvika takatarisa nyaya dzemigwagwa, nhare, masaisai nezvimwe zvakawanda.

Masangano ari kutsigira zvirongwa zvekurwisa Ebola ari kuenda kunzvimbo idzi achikusha mashoko echenjedzo pamwe nekubatsira vanhu nenzira kwadzo dzekurapwa uye kupatsanura vanorwara kubva kune avo vasina denha iri.

Sangano reWorld Health Organization rinoti kune ongororo yemishonga yekurwisa Ebola yakaitwa iyo iri kutarisirwa kuti inogona kubudirira mukurapa chirwere ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>