Gomarara reNon-Hodgkins Lymphoma

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Gomarara reNon-Hodgkins Lymphoma

Kwayedza

TINORAMBA tichikupakurirai ruzivo maringe nemhando dzemakomarara akasiyana. Svondo rino tiri kutarisa gomarara remhando yeNon-Non-Hodgkin lymphoma.

Gomarara iri rinowanikwa munhengo dzinofanira kunge dziri kudzivirira muviri kubva kuzvirwere (lymphatic system) munova munowanikwa ropa remhando remawhite blood cells.

Zvikonzero chaizvo zveNon-Hodgkin Lymphoma hazvizivikanwe asi kune zvinhu zvakawanda zvinoita kuti vanhu vange vachisangana nedambudziko iri izvo zvinosanganisira:

  •  Kuva nemasoja emuviri akaderera nekuda kweHIV kana zvimwe zvirwere zvinoderedza muviri kuti unge uchirwisa zvirwere.
  •  Kutora mishonga inoderedza kugwinya kwemuviri, zvikuru sei mushure mekuiswa mimwe mitezo yemuviri.
  •  Kuva nezvirwere zvinokonzerwa nekuderera kwemasoja emuviri zvakadai serheumatoid arthritis.
  •  Kana uine Epstein-Barr virus – inokonzera chikosoro chinodaidzwa kunzi glandular fever
  •  Kana wakambopiswa masero anokonzera gomarara (chemotherapy)

Zviratidzo:

  • Kuzvimba kusina marwadzo, zvikuru sei pamutsipa, muhapwa nepakati pemakumbo.
  •  Kuderera kwehuremu hwemuviri
  •  Kukosora
  •  Kudikitira munguva dzemanheru
  •  Kuneta
  • Kunetseka pakufeka, mudunbu nezvimwe.

Ongororo:

Machiremba anocheka chinyama panzvimbo yakazvimba icho chinonovhenekwa kuti paonekwe kuti igomarara remhando iyi (biopsy).

Mushure meizvi, munhu anovhenekwa ropa rake kuti paonekwe huwandu hwemawhite blood cells uye mashandiro anenge ari kuita chiropa neitsvo dzake.

Murwere anotorwawo X-Ray kuti paonekwe kuti gomarara iri rinenge risina here kupararira nemuchipfuva.

Panoitwa zvakare Magnetic Resonance Imaging(MRI) Scan kuti paonekwe kuti gomarara rinenge risina kupararira here nemuviri wese.

Marapirwo:

Kurapwa kwegomarara rerudzi urwu kunoenderana nekuti rinenge rasvika pachidanho chipi. Izvi zvinoitwa nenyanzvi dzinodaidzwa kunzi maOncologist kana kuti Haematologist.

Kurapwa kwegomarara remhando iyi kunosanganisira chemotherapy kana kuti radiotherapy.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>