Uncategorized

Handichafa ndakaba: Mbavha

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Handichafa ndakaba: Mbavha

Kwayedza

“NDAPFIDZA! Handife ndakaba futi. Ini hangu ndini ndingatobirwa!”

Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemumwe murume — anga ari zimbavha remakoko, uyo akazogadzirwa ndokusara ave bofu uye amera mazamu makuru kunge musikana.George Gambe (36) uyo anobva kuBocha, kwaMarange, akauya kuzozvipira kuKwayedza nemusi weChipiri svondo rino achiti ainge agura pakutsotsa vanhu, kunyanya hama dzake.

“Ndati ndizvitaurire ndega kuti handife ndakaba zvachose. Ndagura! Izvi zvekubira vanhu vange zvandisvitsa panguva yakaoma,” anodaro murume anoti hama dzake dzose hapana waasina kubira.

Paaitaura izvi, Gambe ainge achifugura hembe yake kuratidza mazamu akura kunge emusikana zvichitevera kugadzirwa kwaanoti akaitwa neimwe hama yake mushure mekunge aibira.

Svondo rapera pamberi, Gambe akabuda muKwayedza achireurura kuti ava bofu mushure mekusotwa nevanhu vaakabira kumusha nemuHarare uko akashanda sahwindi panokwirirwa makombi kuna Fourth Street. Apa aitsvaga rubatsiro asi haana kunge ataura kuti mazamu ake akakurisa.

Onai vhidhiyo pazasi

Asi mushure mekubuda kwenyaya iyi, murume wekuzviti zitsotsi guru uyu akazowana rubatsiro sezvo achiti pana chiremba wechivanhu akamubatsira mushure mekunozvipirazve kunhepfenyuro yedu yeStar FM.

Gambe svondo rino akadzokazve kuKwayedza aina chiremba wechivanhu, Sekuru Bonface Katerere (58), vekuUzumba, avo anoti ndivo vakamubatsira kuti maziso ake aone.

Aitofamba asina kubatwa ruwoko sezvaiita paakashanya kekutanga.

“Ndava kuona, kunyanya neziso rangu rekurudyi. Asi ndinodzokorora, handichafa

ndakaba.”

Vatori venhau vakatora Gambe ndokuenda naye paive nevanhu vatatu apo akakwanisa kutsanangura zvavaive vakapfeka uye kuti vaive vanhurume here kana kuti vakadzi.

Gambe anoti akaita bofu mugore ra2012.

“Ndinokumbira ruregerero kune vose vandaibira nehama dzangu kuti dzinditambire. Ndava kuda kunogara kumusha ndichipfuya zvangu huku, vanhu vachindibirawo ini kwete kuvabira,” anodaro Gambe, uyo munyaya yekutanga anoti “airaura” huku dzevavakidzani vachitya nyama.

Sekuru Bonface Katerere — Mifananidzo: Memory Mangombe

Sekuru Bonface Katerere — Mifananidzo: Memory Mangombe

Gambe anoti pakutanga akanyara kutaura kuti ane rimwe dambudziko remazamu ari kungokura seemunhukadzi uyewo kuti ari kumera chinhu chinenge nyanga kumagadziko kwake.

“Ndinotenda Sekuru Katerere naSisi Tilda (wekuStar FM) neruzhinji rweZimbabwe. Ndakanga ndava kuti ndave kufa asi Mwari ane simba,” anodaro Gambe.

Anoti akabatsirwa naSekuru Katerere mushure mechirongwa cheTilda Live apo maziso ake akatanga kuona.

“Ndakabuda panze ndapedza chirongwa naSisi Tilda kuStar FM ndokugara zvangu pasofa apo ndainzi ndaizorara ndichienda zuva remangwana racho. Sekuru Katerere vakazobuda vave kuenda ndokubva vandimhoresa ndikapfugama ndichivakumbira kuti vandibatsire. Vakandinongedza ndokubva ndatanga kuona. Chandakatanga kuona ihembe yavo nhema, ndokuzoona bhegi. Ndakavhunduka ndokubva vazonditakura kuenda neni kumusha kwavo uko ndakazonoona chaizvo sezvandava izvi,” anodaro Gambe.

Obvunzwa nezvemazamu ake, Gambe anoti zvakatanga mugore ra2014.

“Nyaya yemazamu iyi ndakambofunga kuti yaiva cancer ndokuzoona kuti zvaifambirana nekugadzirwa uko kwandakaitwa uku. Izvozvi ava kutoserera.”

Murume uyu anoti humbavha hwake hwaive hweshavi uye zvakatangira kumba kwavo apo vaipota vachimonya huku dzevanhu.

Anoti aiti kana shavi rake rekuba ramubata, aisvika pakuba kana chikorobho chaicho.

Sekuru Katerere vanoti Gambe paaive pachirongwa naTilder, vaioneswa mufananidzo wake vachitaurirwa kuti anokwanisa kuona.

“Ndakatoterera chirongwa ichi zvikandibata ndokuona rimwe ziso rake richiona kuchizotevera rimwe,” vanodaro Sekuru Katerere.

Sekuru Katerere vanoti hapana mushonga wavakashandisa pakubatsira Gambe.

“Handidi kuti ndini ndakagona, ndinokudza Mwari Musikavanhu nevadzimu vangu panyaya iyi.

‘‘Hazvigonekwe newenyama asi Nyadenga nevepasi. Muchinda uyu ngaatange kunamata,” vanodaro Sekuru Katerere.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>