Uncategorized

Handidye sadza: Chisanyu

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Handidye sadza: Chisanyu

Kwayedza

MUHURUKURO naSekuru Friday Chisanyu, vanoti vakatanga kupoterwa (kusvikirwa) nemudzimu vachiri ndumurwa uye havana chavanoziva pavanonzi vanonwa ropa risina kubikwa.

“Ndakatanga kubudirwa ndiri Grade 4 apo ndakange ndine makore 14 ekuzvarwa. Mudzimu unobuda pandiri unonzi Sekuru Chisanyu, vanove baba vababa vangu.

“Bira ratakaita kuHurungwe raive rekutenda mudzimu unobuda pandiri, ndiko kusaka ndakakokera nhengo dzesangano randinomiririra reZINPA nekuti ndivo vanhu vandinoshanda navo mubasa iri,” vanodaro.

Vanoti ivo havazive kana kuyeuka zvakaitika kwavari panguva yavakabudirwa asi vakatozonzwa kuti vakanwa zimbiya rainge rizere neropa nekutamba usiku hwose pasina zororo.

“Handina chandinoziva kana ndichinge ndabudirwa. Ndakazongonzwa vanhu vave kundifonera vachiti ndiri mupenyu here kana kuti ndinoda kuendeswa kuchipatara nepamusaka pekuti vakange vaona ndichinwa ropa.

“Kana ndisina kubudirwa seizvi handinwe ropa, ndinotorisema. Ndiri kutoshamisika kuti kana makumbo angu haana kuzvimba asi ndichinzi ndakatamba usiku hwose.”

Sekuru Chisanyu vanoti shavi ravo rine uvhimi, ndokusaka richinwa ropa uye makare kare avo vaienda masango kunovhima vakabudirwa kudaro.

“Ndaitogona kupedza svondo rose ndiri musango ndichitinha mhuka dzemhando nemhando idzo ndaibata nemawoko ndichiuya nadzo kumba. Rimwe gore ndakambobata mbada, tsuro nemawoko idzo imbwa dziripo. Ndakamboita svondo ndichinhonga nungu mumazuva akatevedzana,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanotizve imwe yenungu yavakambonhonga yakaiswa pamoto ikaburitsa vana vaviri zvinova zvakashamisa mhondoro namambo akange achitonga Hurungwe panguva iyoyo.

“Imwe mhondoro yainzi Mubaiwa yakandiudza kuti ichi chaiva chiratidzo chekuti ndaizova munhu anotungamirira vamwe mumabasa ekurapa munyika muno nekunze zvinova zvandiri kuita nhasi uno.”

Sekuru Chisanyu vanoti rimwe zuva vachifamba musango vakasangana nekanyoka kaive nemisoro miviri vachibva vakatema-tema.

“Mushure mekuuraya kanyoka aka, ndakabva ndafenda ndokutakurwa kuendeswa kuChitindiva Clinic uko machiremba akasvikoti ndainge ndatofa. Vanhu vaungana panhamo, manheru acho pakauya kaharahwa kachibva mugomo. Kanonzi kakataurira mukoma wangu kuti andidire bute mumusoro zvinova zvakaita kuti ndimuke. Kubvira ipapo ndipo pandakatanga kubudirwa kusvika nhasi uno,” vanodaro.

VaChisanyu vanoti muupenyu hwavo havadye sadza asi kuti vanorarama nemupunga, mbatatisi nenyama izvo zvavanoti ndizvo zvinodiwa nechivanhu chiri pavari.

“Gore negore mumwedzi waNyamavhuvhu tinoita mabira erudzi urwu kuHurungwe kunova kunogara machira asekuru vangu.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>