Uncategorized

Harahwa yakaramwirwa chitunha

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Harahwa yakaramwirwa chitunha VAKUMIRE Zenenga

Kwayedza

VAKUMIRE Zenenga

VAKUMIRE Zenenga

Kingstone Mapupu
AKAVE masvandikongonya kutarisana kwevakarambana pane imwe nhamo kwaMashayamombe kuMhondoro nemusi weSvondo wadarika apo mukuwasha airamwirwa chitunha chemudzimai wake nemadzitevara nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinosanganisira kuti ainzi aive asina kuvazivisa nezvehurwere hwemwana wavo.

Nyaya iyi yakaitika mumusha waSabhuku Marufu, VaFanuel Bepu (69), avo vakatsinhira kuramwidzana kwemutumbi waBeauty Tavaziva Zenenga uyo akanga afira kuchipatara cheParirenyatwa nekuda kwechirwere chegomarara repazamu.

Beauty aiva mudzimai wechipiri waVaKumire Zenenga (86) avo pakashanyirwa pamusha wavo nemusi weChipiri vairakidza kurwadziwa zvikuru nekufa kwemukadzi wavo zvaiwedzerwa zvakare nekuripiswa kwavakange vaitwa nemadzitezvara avo.

Pakasvika Kwayedza panhamo iyi padyo nenzvimbo yemabhizimisi yekuMavigavana, hama dzemufi uyu vanova madzitezvara vekwaTavaziva, avo vanobva kwaBanhamombe kwakare kuMhondoro, vaiva vakaungana kwavo voga kuguva rakange racherwa rekuviga hama yavo. Avawo vekwaZenenga vaive vakaungana kumba nerumwe ruzhinji izvo zvairakidza kusawirirana zvachose pakati pemativi maviri aya.

Mwanakomana wepamusha paZenenga akatanga kutaurwa naye, Blessing Zenenga, akati paisambova nekuwirirana nanasekuru vavo kubvira pakufa kwaamai vavo.

“Vanasekuru vedu vekwaTavaziva kubva pakafa amai kuParirenyatwa mangwanani emusi weSvondo vakaziviswa apo vakafonerwa vakaramba kuuya vachiti vainge vasina kuziviswa nekuda kwehurwere hwemwana wavo.

‘‘Kubva musi waitika nhamo iyi kusvika nhasi kwanga kuchingova kuramwidzana chete kusvikira tazoripa mombe mbiri neUS$400 asi kwasara chikwereti cheUS$100 sezvo vaida US$500,” akadaro Blessing.

Blessing anoti pavakaona kuti amai vavo vakanga vafa madzisekuru vachiramba kuuya vakatakura mutumbi ndokuuya nawo kumusha sezvo vakanga vataurira ambuya vavo, amai vaamai vavo, avo vakanga vabvuma kuenda kurufu urwu. “Madzibaba edu anoti VaKumire Zenenga naBvumai Zenenga vakaenda vachida kunozivisa nezvenhamo iyi kwana sekuru vakanzi vaisada kuonekwa.

Zvakadai nemhosva dzose idzi dzaisanganisira kunzi havana kuziviswa nezvehurwere uyewo nekuti takanokudubura mapfiwa mumba maamai tichiisa mutumbi wavo veukama hwavo vasipo, takazoripa mari iyi nemombe idzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>