Uncategorized

Hari 3 dzizere tsvina yemunhu. . . nyama mbishi nedoro padivi . . . bakatwa rakabairirwa muvhu

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Hari 3 dzizere tsvina yemunhu. . . nyama mbishi nedoro padivi . . . bakatwa rakabairirwa muvhu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VAGARI vekwaMunyawiri, kuDomboshava, havana neremuromo zvichitevera mashura “eKirisimasi bhokisi” avakafumoona — hari nhatu dzizere tsvina yemunhu, doro, nyama nyoro mbishi uye nhekwe yefodya nebakatwa rainge rakabairirwa muvhu.

Zvinhu izvi zvava nenguva inodarika svondo zviri muchikomo chiri mubhuku raSabhuku Stowell Chidamba uye hazvizivikanwe kuti zvakaiswa nani uye nechinangwa chei kunze kwekunge chichingova chishamiso chechipo cheKirisimasi.

Kwayedza nemusi weChipiri svondo rapera yakashanyira nzvimbo iyi ndokuperekedzwa naSabhuku Chidamba muchikomo ichi uko yakanowana hari idzi nezvimwe zvinhu zvichiripo — asi nyama ichinzi yainge yadyiwa nembwa kana kuti nezvikara zvesango. Imwe yehari idzi — huru yacho — ine tsvina yemunhu iyo yava kutooma kozoita dzimwe mbiri dzine doro remasese iro raserera, zvichida nekupisa kwekunze.

Hari dzine doro

Panzvimbo iyi pane banga rebakatwa iro rakabairirwa muvhu pedyo nehari ine tsvina yemunhu apo nhekwe yefodya yakaradzikwa pedyo nehari mbiri dzine doro. Kunze kweizvi, pane ma‘‘scud” maviri edoro akamisikidzwa pedyo nehari idzodzi.

Sabhuku Chidamba vanoti vakaziviswa nezvehari idzi nomusi weChina svondo rapera nevafudzi vemombe vainge vadziona kumafuro.

“Aiwa, izvi zvinomboda kutaurwa tiri muchivanze here? Handei kuchikomo kwacho munozvionera. Pamberi pehari imwe neimwe pakasiiwa paine mirwi yenyama inenge yemombe, asi iri zvidimbu zvihombe. Imwe hari izere netsvina yemunhu iyo pakutanga ndakambofunga kuti isadza rezviyo,” vanodaro.

Hari dzine doro netsvina zvakarasirirwa muchikomo. – Mifananidzo naTariro Kamangira

Mushure mekukwira muchikomo ichi, Sabhuku Chidamba vakazeza kusvika pedyo nehari idzi vachiti vanotyira upenyu hwavo sezvo vachiti uku kushereketa kwemberi.

“Ini handizivi kuti muvengi akasiya zvinhu zvake pano akadeketera achiti chii uye nezita raani? Saka handidi kusvika pedyo nazvo, zvinotyisa izvi. Ko zvikandikuvadza kana kuti ndikahakira mweya iripo?

“Chinondishamisa ndechekuti sei vanhu vacho vakauya kuzozvisiya zvinhu izvi mudunhu mangu uye izvi zvitsva kuitika muno,” vanodaro Sabhuku Chidamba apo vaive vakamira nechekure. Vanoti kana vakawana mari, vane tarisiro yekutsvaga maporofita anovabatsira kuti vazive vanhu vakaita izvi.

VaPhibion Chidamba (60), avo vanova mwanakomana wemukoma waSabhuku Chidamba, vanoti vakaona vanhu vakauya nemotokari vachinosiya zvinhu izvi.

“Zvinhu izvi zvakasiiwa chiri China apo ndakaona motokari imire mujinga megomo, varume vatatu nevakadzi vana vachibva vadzika, ndokukwira muchikomo ichi. Vainge vakatakura chisaga saka ini ndakangofunga kuti vayenzi vekwasabhuku nekuti vakafamba vachiita sevakananga kumba kwavo nyambisirwa vaiva nezvinangwa zvavo,” vanodaro. VaPhibion Chidamba vanoti pavakambofamba pamwe naSabhuku Chidamba, vakangoudzwa kuti pane hurombwa huri kuitwa mumusha mavo.

“Mushure mekuona izvi, takaedza kutsvaga vanhu vakaita izvi asi takaudzwa kwatakafamba kuti uhu hunotova hushereketwa huchaona vamwe vemumusha muno vachifa vaviri vaviri. Zvino izvi zvava kutityisa zvakanyanya,” vanodaro VaPhibion Chidamba. Angeline Munyawiri wemubhuku raMotsi anoti aya mabasa eSatanism.

“Kudai vanhu ava vakanga vachiita zvinhu zvine upenyu hwemunhu, vangadai vakatanga vaona vakuru venzvimbo semasabhuku nemadzishe. Asi nekuda kwekuti zvine Satanism mukati, ndiko kusaka vakasarudza kuzviita muchivande.

“Tikatarisa zvinhu zvavari kushandisa, tinoona zviine micherechedzo yerufu – mapanga, tsvina yevanhu. Asi handifunge kuti ava vanhu vekure, ndevemuno,” anodaro. Anoenderera mberi achiti nyaya dzekukara mari uye pfuma yechimbi-chimbi ndidzo dzimwe dziri kuita kuti vamwe vanhu vagumisire varomba.

VaJames Chidamba (45), avo vanova mwana wemukoma waSabhuku Chidamba zvakare, vane tarisiro yekuti vachafamba semhuri kuti vawane chokwadi panyaya iyi.

“Mumwedzi waChikumi gore rino, ndakapotsa ndarohwa nemheni apo yakarova imba yandainge ndirere, ndikazomuka ndava kungorutsa hutsi. Ndakaita mudumbu netsvina yeropa.

“Mheni yakadzoka zvakare ikarova muti wepamba pangu. Yakazorova zvakare paruware rwuri pedyo nepamba pangu, saka ndinoona paine hushereketwa mumhuri medu. Hadifunge kuti kungava nemutorwa angashinga kuuya kuzosiya zvinhu zvake muno,” vanodaro. Petronella Kazayi (45) wemubhuku rimwe chete iri anoti akanzwa nezvehari idzi paakange aenda kurufu.

“Vanhu vari kuita zvinoshamisa muno, tava kutya kana kufamba nekuti hatizive mhiko idzi kuti dzakanangana nani, kunyanya munguva ino yekunaya kwemvura,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>