Hatidi mhirizhonga kunhabvu: Yogi, Mafu

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Hatidi mhirizhonga kunhabvu: Yogi, Mafu

Kwayedza

NZIRA dzose svondo rino dziri kunanga kunhandare yeBabourfields, kuBulawayo, uko kuchasangana Highlanders neDynamos mumutambo unozivikanwa nekuti “The Battle of Zimbabwe” kana kuti “Zimbabwe Derby”.

Zvikwata zviviri izvi makara asingaonane uye vatsigiri vazvo vanoziva kuti pose pazvinosangana zvinorwa semvumba.

Makore adarika, DeMbare ndiyo yange iri kubuda iri pamusoro apo zvikwata izvi zvaisangana.

Bosso yakapedzisira kukunda DeMbare mugore ra2006.

Asi mitambo yadarika yezvikwata izvi yange ichizopera pave nezhowe-zhowe. Ndokusaka Dynamos ichiti svondo rino yakanyorera kumasangano makuru emuno anoti rePSL, ZIFA neSports and Recreation Commission ichikumbira kuti izive matanho ari kutorwa kuti mutambo wesvondo rino uyu usave nemhirizhonga.

Gore radarika, mumwe mutsigiri weHighlanders anonzi akafa mushure mekunge arohwa nevatsigiri veDynamos apo Bosso yakakundwa neDeMbare 1-0 kuBabourfieds.

Chiitiko ichi chakakatyamadza vatsigiri venhabvu nekuti mutambo uyu unofanirwa kuunganidza vanhu vachifara.

Masvondo adarika, apo zvikwata zviviri izvi zvakasangana zvekare kuRufaro Stadium, muHarare, mutambo wakapera yangove mhere-mhere zvichitevera kurambirwa kwakaita Bosso chibodzwa apo mutevedzeri wemuridzi wepembe, Bongani Gadzikwa, akasimudza mureza wake achiti mutambi

weHighlanders, Edmore Muzanenhamo, aive akarasika (offside) paakanwisa.

Bosso yakazokundwa 3-2 neDynamos mumutambo uyu.

Gadzikwa akatombomiswa basa neZIFA Referees Committee zvichitevera mabatiro aakaita mutambo uyu.

Murairidzi weBosso, Bongani Mafu, svondo rino akashora mhirizhonga inowanzoitika panosangana zvikwata zviviri izvi.

“Hatidi mhirizhonga munhabvu. Tinoda kuti mitambo yedu inge ichinakidza chete uye chikwata chinogona ndicho chichahwina svondo rino.

“Chatinoda kuona inhabvu inonakidza chete kwete vanhu vanenge vachikuvadzana nekutemana nemabhodhoro,” anodaro Mafu.

Achitaura nezvemutambo wekupedzisira apo chikwata chake chakasangana necheDeMbare, Mafu akati: “Varidzi vepembe zvavaida zvakaitika, zvakatopfuura kare. Hatingarambe tichitaura nezvazvo isu tave kutarisa mutambo unotevera.”

Murairidzi weDeMbare,David “Yogi” Mandigora, anoti chikwata chake chakatarisira mutambo wacho neBosso zvikuru.

“Mutambo uyu takautarisira zvikuru, mimwe mitambo yakakosha zvayo asi uyu uri pamberi. Chatiri kuda kunyanya svondo rino ndechekuti titambe mutambo wakanaka, hatidi mhirizhonga,” akadaro.

Chamangwiza wePremier Soccer League, Kennedy Ndebele, anoti ibasa rezvikwata zvakasiyana kuona kuti mitambo yose inotambwa zvakanaka.

“Zvikwata zvakasiyana zvinofanirwa kuona kuti mitambo yazvo yakachengetedzwa zvakanaka.

“Isu hatina zvimwe zvatinokwanisa kuita kana kutaura, chedu kuzovaranga kana tikaona kuti vatadza kuchengetedza runyararo,” anodaro Ndebele.

Zvakadaro, mune mumwe mutambo mukuru uchange uchiteverwa svondo rino, CAPS United ichasangana neHarare City, iyo iri kurairidzwa naTaurai Mangwiro.

Mangwiro ndiye airairidza CAPS United mwaka wadarika uye mumutambo wekutanga wegore rino pakasangana zvikwata zviviri izvi, zvakaita mangange 0-0.

Mimwe mitambo iriko svondo rino:

MUGOVERA:

Chapungu vs Wha Wha

Flame Lilly vs Tsholotsho

ZPC Kariba vs Triangle United

SVONDO:

Buffaloes vs FC Platinum

CAPS United vs Harare City

Dongo Sawmill vs Chicken Inn

Hwange vs How Mine

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>