Hatitangirei kuzvikoro: Chirambadare…‘matarenda ari muvana’

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
Hatitangirei kuzvikoro: Chirambadare…‘matarenda  ari muvana’ Stanley Chirambadare

Kwayedza

Stanley Chirambadare

Stanley Chirambadare

MUCHINDA wekumbonetsa achitambira kuchikwata cheDynamos, Stanley “Samora” Chirambadare, anoti kuti mutambo wenhabvu wemuno usimukire, nyanzvi dzakaita mukurumbira kare dzinofanirwa kushanda nevezvikoro zvakasiyana, zvikuru kumaruwa, nechinangwa chekuumba tarenda revechidiki.

Samora, sezita remadunhurirwa raChirambadare, anoti vatambi vane tarenda vazere asi pari kushaya anonyatsoshanda navo kuvakwenenzvera.

Muhurukuro neKwayedza svondo radarika kuRimuka Stadium, kuKadoma, Samora anoti Hurumende inofanirwa kukurudzira zvikoro, kunyanya zvekumaruwa, kuti zvipe shasha dzakanetsa kare munhabvu mabasa ekurairidza mutambo uyu sezvo izvi zvichizobatsira nyika yose mune ramangwana.

Anoti kuti mutambi ave neramangwana rakajeka, tarenda rake rinofanirwa kuumbwa zvakasimba achiri mudiki apo anodzidziswa kubva kune vakatamba nhabvu yepamusoro-soro.

“Nhabvu yedu yatidzokerei kumashure mbichana nekuti vatambi vatiri kuona mazuva ano havana kubikwa zvakasimba, zvakakwana. Mutambi akasadzidziswa nhabvu chaiyo achiri mudiki, mune ramangwana rake hapana kwaanoenda.

“Hurumende ngaikurudzire zvikoro kuti zvitore shasha dzakaita sesu kuti tipihwe mabasa ekushanda tigobika vatambi vechidiki.

“Mwana akaona kuti ari kudzidziswa nhabvu neni kana kuti naMisheck Chidzambwa kana vamwe vakanetsa kare, zvinomupa shungu yekuti ashande zvine simba agosimukire.

“Ini ndakamboshanda kuzvikoro zvakaita seGateway uko ndakapihwa basa rekufundisa nhabvu vana vakabuda pachikoro ichi vakawandisa uye vamwe vacho vachanetsa mune ramangwana,” anodaro Samora.

Chirambadare akapawo pfungwa dzake panyaya iri kupisa pari zvino, yemurairidzi wemaWarriors Callisto Pasuwa, zvichitevera kuburitswa kwakaitwa chikwata chake kumakwikwi eAfrican Nations Championship (CHAN), ndokuti Pasuwa haana mhosva sezvo chikwata chake chisina kuwaniswa nguva yekugadzirira zvakasimba.

“Munoona kana ukasagadzirira zvakakwana pane zvose zvaunoita haubudirire, hapana kwaunosvika. Vakomana vedu vakaenda kuCHAN havana mhosva, kana iye Pasuwa. Tega senyika taifunga kuti vanosvikepi kana vasina kugadzirira zvakakwana? Inyaya yekugadzirira pane zvose zvaunoita kana uchida kukunda.”

Samora pari zvino ari kushanda kusimudzira vatambi vechidiki kuboka rake reRevival Football Academy uko anoti kune vamwe vana vake vaari kudzidzisa nhabvu.

“Zita rekuti Chirambadare ihombe munyaya dzenhabvu, tine vamwe anaChirambadare vemangwana vatiri kubika.

“Muchavaona mune ramangwana, tarenda ravo harina kumira zvakanaka,” anodaro.

Zvakadaro, Edmore Chirambadare – uyo ari kupisa muPremier Soccer League achitambira Chicken Inn – ihama yaStanley pamwe naErnest Chirambadare, uyo akambotambirawo Dynamos asi ave kugara kunze kwenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>