Uncategorized

haumhorese mudzimai wemuridzi neruwoko

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
haumhorese mudzimai wemuridzi neruwoko VAPENZURA Nyamushaya

Kwayedza

  • Unobatwa nerukwa
  • ‘Ukapindwa nechando’
  •  ‘Kuchengetedza mudiwa’
VAPENZURA Nyamushaya

VAPENZURA Nyamushaya

Kingstone Mapupu
MUKADZI wemunhu haamhoreswe nemurumewo zvake vachiita zvekubatana mawoko! Kungotyora mhiko iyi bedzi murume iyeye aenda – anobatwa “nemagetsi”. Izvi zvingona kushamisa vakawanda sezvo kukwazisana nemawoko iri tsika yagara iri muvanhu kubvira nakare. Asi kune dzimwe nzvimbo dzenyika dzakaita sekuMt Darwin, zvinonzi munhurume akamhoresana nemawoko nemukadzi asiri wake anogona kubatwa nerukawo kana kuti runyoka.

Rukawo urwu rwunonzi rwakangofanana neurwo rwunobata munhurume anenge apinda pabonde nemudzimai wemuridzi uyo anenge akapingwa kana kuti kusungwa nemushonga.

Runyoka mishonga inoshandiswa pamukadzi wemunhu iyo inoita kuti murume anenge ashereketa naye arware nehosha dzisinganzwisisike zvekutosvika pakufa, ndokunge kana akasaregererwa nemuridzi wemukadzi wacho.

VaPatrick Kapfunde (42), avo vanonyanya kuzivikanwa saSekuru Bhaureni kuMt Darwin uko vanoita zvehun’anga, vanoti nyaya dzekuisa rukawo kumadzimai dzinoitwa nepakasiyana.

“Ini ndinogara kuno kuMt Darwin, kuMakorekore. Kuno mukadzi akaroorwa haakwaziswe nemawoko, kune vamwe vakaiswa rukwa kana kuti runyoka rwunoita kuti murume anenge amumhoresa agumisire ave kurwara zvekusatoziva kuti hosha yakabva nepi,” vanodaro.

Vanoti kune mhando yerukawo rwunoti kana mudzimai akarwuiswa, akangomhoresana nemawoko nemurume, murume iyeye anofanirwa kuramba akabatana “chishanu” nemukadzi uyu sezvo rukwa urwu rwuchifamba nemuviri wake (murume) rwozodzokera kumukadzi mushure mechinguva.

“Murume anenge amhoresana nemudzimai akadaro, anozvinzwa kuti muruwoko rwake rwaanenge akabatana nemudzimai uyu mune chinenge chichifamba, chichigwinha. Haafanirwe kusiya ruwoko rwemukadzi uyu kudzimara anzwa chinhu chinenge chichifamba ichi chadzokera kumukadzi uyu, chabuda muruwoko rwake.

“Rumwe (runyoka) unonzwa kutonhora sewaiswa magodo echando kuchiti rumwewo unonzwa kurumwa chaiko kutosvika kumapendekete,” vanodaro.

Vanoti kune rumwe rukawo zvakare rwekuti kana munhurume achinge amhoresana nemukadzi, anozwa kupiswa sekunge ruwoko rwaiswa pamoto kana kutopera simba chaiko.

VaKapfunde vanoti kazhinji madzimai anenge akaiswa runyoka nevarume vavo havataurirwe kuti ndizvo zvavari.
“Runyoka rwekumhoresana urwu rwunonzi Chiguzvu. Varume vanobatwa nerunyoka urwu vamhoresa madzimai aya vanonzi vanogona kungorwara vachitonhorwa nekumerera mumuviri.

“Zvimwe zvinoitika mangwanani kana zuva rodoka roga-roga. Vamwewo vanorutsa makuseni nezuva rodoka. Rukwa urwu rwunowanikwawo kunyika dzakaita seMalawi, Zambia, Democratic Republic of Congo,” vanodaro.

Vanoti runyoka rwerudzi urwu rwunogadzirwa nekakonye kanovaka dendere kana kuti imba yakanogara ako kanonzi nevamwe kondo. Kakonye aka kanonzi kanotorwa kosanganiswa nemishonga.

“Chinonetsa ndechekuti Chiguzvu hachirapike uye chinoguma chakonzera varume vanenge vabatwa nacho kuita mapofu, kupera ropa mumuviri, kushaya simba pamwe nekurasika kwepfungwa.

“Zvakangonaka kuti varume vasabatane mawoko nevanhukadzi, vomhoresana vachiuchira vari kure kuti vazvichengetedze. Asiwo kune dzimwe nhubu dzevarume dzinokwenya madzimai muzvanza senzira yekuvakanda mashoko erudo pakumhoresana.

“Seni Musena, wangu mukadzi ndakatomutaurira kuti asamhoreswe zvake nekuti ndakamugadzira kare, anarwo runyoka rweChiguzvu. Ndinogona kurwuisa asi ndinotaurira varume vacho kuti vazivise madzimai avo kuti havamhoreswe.”

Vanoti havaone chakaipa patsika iyi sezvo iri nzira yekuchengetedza mudzimai akaroorwa.
“Pachivanhu kana murume aisa musungo kana kuti rukwa, mudzimai uyu anofanirwa kutaurirwa iwe murume wonobvisa mombe kumadzitezvara nembudzi kuna ambuya yekuvazivisa kuti ndakaisa ruzhowa kumwana wenyu. Izvi zvinoitirwa kuti iwe murume kana wazofa mudzimai uyu asasare achipedza kuuraya vamwe varume.”

Mhando yerukawo urwu runonzi rwunowanikwa zvakare kuShamva, Mt Darwin, Guruve, Mukumbura, Rushinga, Kanyemba nekuMbire.
VaPenzura Nyamashaya (79), vekuNyamarodza, kwaShe Magaranhehwe kuRushinga, vanoti vaimboshandisira mudzimai wavo mhando yerunyoka urwu apo vainge vasati vave kunamata.

“Nyaya yekuti madzimai aiswe runyoka rwekuti vasamhoreswe kukiya kana kuisa ruzhowa kuti mukadzi asadiwe nevamwe varume. Ini ndaizviita uye ndakazvirega ndave kunamata kuJohane Masowe weChishanu,” vanodaro.

“Ndaichera gwenzi ndodyisa mukadzi wangu asingazive, hakuna aimukwazisa nekuti vamwe vaitomutya. Vamwe ndivo vaibatana naye vonzwa kugwinhwa vosiyana naye asi vaitenge vakuvara kare,” vanodaro VaNyamushaya.

“Zvaiva zvakanaka nekuti raiva juraworo kumudzimai wako. Kana kumadzimaiwo kune vanozviita, zvakanaka nekuti munochengeta imba yenyu. Zvisinei, nekunamata kwangu mutemo hauchada saka ndakazviregera.”

Vanoti kune mhando yerunyoka zvakare rwekuti mukadzi nemurume vanonamirana.
“Ndaienda panzvimbo iye panenge imbwa dzichiita zvinyadzi, ndotora ivhu repo nemvura yadzinenge dzichidonhedza nemvere dzembwa hadzi nehono. Ndaizotenga banga idzva reOkapi ndorikwizira kunhengo dzembwa dzose idzi ndozoriisa mishonga.

“Kana zvadaro, ndairisiya rakadaro rakavhurika, zvainge zvatokwana. Musi unezenge mukadzi wangu achishinha raivhara roga zvechisimba uye waibva waziva kuti riva rangu rabata. Waitozoshevedzwa kuti mudzimai wako nemumwe murume vakanamirirana,” vanodaro VaNyamashaya.
Vanotiwo semunhu aishereketa, vaivawo nemushonga wavaidya, wekuti vasabatwe nerunyoka kana vachinge vashinha nemadzimai evamwe.
“Ini ndaisabatwa nekuti ndaizvichengetedza kubva kuvakadzi vakaiswa runyoka uye ndaipawo vamwe varume mushonga uyu.”

“Pane mumwe wekuti murume anofira pamusoro pemukadzi, uyu ndaigadzira nemusoro werovambira, ndaiuraya nyoka idzi ndotora misoro yadzo. Ndaitora mhodzi ndodyara mukanwa menyoka iyi ndaisa ivhu ndakaushamisa. Panomera mhodzi dzemushonga uyu, ndaibva ndautora ndonotemera mudzimai wangu mumusoro kana kupa anouda. Varume vandaipa vaitaurira madzimai avo kuti waiva mushonga wekuti vasazotemwa nemisoro vachivanyepera.

“Mukadzi atemerwa mushonga uyu akangoshinha nemurume asiri wake bedzi, anobva angofira panzvimbo asi iye achisara ari mupenyu,” vanodaro.

Kune dzimwe mhando dzerunyoka zvakare idzo dzinosanganisira kuzvimba dumbu, kushaya simba pabonde nerwekuti nhengo yesikarudzi inonyangarika.

Share This:

Sponsored Links