Uncategorized

Hazvisisipo sesipo yasiiwa mumvura

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

naIgnatious Mabasa —
LEONARD Dembo akaimba kuti, “Zviripo zvinondiremera zvizhinji . . .” Nguva dzatiri dzino inguva dzekurangarira. Uchiri kurangarira here zvakaitika kuna Paul paye paakanga achikanyaira akananga kuDamascus achizvinzwa kuti ndiye hagamukaka simbi inodya dzimwe simbi? Mwari vakamuti hausi simbi, asi uri huswa.

Kukanyaira kwaPaul kwakapinduka kukave kukambaira. Mushure mekunge vamugadzirira saizi, Mwari vakazomuita muKristu asingatye uye akasiyana nevamwe vose. Dai painzi vanhu tsvagai mutungamiri wechiKristu akakodzera, hapana aisarudza Paul. Kushevedzwa kwakazoitwa Paul naJesu hakureve kuti Jesu akanga apererwa nevanhu kana kuti aidisisa kwazvo kushandirwa naPaul.

Paul akazoita muKristu chiKristu chatoratidza simba racho uye basa richiitwa nanaPeter, Johani nevamwe vadzidzi. Saka Mwari vakazviitirei zvekutora munhu akaipa saPaul? Mwari vane zvavakanga vachitaura.

Saka chaive chii chaitaurwa naMwari? Chii chatingadzidzewo kubva pachiri? Zvinoreva kuti nyangwe pakaita vane utsinye pabasa, ivavo vacho zvichavawanawo. Nguva zhinji tinoti kana tarambwa nemurume, kana tadzingwa basa, kana tarasikirwa nechimwe chinhu chakakosha tinobva tafunga kuti nesuwo vacho hatisisina basa. Variko vakaita saPaul vanonzi nevanhu “uyu haaite zvachose,” asi vanhu ivavo kana vapfeka hovhorosi vakatanga kuita basa muchadzidza kuti panongedzwa nechigunwe hapasiripo panoenda nenzira.

Kana Peter zvakarewo muBhaibheri imomo anofanirwa kunge akatombofunga zvekuzviuraya. Fungai kuti akanga akasarudzwa naJesu, uye akapihwa zita rekuti “Dombo.” Asi nyaya payakanga yaoma, Jesu atarisana nerufu, Peter akaramba Jesu katatu.

Ndobva Peter adii paye? Ndobva Peter adzokera kubasa rake raaiita kare rekubata hove nekuti akanga ati zvekuita mudzidzi waJesu zvaramba nekuti Jesu wacho akandiudza kuti ndichamuramba katatu, uye ndizvo zvandakabva ndaitawo, saka handibatsire.

Ndinofunga kuti Peter musi uye paakanga achidhonza mambure kunze kwave kunoyedza akanga achifunga kucheka kwaakanga aita hukama naJesu. Kuramba Mwanakomana waMwari akanga amuti idombo. Peter akazviona ari dombo riye rinopfupfunyuka. Akanga akundikana.

Achifunga kudaro ari mumvura, ndipo paakaona Jesu ari pamahombekombe. Jesu haana kutuka Peter, asi akabva amutuma kubasa rake. Peter paakanga afunga kuti akundikana, Jesu akanga achiti une basa.

Vakawanda vakarambwa. Variko vari kukungura kuti dai vasina kutumira WhatsApp iye, vari kuti dai ndisina kutaura mashoko aye. Variko vari kuti dai ndisina kuita chikomba kana small house. Variko vari kuedza kunyora maCorrection asi chinyoreso chavari kushandisa hachisi kunyora. Variko vakanyepa, vakashamisira, vakafunga kuti mangwana hakuyedze nekuda kwenyadzi dzezvavakaita.

Newe unozviziva zvawakaita ukasabatwa, asi mweya waMwari ukazviziva kuti wakaita zvinhu izvozvo. Nanhasi chivi chako chiri pamberi pako, hauna zororo nerugare.

Unogona kunge wamirira kufa nekuti uri kuti zvawairaramira zvese hazvisisipo sesipo yasiiwa mumvura. Asi uri kuita zvakawandisa – ndiwe dhiraivha wekombi, ndiwe hwindi, ndiwe pasenja, ndiwe mupurisa ari paRoadblock. Bvuma kuti hausi pinjisi, asi uri bepa rinobvaruka.

Bvuma kupererwa uzive kuti Mwari vanoda iwewe wavakasika, kwete huhagamukaka hwako. Uri bhatani rabva pahembe. Ziva kuti uri wega, usiri pahembe hauna basa.

Share This:

Sponsored Links