Murume angosiya apondwa

09 Apr, 2024 - 12:04 0 Views
Murume angosiya apondwa Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 34 okuberekwa wekuShurugwi anonzi akarohwa zvekuitwa kafiramberi nevamwe varume vaviri nekuda kwenyaya isati yave kuzivikanwa.

Mushakabvu uyu anonzi akarwiswa nevarume vaviri ava nemusi wa3 Kubvumbi nenguva dza8 manheru panzvimbo yeMountdor South iri kuShurugwi kwakare.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Vengai Mujere (43) naWillard Taranhike (40), vose vanobva kuMountdor, kuShurugwi, vaiva vakagara pamba pavo apo vakanzwa murume airidza mhere ndokumhanyira kunoona kuti chii chaiitika.

“Pavakasvika panzvimbo iyi, vakawana Stephen Muvengi (34) akarara mudivi reropa achigomera nekurwadziwa pasina mumwe munhu. Akavataurira kuti aiva arwiswa nevarume vakangozivikanwa nekuti Tinashe naLyton. Panguva iyi, Vengai Mujere naWillard Taranhike vakabva vahaya motokari apo mushakabvu uyu akanga afenda ndokumutakura kuenda naye kuchipatara cheShurugwi District Hospital uko akasvikoshaya,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mutumbi waMuvengi uchiri muchipatara ichi wakamirira kuongororwa.

“Nyaya iyi iri pachena kuti murume uyu akapondwa saka semapurisa, tiri kutsvaga varume vaviri vakagumisira kuonekwa vaine mufi uyu akazotaura mazita avo zvakare kuti ndivo vakamurova. Tinokumbira kune vanoziva Tinashe naLyton vazivise mapurisa kuti vasungwe vagoendeswa kumatare edzimhosva nenyaya yavari kupomerwa yekuponda,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira munyaya iyi, vanogona kuridza nhare dzinoti 054 221073 kana 0780 693 22.

Vanoyambira veruzhinji kuti kuponda munhu imhosva huru inoita kuti aipara atongerwe kugara mujeri kwenguva yakareba.

“Vanhu ngavarege kutora mutemo vachiisa muhomwe dzavo uye kana vatadza kunzwanana ngavatsvage vayananisi nyaya dzavo dzonzwikwa, dzogadziriswa mune zvakanaka nevangava mapurisa, vafundisi, masabhuku, madzishe kana vanhu vakuru vari munzvimbo dzavanogara,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links