Uncategorized

Hodhi, tisvikewo 2018, ndini hwindi

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
ISHUVIRO yangu kuti wakaita Kirisimasi isina masaisai ekudhakwa kana masasi akawanda. Ndinovimbawo kuti hauna kuitiswa nevanhu vandakanzwa vachitaura kuti vaida kukudhakisa sedhakisi rafira mumvura.

Ufunge zvako, ndakanzwa vakomana vashanu vachitaurirana pavaitenga doro muHarare manheru emusi wa24 December. Vakanga vachiti, “Ngatitore doro iro nekuti ndiro rinokurumidza kuvadhaka.”

Handina kuvabvunza kuti ndivanaani vavaida kuti vakurumidze kudhakwa kuti vagokumura hunhu hwavo nembatya dzavo. Vasikana vazhinji havachatya kuenda kunorira ngoma vachitengerwa beer nekuti vakaudzwa kuti make-up haitenge beer saka vave kutokokwa nemaGafa kuti avazadzire kapu.

Asi kuzadzwa kwekapu kuri pakawanda mwanasikana. Saka iwe svinura usachipe sepakiti remaputi. Ichokwadi unogona kuudzwa kuti shut-up udye mari, asi ukabvunza vakangwara vanokuudza kuti hakuna anokudyisa mahara – gafa, hwindi, madzibaba kana blesser!

Vakomana havasi chimudhara chiye chepaChristmas chinopfeka bhachi dzvuku chine mazindebvu chamunoti Father Christmas. Tiza kudhakiswa nekuti mukudhakiswa sedhakisi imomo achatanga ari makiss kusvikira wazomakisa!

Saka ndati ishuviro yangu kuti Kirisimasi yako haina kukuita kuti ukise mazino embwa kana iwewe kukiswa nembwa. Ndakanga ndisingazive kuti kudhakwa kunofonyora vanhu zviso zvikasara zvafanana nebhegi rabuda mubhero.

Ndakaona vamwe baba vave kuperekedzwa kuenda kumba musi weChristmas. Vakanga vachidzadzarika pakufamba – kuti dhe nhanha dhe!

Vakomana kufara hakuna kumboipa, asi zvimwe zvinhu zvinoda kuti ufare asi urambe uchikwanisa kufamba, nekuti kana ukatadza kufamba wega, kana nekune chimbuzi ungazokuziva here? Kana mave kunwa paChristmas, musanwe zvinokoromorera Jesu pasi.

Iko zvino tasangana zvakare panguva yekuti tave kuda kuzonopinda mugore idzva. Ndinokukumbira kuti uzive kuti kufamba kunoda uchiziva nzira, nekuti kana usingazive nzira ucharasika kana kuti uchapinda mubhucha iwe wanga uchitsvaga kune chimbuzi.

Zvawatarisana negore idzva kudai, ziva kuti kupinda mariri uchiimba Jah Prayzah kuti, “Hodhi, tisvikewo vepano. Ndini Mwendamberi ndave kuchinja mutemo . . .” hazviite kuti rive gore rinokutya.

Variko vakapinda mumakore matsva vakasimudza musoro serovambira, asi nekuti vakanga vasina kuronga – gore iroro rakazovaronga nekuvaranga. Ita zvako zvaunoda nehupenyu hwako nekuti ndehwako, asi kumbira Mwari kuti vakubatsire pakutsvaga kwako rusununguko rwekuita zvaunoda.

Mwari havapenge kana vachitipa miganhu yatisingafanirwe kudarika nekuti vanoziva kuti tiri mapenzi. Ndizvo zvakaita kuti vati, “Benzi rakati mumwoyo maro hakuna Mwari.” Saka kuti urege kuverengwa pamapenzi, tanga gore rako naMwari, urambe uina Mwari, uye ugoripedza uina Mwari.

Zimdancehall inonakidza, asi haivake munhu kana nyika. Kana uchidhakwa, nekuti vakomana vari kukuudza kuti “chakanyanya, chinodhaka kunge musombodhiya,” ziva kuti kudhakwa isutu yebepa, uchabatwa nemvura inonaya panze apo ukasara wafanana nehuku yaundurwa.

Nguva iri kufamba. Newewo uri kutoita mudhara kana chimhamha. Pamabhuku aCharles Mungoshi ese, ndinoda bhuku rake rinonzi, “Ndiko kupindana kwemazuva.” Mazuva anomhanya, anoita chipitipiti achienda kwaanoenda. Pakupindana kwemazuva, kune vamwe vanoona mazuva achiuya, achienda, achiuya mamwe, achienda.

Pakupindana kwemazuva, vamwewo vanotakurwa nemazuva, tobva tavashaya. Newe waona kupindana kwemazuva zvekuti unoudza vanhu kuti kare kwaive naVaMugabe, asi iko zvino kwave naVaMnangagwa, asi usatevedzere zvisiri zvako nekuti chinodya ivhu chine mudyiro wacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>