Hre City yakadzirasa: psl

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Hre City yakadzirasa: psl

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO rePremier Soccer League (PSL) rinoti chikwata cheHarare City chakazvikanyira uye hachisi kuzokwanisa kukwikwidza kuti chirwire mukombe weChibuku Super Cup wachakahwinha mwaka wadarika zvichitevera kuburitswa kwachakaitwa muligi iri.

Harare City ndiyo yakahwina mukombe wechipiri mukuru muno weChibuku Super Cup uyo unouya netikiti rekukwikwidza mumutambo weCAF Confederations Cup asi yakazoburitswa muligi rePSL mushure mekutadza kuwana zvibodzwa zvakakwana.

Rodwell Thabe

Marketing manager wePSL, Rodwell Thabe, anoti mutambo weChibuku Super Cup pauchadzoka gore rino Sunshine City Boys – sezita remadunhurirwa reHarare City – haisi kuzokwikwidza kurwiwa kuchengetedza mukombe wayo.

“Nyaya iyi inonetsa, Harare City yakazvikanyira yega, iri pairi nekuti yakatadza kugadzira zvinhu zvayo. Tinoda chaizvo kuti mwaka uno Harare City izorwira kuchengetedza mukombe wayo asi mutemo wemutambo uyu hautenderi uye unoti zvikwata zvemuPSL zvega ndizvo zvinokwikwidza. Saka zvakavharana,” anodaro Thabe.

Mutemo uyu wekuti Harare City ichakundikana kurwira kuchengetedza mukombe wayo sezvo yakaburitswa muligi rePSL wakasiyana zvikuru newekune dzimwe nyika.

Mugore ra2013, Wigan Athletic yekuEngland yakahwina mukombe weFA Cup mushure mekunge yakunda Manchester City 1-0 mufainari yemutambo uyu uye masvondo aitevera, Wigan yakabva yaburitswa muligi reBarclays Premier League ichienda kunokwikwidza muChampionship.

Mwaka waitevera 2014, Wigan kunyangwe zvayo yainge yave kukwikwidza muChampionship yakawaniswa mukana wekukwikwidza mumutambo weEuropa League neweFA Cup. Chikwata ichi chakatamba zvinogutsa kusvika kumasemi-fainari uko chakazoburitswa neArsenal kumapena mushure mekunge mutambo uyu wapera ari mangange 1-1.

Zvakadaro, mwaka uno Zimbabwe ichange isina chikwata chichakwikwidza mumutambo weCAF Confederations Cup sezvo Harare City yakazivisa kuti haisi kukwanisa kukwikwidzamo.

Mukushi wemashoko weZifa, Xolisani Gwesela, anoti mwaka uno pachange pasina chikwata chichamirira Zimbabwe muCAF Confederations Cup sezvo Harare City yakazovazivisa kuti haichakwikwidza mumutambo uyu mazuva ekunyoresa adarika.

“Tainge takatumira zita reHarare City kuti ndiyo ichakwikwidza mumutambo uyu saka ivo vakazozivisa kuti havachakwanise kukwikwidza apo mazuva ainge atodarika zvekuti takashaya mukana wekunyoresa chimwe chikwata,” anodaro Gwesela.

Anoti haana ruzivo rwekuti CAF ichavatorera matanho api zvichitevera kukundikana kwakaita Harare City kunokwikwidza kuCAF Confederations Cup.

Zvakadai, mumutambo weCAF Champions League, Zimbabwe ichange ichimirirwa neFC Platinum iyo yakasimudza mukombe wePSL mwaka wadarika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>