Uncategorized

Humhandara nechimanda

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
Humhandara nechimanda

Kwayedza

Ndinoda kuwana mukadzi wangu riri gombo’

“TIBVIRE apo iwe, unoti unoda kubvisa mombe yechimanda yekupa vanatezvara vako kuti musikana wako uyo ave mukadzi vako wakamuwana achiri mhandara here iye mukadzi wako? Unoita sewakadyiswa bedzi iwe!

“Mazuva ano hakusisina mhandara sakare. Vasikana vacho dzangova mvana.” Tozivepi akataura seanochenamira shamwari yake Jakarasi apo vaifamba netsoka vachibva pakati peguta reHarare vakananga kumba kwavo kuMbare National.

Jakarasi akapindura achiti: “Haurevese iwe, mhandara dzichiriko asi kungoti dzava kunetsa kuwana. Wangu ndakamuwana akakwana sha . . .”

Vaviri ava vakabva vanyarara nyaya yavo apo vakasvika paMarket Square apo paiva nemahwindi aizhambatata kushevedzera pamakombi.

Asi vaviri ava havana kuziva kuti vainge vanzwikwa nyaya yavo nahwindi hwekombi yainge yava kutozara iyo yavakabva vakwira. Hwindi uyu akangoti achipedza kuti “Shoes”, kombi ichibva yasimuka ndokuti:

“Hakuna zvakadaro blaz, mhandara hakuna. Vasikana vamuri kuzoora tinenge takapedza navo kudhara isu maGrade 7. Imi nemadhigirii enyu munozongonyeperwa bedzi,”

Nyaya iyi yakaguma yapindirwa nevanhu vaiva mukombi zvekuti pakazosvika mota iyi kuMupedzanhamo uko kwaiburuka munhu wekutanga, vanhu vainge rangova zhowe-zhowe vamwe vachiti mhandara dzichiriko asi vamwe vachiramba. Vamwewo ndivo vakatanga kushoropodza hwindi nemashoko ake vachiti tsika “yekukanganisa mwana wevanhu wozorega kumuroora yakashata”.

“Wauchada kuti azoroora musikana waunenge wabvisa humhandara ndiyani? Uriwe ungada kubvisa chimanda chemukadzi wawana asiri mhandara here? Zvakaipa fani zvamunoita vakomana,” vakadaro vamwe ambuya vachiburika pamusika weMbare apo vainge vakabata chitswanda chairatidza kuti vainohodha.

Gakava raiva rekuti kuchine chinhu chinonzi chimanda here mazuva ano.

Chimanda imari, mombe, mbudzi kana chimwe chinhu chine chiremera chinobviswa nemurume achipa kuvabereki vemukadzi waanenge achangoroora sekutenda kana kuti semucherechedzo wekuti akawana mwanasikana wavo ari mhandara.

Kwayedza yakapinda muvanhu ichida kunzwa kuti tsika yekubvisa chimanda ichiri kutevedzwa here mukore uno zvichitevera kusanduka kwedzimwe tsika, uye kana ichiri kuitwa, vose vari kubvisirwa chimanda vanenge vari mhandara here kana kuti kwete. Verengai muzvinzwire:

Mbuya Dhlamini Chizhande, avo vanove nhengo yeZimbabwe Traditional Healers Association (Zinatha), vanoti mombe yechimanda ichiri kubviswa nanhasi uye yakakosha zvikuru mukuchengetedza wanano. “Kana pachibviswa mombe yechimanda zvinoreva kuti vabereki vanenge varoodza mwanasikana wavo ari mhandara. Zvinotariswa kumusikana bedzi kwete mukomana.

“Mombe iyi inozobviswa mushure mekunge mukomana asangana nemudzimai wake mutsva uyewo patobviswa roora. Vazhinji vanoibvisa yakabatana nembudzi yemasungiro,” vanodaro Mbuya Dhlamini.

Mbudzi yemasungiro inogona zvakare kubviswa apo murume anenge ave kupereka mudzimai wake kuvabereki vake aine pamuviri pekutanga kuitira kuti anosunungukira kumusha kwake.

Mbuya Dhlamini vanoti kana mukomana asangana nemusikana wake kekutanga, madzitete vemusikana vanozoenda nejira jena, iro vanokumbira mukuwasha, kuti ariboore kana achinge awana mudzimai wake mutsva asiri mhandara.

“Mukuwasha kana akawana mukadzi wake asiri mhandara, anotambira jira iri oricheka pakati kuita ziburi. Asi kana ari mhandara anongoripeta odzosera kumadzitete vemukadzi rakadaro, riine mari mukati yekutenda.

“Mukuwasha anozosarudza zuva rekuita mabiko kwatezvara, mudzimai wake achipembererwa nekugona kuzvibata kwaanenge akaita. Ndipo panouraiwa mombe yechimanda inenge yabviswa nemukuwasha pazuva remabiko aya, vanhu vodya vachipemberera uye jira riye rinetenge rakayanikwa panze richionekwa nemunhu wose,” vanodaro.

Mai Calista Magorimbo (52) vakatsinhira vachiti iyi ndiyo nguva inofadza zvikuru kumwanasikana anenge awanikwa ari mhandara pamwe chete nevabereki vake.

“Ini murume wangu akandiwana ndiri mhandara saka pakaitwa mabiko vanhu vakarara vachidya nyama yemombe yechimanda. Kugona kuzvibata uku kwakaita kuti imba yangu irambe yakamira,” vanodaro.

VaEmmanuel Dhliwayo (50) veKuwadzana, muHarare vanoti mombe yechimanda inobviswa ichipihwa vabereki vemusikana anenge aroorwa achiri mhandara.

“Kuroora munhu anenge asingazive zvevarume zvinofadza saka mombe iyoyo inomira semucherechedzo wekutenda kurairwa kunenge kwakaitwa mwanasikana nevekumhuri kwaanobva. Mukuwasha anobvisa zvakare gumbeze raambuya neratezvara,” vanodaro.

Vanoti vanakomana vanotarisirwawo kuti vange vakazvibata nekuti hazvingonakiri kurutivi rwumwe.

“Tinotarisirawo kuti vanakomana vanenge vakarairwa nekuti hujaya hwakakosha. Mukomana anotonderawo munhu akaita kuti hujaya hwake hubve uye haamukanganwi. Zvisinei, musikana haakwanisi hake kutenda mukomana mukuzvibata asi vanasekuru vake vanogonawo kumupa chipo.”

VaDhliwayo vanoti panobviswa humhandara pane zviratidzo zvinoonekwa nemadzitete.

“Kana vachinge vaona vanobva vangoziva kuti yange iri mhandara. Vanobva vakomekedza mukomana kuti agadzirire kupa vabereki vemukadzi wake mombe yavo yechimanda. Kana musikana anga asiri mhandara zvinoonekwa, magumbeze anenge akangochena,” vanodaro.

VaMoses Masona (49) vekuEpworth vanoti chimanda chinobvisirwa musikana anenge ari “gombo”.

“Ndipo paye pamunonzwa vanhu vachiti panoroorwa mwanasikana, gombo iroro rawawana ucharirima woga kureva kuti wazviwanira mhandara. Munhu anowanikwa ari mhandara anotarisirwa kuti ange aine tsika uye zvine chiremerera kuvabereki vake.

“Zvinhu zvinonyadzisa kuti vanhu vazoona murume achiita gumbo mumba gumbo panze nekuti anenge achitya kusvibisa mudzimai wake,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti mazuva avo kune vamwe vanhukadzi vanenge vasiri mhandara avo vanoita humhandara “hwekugadzira” kuburikidza nekushandisa mishonga.

“Asi vamwe vakomana vanogona kusangana nenhinhi dzinoita humhandara hwekugadzira, anenge vakatorasikirwa nahwo kare. Vamwe vanoshandisa mishonga yechivanhu yekupfeka kana sipo (virginity soap) mukunyepera kuve mhandara. Asika, ndinoti iyi ndiyo tsoro yekutamba kamwe isingadzokororwi.”

Vanoti kune mamwe makereke akaita seepositori ane chembere dzinotarisa vanasikana humhandara.

Asi Dr Tsitsi Dhlamini Chizhande, avo vanove nyanzvi yezvemishonga yechivanhu (herbalist), vanoti pamutemo imhosva kuti vanasikana vamanikidzwe kuvhenekwa humhandara.

“Ini ndakaroorwa ndiri mhandara vanhu vakafara vachipemberera. Asika, hatifaniri kukanganwa kuti kune vamwe vakarasikirwa nehumhandara nekuda kwemitambo yakadai sekumhanya, kusvetuka kana kuti vakabatwa chibharo.

“Saka panguva yatinofara nekupemberera hatifanire kushora avo vanowanikwa vasiri mhandara,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links