Icasa yotinhira muZim

02 Jul, 2015 - 19:07 0 Views
Icasa yotinhira muZim

Kwayedza

ANENGE ari makuwerere kubva musi wa29 Mbudzi kusvika 4 Zvita muguta reHarare apo pachange pachiitwa musangano weInternational Conference on AIDS and STIs in Africa (Icasa) uyo uri kutarisirwa kupindwa nevanhu vanodarika 7 000 kubva kunyika dzakasiyana. Vachapinda musangano uyu vanosanganisira vanachiremba, vazvinamuzvinafundo, vemasangano anoshanda mundima yeHIV neAIDS pamwe nevanorarama neutachiona hweHIV.

Zimbabwe yakawana mukana wekuita musangano uyu svondo rapera mushure mekunge Tunisia iyo yanga yakawana mukana uyu yakazoti kumagumo haichadi.

Vamiriri vesangano reIcasa vaive munyika muno svondo rapera vakagutsikana kuti Zimbabwe inokwanisa kuita musangano uyu zvakanaka.
Sangano reUNAIDS Zimbabwe rakakorokotedza nyika ino nehurongwa uhwu.

“Makorokoto Zimbabwe nekuwana mukana wakadai wekusimudza mureza weZimbabwe kune pasi rose kuburikidza neIcasa. Musangano uyu ndiwo mukuru muAfrica munhau yezvirwere zvepabonde, HIV neAIDS naizvozvo makorokoto,” yakadaro UNAIDS muchinyorwa chayo.

Mukuru weIcasa Dr Ihab Ahmed vakanyorerana pasi chibvumirano chinonzi pachirungu Memorandum of Understanding (MoU) negurukota rehutano nekurerwa zvakanaka kwevana, Dr David Parirenyatwa maringe nemusangano uyu.

Dr Parirenyatwa, vachitaura pachiitiko ichi, vakati zvisungo zvanyorwa chasara kusakura nekuzunza pachikamu chedu senyika. “Chasara ndechekuona kuti tinofanirwa kushanda nesimba kuitira kuti musangano uyu ubudirire,” vakadaro Dr Parirenyatwa.

Dr Ahmed vakatsinhira vachiti: “Ndine chokwadi chekuti Icasa 2015 ichabudirira uye ichava mufananidzo kune mimwe misangano ichatevera yeIcasa ichaitwa muno muAfrica.”

Vanhu vanoshanda mundima yeHIV vakaratidzawo kufara nenhau iyi. Martha Tholanah, uyo anove anorarama neutachiona hweHIV uye achirwira kodzero dzevamwe vake, anoti ino ndiyo nguva yavanga vakamirira.

“Ndiyo nguva yekushambadza Zimbabwe pasi rose. Hongu, vanhu vachauya kuIcasa asi vazhinji vavo vachada kuona nzvimbo dzinoyevedza seVictoria Falls naizvozvo achave makuwerere kubva kuhutano kusvika kumahotera,” akadaro Tholanah.

Mumwe mudzimai anomirira kodzero dzevaimbove vasungwa uye nevachakasungwa, Gumiso Bonzo, anoti irombo rakanaka kuti Zimbabwe ipihwe mukana wekuita musangano mukuru wakadai.

“Chinenge chiroto kuti Zimbabwe ichave iri iyo inoparura Icasa yegore rino. Taingozvionera kune dzimwe nyika asi rwendo rwuno ndezvedu.
‘‘Uyu mukana wekudzidzisa vauyi kuti tave mberi panhau dzeHIV neAIDS,” akadaro Bonzo.
Icasa ingauye ikapfuura ichitisiya tiri pachikamu chimwe chete senyika here?

Hazvisi nyore kusarudzwa muAfrica kuva nyika ichaitirwa musangano weIcasa, zvinoratidza chiremerera chinopihwa Zimbabwe saka naizvozvo iwe neni tine basa rekuona kubudirira kwemusangano uyu.

Zimbabwe yakaonekwa iri iyo nhungamiri mukushandiswa kwemakondomu kupfuura dzimwe nyika asi chinoshamisa ndechekuti zvirwere zvepabonde zviri kuririma semoto saka tarisiro iri kumusangano iwoyu kuti izvi zvishanduke vanhu vazive kuti kondomu ndere kushandisa.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>