‘Idyai chikafu chinovaka muviri

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
‘Idyai chikafu chinovaka muviri

Kwayedza

HURUMENDE svondo rapera yakaparura chirongwa chakananga kuwanisa veruzhinji kudya kunovaka muviri, cheNational Food Fortification Strategy 2015.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vakati chikafu chizhinji chiri kutengeswa muzvitoro chinofanira kunge chiine kudya kwakakwana kunovaka muviri senzira yekuderedza kunyuka kwezvirwere zvakaita sekwashi nendufu dzevana nemadzimai.

“Tinoda kuti paitwe ongororo, paonekwe kuti kumwe kudya kuri kutengeswa muzvitoro kune maVitamin nemaProtein akakwana here. Tinoda kuti zvinenge zvakanyorwa pamagaba echikafu zvinge zvichienderana nezviri mukati. Kudya kunovaka muviri uku hakufaniri kunyanya kuwandisa kana kushomeka,” vakadaro Dr Parirenyatwa.

Vanoti Hurumende yakakumikidza mutemo unoona nezvekudya kwevanhu kwakaringana uye kune utano, weComprehensive National Food and Nutrition Security Policy.

Dr Parirenyatwa vakakurudzira vemakambani anogadzira chikafu seNational Foods nemamwe kuti vaenderere mberi nekugadzira kudya kunovaka muviri.

“Tinoda kuti makambani ose anoita nezvekudya kweveruzhinji ange achitora danho iri. Makambani aya ndeakadai seNational Foods, Blue Ribbon Foods, ZimSource Foods, UNIFoods, Tongaat Hullett, starafrica, Olivine Industries, PureOil, Surface, United Refineries, ILANGA Foods, Umgigwa nemamwe akawanda.

“Asi zvose izvi zvinofanira kuitwa vanhu vachitevedza mirawo kuitira kuchengetedza upenyu neutano hweveruzhinji,” vakadaro.

Vanoti nekuda kwenzara, vanhu vanodarika mabhiriyoni maviri pasi rose vari kukundikana kuwana kudya kunovaka muviri izvo zviri kukonzerawo kuti vana 195 miriyoni vari pasi pemakore mashanu vasakure zvakanaka uye chikamu che30% chavo chichirasikirwa neupenyu pagore.

Ongororo yakaitwa neZimbabwe Demographic Health Survey (2010-11) neyeMicronutrient 2012 inoratidza kuti madzimai nevana vazhinji vari kukundikana kuwana kudya kune Vitamin A neiron.

“Kushaikwa kweVitamin A kuvana vari pasi pemakore mashanu kune chikamu che19%, madzimai 54% apo anemia (kushaikwa kwekudya kune iron) kuine chikamu che26%,” vakadaro.

Vanoti bazi rezvekurima rakatorawo danho guru rekurima chibage nebhinzi zvemhando yeZS642 izvo zvine Vitamin A, iron nezinc.

VaChipo Nheta, avo vanove managing executive kuNational Foods vanoti kambani yavo yakazvipira kutsigira chirongwa chekuwanisa vanhu kudya kunovaka muviri. “Tiri kugadzira kudya kunovaka muviri kubvira kuupfu, furawa, mafuta nezvimwe donzvo redu riri rekurwisa zvirwere zvinouraya vanhu muchinyararire zvakaita seBP neshuga.

‘‘Tinoda kuti nyika inge ichibudirira uye kuti izvi zvivepo zvinobva pakunaka kweutano hwevanhu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>