Uncategorized

‘Ipai Prophet Madungwe nguva’

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
‘Ipai Prophet Madungwe nguva’ Prophet Madungwe

Kwayedza

Munyori weKwayedza
VAMWE vaverengi vanoti muporofita wekuti akaenda kudenga kaviri akaita musangano naMwari mbune ndokuwedzera achiti Mwari vachashanyira Zimbabwe mumwedzi waGumiguru gore rino haafanirwe kushorwa kusvikira zvaonekwa kuti zvaari kutaura izvi zvichaitika here kana kuti kwete. Prophet Talent Madungwe (30) wechechi yeExile Desire of All Nations Ministries, iyo iri mumusha weSunningdle, muHarare, svondo rapera pamberi akaudza Kwayedza kuti nguva yadarika akashanyirwa nengirozi ikamuzivisa kuti Mwari mbune vachashanyira Zimbabwe mumwedzi waGumiguru.

Izvi zvaitevera mamwe mashoko akambotaurwa naProphet Madungwe kubepanhau rino ekuti akanoita musangano naMwari kudenga kanokwana kaviri, musi wa1 Ndira na4 Chikumi gore rino.

Vamwe vaverengi vebepanhau rino vari kushoropodza Prophet Madungwe vachiti ava kurwara nepfungwa nekuda kwemashoko ake aya asi murume uyu haasi kudzokera shure achiti vaya vari kufunga kuti ava kupenga “vachazvionera”.

Zvisinei, kune vamwe vari kuti muporofita uyu ngaapihwe nguva kusvikira mwedzi waGumiguru waari kuti Mwari vachashanyira Zimbabwe wasvika, ndiko kuti zvionekwe kuti zvaari kutaura zvichaitika here kana kuti kwete.

Heanoi mamwe mashoko akatumirwa nevaverengi:

Isu tanetswa neiko nokuziva chokwadi chemuporofita uyu? Ko, handiti musi wa20 Gumiguru wacho hauregi kusvika hawozve! Takatomaka nechinyoreso chitsvuku pamakarenda edu. Tinoda kuzonzwa kuti anozotitaurira kuti chii kana Mwari vasina kuzouya. Tinganetswe here nokuyera nyoka negavi iyo ichizongovepo? – S.G. Seke.

* * *

Ini handifare naProphet Madungwe, vanopenga uye ngavasungwe. – Tilvadlo.

* * *

Ndinoti Prophet Madungwe ngavapihwe mukana tomirira kuuya kwavakati Mwari vachaita vozotipirawo zvichemo zvedu. – Amanyirendaz, Mvurwi.

* * *

Baba Prophet Madungwe nevamwe vose vesangano ravo vaendesei kuAnnex kuParirenyatwa (Group of Hospitals) nekuMlondolozi kunorapwa pfungwa. Hezvo ave kuti Mwari vachashanyira Zim. Tikamusekerera achatiburira imwe nyowani inozotinetsa. – Baba Batsi Maccossa Masvisva.

* * *

Panyaya yaMadungwe, Bhaibheri rinoti regai zvikurirane zviyo nemasawi tozoona pakukohwa. Iko zvino tomirira mazuva 90 toona kusvika musi wa20 Gumiguru kuti zvaakareva zvokuuya kwaMwari muno muZimbabwe zvaichaitika here? – Muverengi mukuru weKwayedza, Harare.

* * *

Madungwe wakati Mwari vachashanyira nyika yeZimbabwe, vachibva kupi? Tichazoonei kuti Mwari vatishanyira? Mugore ra2000 takaudzwa kuti zuva richadzima na2 masikati, tikazviona. Ko zvekuti Mwari vachashanyira Zimbabwe anenge akaita sei kuti tizozive kuti ndiye Mwari akataurwa uya? Ngaatiudze, tisatange tamushora. Asi kana zvisina kuitika ngaazive kuti “mahwani” atanga. – 0773 484 310.

* * *

Hakuna prophet akadai, kutsvaka nzira yekukwezva vanhu chete uku. – Ottie the Shalomite.

* * *

Uyu murume uyuka, ndinoona seakaromba saka mishonga yake yave kuita sengirozi dzaShe. Ngaaende kunodzosera mishonga yake kwaakaitora tione kuti zvinoramba zvichiitika here kwaari zvaanotaura. – 0776 645 616.

* * *

Muporofita uyu zvaari kutaura zvinogona kuitika nekuti hatizive kuti zvakamira sei saka ngaarambe achienderera mberi nekuenda kudenga. – 0778 222 081.

* * *

Murume uyu ave kupenga. Akasangana naMwari kupi? Akatanga kuona Mwari asati aona ngirozi naJesu? Anonyepa. – A.C.K, Harare.

* * *

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>