Kwayedza
SEKURU Bonface Katerera vekuUzumba vanoti Gambe anokwaniswa kubatsirwa nekuroyonorwa nevanhu vakamuroya chete.
“Murume uyu ngaasadyirwa mari nevamwe vanhu vachiti vanomurapa, ngaadzokere kuvanhu vaakabira ava, vaende naye kun’anga yakamugadzira. Anobatsirwa akatoona.
“Tine vanhu vanokuma semombe nekuita ndove, vamwe vachikukuridza sehuku kana kukekedza vaba huku kana mombe. Saka mishonga yekugadzira mbavha iriko,” vanodaro.
Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Elias Gomwe vekuChitungwiza vachiti kana murume uyu akanamatirwa, dambudziko rake rinopera.
“Ari kutaura oga kuti aiva gororo guru zvinoreva kuti Mwari vanomuregerera nekuti ari kureurura kunyika yose. Ngaafambe anobatsirwa,” vanodaro.