Island Hospice yosimbaradza mabasa ekubatsira varwere

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Island Hospice yosimbaradza mabasa ekubatsira varwere

Kwayedza

SANGANO reIsland Hospice and Healthcare riri kusimbaradza zvirongwa zvaro zvakananga kubatsira varwere vari panhowo pamwe nekunyaradza vanenge varasikirwa nehama dzavo.Chamangwiza waro, Mai Theme Khumalo, vanoti basa ravo rinosanganisira kushanyira varwere vari kumaruwa, mumakirinika nemuzvipatara, mudzimba pamwe chete nekubatsira nherera.

“Sangano redu rinodzidzisa zvakare vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV kuti vabatsirane nevamwe vavo vanenge vari kurwara uye kupangwa kwemazano kune mhuri dzinenge dzichishungurudzika nekuda kwehurwere hwehama kana kurasikirwa kwavanenge vaitwa nehama dzavo,” vanodaro.

Vanoti vachengeti vevarwere vanodzidziswa kuti vazive nzira dzakanaka dzekubatsira nadzo kuti murwere apone nekukasika.

“Tiri sangano rinorarama nekuwaniswa rutsigiro kubva kuvatsigiri pamwe nekuita zvirongwa zvekuunganidza mari. Tinoda kuti veruzhinji vatitsigire kuburikidza nedandemutande rinoti :https://www.globalgiving.org/projects/island-hospice-and-healthcare/ kana kuti Ecocash biller code 76498 uye kuburikidza nebhanga reStanbic, Island Hospice Services A/c 9140000810907,” vanodaro.

Mai Khumalo vanoti vanhu vane hurwere hwekuti vanenge vari panhowo hwakaita segomarara kana HIV vanosangana nenyaya dzerusarura rwakanyanya.

Vanoti vanofara nemushandirapamwe uri pakati pesangano ravo nekambani huru mune zvenhau munyika, yeZimpapers, mukurwisa chirwere chegomarara.

“Vamwe vanonoka kuongororwa zvirwere zvavanenge vainazvo izvo zvinoita kuti zvizonetsa kurapwa nekuti zvinenge zvakomba saka tinoramba tichivakurudzira kuti vatore mishonga yavo kuti vapore pamwe nekuderedza marwadzo uye kuti vasashaye tariro neupenyu.

“Tinotenda zvikuru nemushandirapamwe uri pakati pesangano redu nekambani yeZimpapers kuburikidza nenhepfenyuro yeStar FM apo tinowaniswa mukana wekufundisa veruzhinji nezvenzira dzingaitwe mukuchengetedza varwere vepanhowo,” vanodaro.

Island Hospice muAfrica yakavambwa mugore ra1979 mushure mekuonekwa kuti pakange paine mikaha maringe nemachengeterwo evarwere vepanhowo.

Munyika muno, sangano iri rakatanga riine zvikamu kana kuti mipande gumi nemumwe yaibatsira varwere asi iko zvino kwasara mitatu bedzi.

Zviuru zvenyanzvi dzevarapi zviri kubatsira varwere mudzimba, muzvipatara zvehurumende nezvakazvimiririra munyika dzakadai seNamibia, Zambia, Botswana, Kenya neSouth Africa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>