Kakomana koshura mare nePool

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Kakomana koshura mare nePool

Kwayedza

Abel Ndooka —
KAKOMANA kane makore 10 ekuberekwa kemuHarare koita mukurumbira mumutambo wepool izvo zviri kuona zvikwata zvakasiyana zvichikarwira.

Miguel Mupfigo -uyo ari kuita Grade 5 pachikoro cheWestlea Primary School – ari kutemesa varume vakuru vanotamba pool misoro.

Miguel, uyo anove zvakare anofarira mutambo wenhabvu, anoti akatanga kutamba pool aine makore masere ekuberekwa.

“Ndakatanga ndichitamba nhabvu asi baba vangu pavaive nechitoro chavo chaive nesnooker table iyo inove yandakatanga kudzidzira kutamba mutambo uyu.

“Ndakaramba ndichingodzidzira ndichishingirira kusvika iye zvino ndave kugona.

“Ndine vatambi vakuru kwandiri vandinokunda zvekuti vakandiona ndichisvika vamwe vanobvisa matoken avo, vanotonditya,” anodaro Miguel.

Pool inozivikanwa ichitambirwa mumabhawa kazhinji umo munenge muzere zvidhakwa saka mubvunzo unogona kunge uri pamiromo pevazhinji ndewekuti Miguel anozvifambisa sei.

Baba vake – Joseph Mupfigo – anoti mushure mekunge azvionera tarenda rine mwana wake akazvipira kuti ndiye achange achifamba naye kwese kwaanoenda kunotambira nekukwikwidza kuti arambe achisimukira.

Anoti anokoshesa fundo yemwana wake zvekuti kana iri nguva yemabhuku anoda kumuona achiverenga chete kozoti kana yezororo yasvika anomuperekedza kunotamba pool kana nhabvu, zvichienderana nekuti anenge asarudza zvipi.

“Mushure mekunge taona chipo chiri maari, ini ndakazvipira kuti ndichange ndichifamba naye ndichiona kuti ari kutamba chaizvo here uye kuti haasi kudzvanyirirwa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Pane vamwe vanoda kutamba zvekubheja zviya izvozvo ndakatomuudza kuti handidi kumuona achizviita nekuti zvinomukanganisa.

“Asi chikuru ndechekuti tinokoshesa fundo yake kana iri nguva yechikoro mabhuku pamberi,” anodaro Mupfigo.

Anoti zvakakosha kusimudzira tarenda revechidiki mumutambo wepool sezvo vamwe vachikwanisa kuwana raramo kubva mauri mune remangwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>