Kubika nhopi yemanhanga

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino Mai Ronika vekuGokwe vanodonongodza zvir pamusoro pemabikirwo enhopi yemanhanga. Nhopi iyi inhapitapi chaiyo kana ikabikwa zvine hunyanzvi.

ZVINODIWA:
Tsetsa kana kuti feta manhanga nebanga rakachena.

Chigeza manhanga woacheka-cheka kuita zvidimbu zvidiki.

Isa mupoto kana hari ine mvura yakaringana woafashaidza kusvikira aibva.

Kanda twuupfu twushomanana womona.Kana nhopi yave kuibva, isa dovi womona nemugoti kusvikira zvasangana.

Kanda twushuga twushoma womona zvakare nekuti mamwe manhanga anogona kunge asinganaki. Asi vamwe havaisi shuga.

WOZODINI?
Kana zvashinyira pamoto, mona zvakare usati wabura. Nhopi yemanhanga inogona kudyiwa yakadaro asi vamwe vanoida nekanyama parutivi.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753.

Share This:

Sponsored Links