Uncategorized

Kuchengetedza mwanakomana kumhirizhonga yepabonde

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Danai Chirawu —
MUNYAYA yedu yadarika, takanga tichikurukura nezvezera rakakodzera kuti vanhu vange achipinda munyaya dzepabonde. Chokwadi chiripo ndechekuti mutemo unotaura nezvemazera evanokwanisa kubvuma kupinda munyaya dzepabonde nevasingakwanisi.

Zvakakosha kuti tirarisewo mutemo kuti unoti kudii panhau dzevanakomana panyaya dzekubvuma bonde.

Mwanakomana ane makore ari pasi pegumi nemaviri pasi pemutemo anonzi haakwanise kubvuma nyaya dzepabonde.

Mwanasikana kana mwanakomana akamanikidzirwa kupinda munyaya dzepabonde nemunhu mukuru anobatwa nemhosva inodaidzwa kunzi Aggravated Indecent Assault maringe nemutemo weSection 66 of the Criminal Code.

MuZimbabwe, kupinda nemwanakomana ari pasi pezera munyaya dzepabonde hachisi chibharo asi kuti kumbunyikidza mwanakomana nenzira yebonde.

Kana mwanakomana ane makore ari pakati pe12 ne15 akabvuma kupinda munyaya dzepabonde nemunhu mukuru inongotorwa semhosva zvakare. Kubata mitezo yemuviri yemwana ari pakati pemakore 12 ne15 asi zviine chekuita nenzira yebonde imhosva zvisinei nekuti hapana bonde rinenge raitwa.

Vanakomana vane makore 16-17 vanokwanisa kubvuma kupinda munyaya dzepabonde.

Kumbunyikidzwa nenzira yebonde kunoreva kumanikidzirwa kwemwana anoitwa naye bonde nekunobuda netsvina kana kuti dzimwe nhengo dzake dzemuviri dzichishandiswa kuita zvebonde asi risiri bonde rinoitwa nenzira chaidzo.

Izvi zvinosanganisira kumbunyikidzwa kunoitwa vanasikana nekuitwa bonde navo nekunobuda netsvina.

Kana mwanakomana aparirwa mhosva dzerudzi urwu, mupari wemhosva anosungwa. Bonde rekumashure rinoitwa kuvanakomana rinodaidzwa kuti sodomy uye imhosva huru iri muchikamu chemutemo cheSection 70 of the Criminal Code.

Varume vanoita bonde nevanakomana vari pasi pemakore 11 ne15 vanobatwa nemhosva iyi. Mwana ane makore 12 zvichidzika haakwanisi kubvuma bonde zvachose.

Chinonyanyofadza ndechekuti mutongo mukuru unopihwa kumunhu anenge apara mhosva yechibharo ndiwo zvakare unopihwa kune munhu anenge apara mhosva yerudzi urwu.

Kunyika yeSouth Africa, chibharo chinoreva kusabvumirana bonde pakati pemurume nemukadzi uye varume vaviri kana nevakadzi vaviri vanomanikidzira kuita bonde nevanhukadzi kana kuti kuvanhurume vanotongwa nemhosva yeAggravated Indecent Assault.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>