Uncategorized

Kudya marasha zvose nedota racho

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
CHIKRISTU sezvatinochiziva chatama, chaburitsa property panze zvekuti kana pakazouya vanochitsvaga vanonzwa kuti hachichagara pano. Pamwe ndicho chimwe chezvikonzero zvinoita kuti tiyambirwe kuti, “Tsvagai Jehovha achawanikwa.”

Ndiri kunetseka nehunhu hwevanhu vari kuita zvinhu vachiti maKristu. Ko ndivanaani vakarova kana kuti vakazvindikita munin’ina wemuporofita uye wekufonera Mwari? Ko Phatisani ave kuda kusonwa muromo sei iye ari mushamarari? Mwari rudo, kwete ruvengo, ropa rekubayana nekuchokobvorana.

Ko maKristu akaenda kunoratidzira achiita bongozozo kuHerald House zvekuda kutorova vanhu maKristu ekupi iwayo? Dai Jesu ari pano panyika nhasi, Sunday Mail yobva yanyora zvakaipa pamusoro pake, aizoshandisa simba rake rehumwari kuti avatumire moto nemabhanan’ana here?

Mupostori Paul pane paakanyora achirayira vaKristu vechechi yekuRoma kuti varege kuenzaniswa nemaitiro enyika ino, asi kuti vashandurwe nekuvandudzwa kwepfungwa dzavo. Paul anozonyorerawo maKristu echechi yekuKorinde achitaura marwiro avangaite hondo dzemweya muhupenyu hwavo. Anovaudza kuti vatape mifungo yese kuti iteerere Kristu.

Mashoko aPaul aya anondirwadza zvikuru panguva ino yatiri muZimbabwe, yekuti vanhu hatichafunga kunge zvigutswa.

Uri kumboonawo here zvandiri kuona? Ndiri kuona kudhirikira, kubvaruka nekubooka kwezvinhu. Handisi kureva maPothole kana mapurisa ane simbi dzekubayisa mavhiri emota. Ini ndiri kuona dambudziko remweya. Kwete mweya unobuda muvhiri kana rikabayiwa neSpike yemapurisa, asi mweya wezvine chekuita nemweya Mutsvene waMwari muvanhu, maporofita nemachechi.

Tinoti tiri maKristu anoverenga Bhaibheri, asi handifunge kuti tinoita zviri muBhaibheri. Tinogona kunge tichitakura maBhaibheri, asi kana tave kukoshesa munhu kudarika Bhaibheri, chiKristu chedu chabhendha uye tichabhebha nekuti Mwari vanoti, “Usave nevamwe vamwari kunze kwangu, usazviitire mufananidzo wakavezwa, ungave wechinhu chiri panyika pasi, kana wechiri kudenga kumusoro kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamire izvozvo kana kuzvishumira!”

Chimwe chiKristu hachidi kuti tizosvika pane zvave kuitwa nevamwe vanhu vachinyebera chitendero – kuuraya nekuparadza. Jesu haana kumbotanga hondo! Jesu aiparidza tsitsi nerudo uye akadzidzisa vanhu kuti, “Dzidzai kwandiri nekuti ndiri munyoro.”

Nyangwe paye pakagurwa nzeve yaMarikosi naPeter nebanga, Jesu akainhonga akaidzosera payakanga yachekwa. Nyangwe masoja echiRoma nevakuru vechiJudha vakauya kuzomubata vachimurova nekumurwadzisa – Jesu akakumbira Baba kuti vavaregerere.

Ko zvino vateveri vemaporofita vari kuzviwana kupi zvekuti anotaura zvavasingade kunzwa pamusoro pemuporofita wavo vanobva vadya marasha zvese nedota racho?

Kana muchishatirwa zvekusvika pakunoita hovhiyo muri kuparidza chii semaKristu? Kana muchiita mabhodhigadhi muri kutyei?

Jesu ane paakatiudza mashoko anobatsira pamusoro pekutambudzika. Jesu akati, “Ndakareva izvi kuti muve nerugare. Panyika munotambudzika asi tsungai mwoyo nekuti ini ndakakunda nyika.”

Pane kunyengera kukuru kwazvo kuri kuitika mumachechi mazhinji muZimbabwe panguva ino yatiri. Kunyengera uku ndekwekuti kana tiri muchechi yanhingi hatina kana nhamo nematambudziko zvinotiwira nekuti nhamo nematambudziko edu zvese zvinokundwa nekutsokodzerwa nemunhu wedu waMwari.

Vatendi vazhinji vari kutizira mumachechi emazuva ano vanofunga uye hauvatsukunyutse pakufunga ikoko kwekuti havasangane nenhamo nezvinonetsa. Asi tisingatarise Jesu pachezvake, tinotarisa varanda vaMwari vakaita saPaul. Paul pachezvake akanyora tsamba dzakawanda achitsanangura nhamo nematambudziko zvaakanga achisangana nazvo.

Kurwara, kusungwa, kurohwa, kuvengwa, kurasika nechikepe nezvimwe zvakawanda.

Kunamata muchiita zvenyama kunouraya nekuti kufunga kwenyama kunovenga Mwari. ChiKristu chaicho chinokurudzira kuti titaurirane chokwadi.

Share This:

Sponsored Links