Kuremekedza mabasa aChidyausiku

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Kuremekedza mabasa  aChidyausiku Dr Chidyausiku vaine vadzidzi vepaLingfield High uye nemurairidzi wavo akagara pasi - Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Kwayedza

MUPEPETI wekutanga webepanhau reKwayedza, Dr Paul Chidyausiku, svondo rapera vakaitirwa mabiko nemhuri yavo kuGweru nechinangwa chekurumbidza basa guru ravari kuita mukusimudzira mutauro weShona kuburikidza nekunyora mabhuku.

Izvi zvinotevera kupembedzwa kuchangobva kuitwa Dr Chidyausiku neWomen’s University in Africa iyo yakavapfekedza chiremera chedhigirii reDr of Philosophy in Education nekuda kwebasa ravanobata iri.

Mabiko esvondo rapera akaitirwa pane imwe hotera iri muGweru uye aitsigirwa neTopflight College iyo inotungamirirwa nemuzukuru waDr Chidyausiku, VaTamuka Chidyausiku.

Akaitwa pasi pechirongwa cheTamuka Arts and Science Conference, icho chakaona zvikoro zvemunzvimbo iyi zvichikwikwidzana mune zvakasiyana pamwe nekuwaniswa mibairo.

Vachitaura pamabiko aya, Dr Chidyausiku — avo vaive muenzi mukuru — vanoti vanofara zvikuru nekuramba vachicherechedzwa mumabasa avo.

“Ndiri kutochema kuti kudai Mwari vandiporesawo maziso angu nekuti ndichine shungu dzekurava mabhuku nekunyora. Asi maziso ndiwo akabva kuvhiiwa saka ari kundirwadza.

“Ndakarerwa kwaambuya uye ndiri munhu ane chido nechikoro semwanakomana akakura muimba maive nevasikana vashanu.

“Saka ndaiwanza kukurukura ndiri ndoga nechemumwoyo kusvika ndasvika pakuzodudza zvandaiona kuburikidza nekunyora mabhuku.

“Hanzvadzi dzangu dzaindiudzawo matambudziko adzaisangana nawo mukuyaruka. Zvimwe ndaionawo zvakaita kuti ndinyore mabhuku akadai saKuyaruka komusikana naKuyaruka komukomana,” vanodaro Dr Chidyausiku.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Justice Guvava, avo vanova mwanasikana waDr Chidyausiku vanoti vanonzwa mufaro mukuru nekucherechedzwa kwemabasa ababa vavo.

“Kana munhu ukava neshungu nedzidzo, kazhinji kacho magumo acho anomutsa zvibereko zvakanaka.

“Munguva pfupi yadarika, baba vedu vakacherechedzwa zvikuru neWomen’s University in Africa vakawaniswa dhigirii, saka vave kunzi Dr Chidyausiku.

“Takaona zvakakosha kuti tivacherechedzewo semhuri asi zvose izvi zvichibva kumuzukuru wavo — Tamuka — anove akaronga mutambo uno neshamwari dzake muchinyararire,” vanodaro Justice Guvava.

Vana vepaLingfield High School, ikoko kuGweru, ndivo vakakumba mibairo yose kuburikidza nekugona kudetemba mamwe emadetembo akanyorwa naDr Chidyausiku.

Dr Chidyausiku vakaberekwa mugore ra1921 uye ndivo vakave mupepeti wekutanga webepanhau reKwayedza parakavambwa nekambani yeZimpapers mugore ra1985.

Vakanyora mabhuku akawanda echiShona nechiRungu ayo akavawanisa mibairo.

Mabhuku aya anosanganisira Mbuya Huudzwa: Kurera Nokurumura (1967), Karume kangu (1970), Kuyaruka komukomana (1991), Kuyaruka komusikana (1991) naKuziva naBroken Roots (1991).

Mamwe emabhuku avo ndeanoti Nhoroondo Dzokuwanana (1958), Pfungwa DzaSekuru Mafusire (1960), Nyadzi Dzinokunda Rufu (1975) naNdakambokuyambira (1990).

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>