Uncategorized

Kutanda botso: Muripo wekutadzira mubereki

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Kutanda botso:  Muripo  wekutadzira  mubereki Mambo Chivero

Kwayedza

Mambo Chivero

Mambo Chivero

“IWE Togarepi, Togarepi! Uri kuroverei amai vako? Hauzive here kuti ingozi yauri kupara iyo? Uchafa uchitanda botso iwe!”

Aya mashoko aishevedzerwa nababa vaTogarepi mushure mekunge vanzwa mhere-mhere yekuchema kwemudzimai wavo achiti akange ava kuda kuuraiwa nekurohwa nemwanakomana wavo wekubereka – uyo aida kuziva kuti sei vainge vamusiira sadza shoma.

“Handina kumbovarova ini asi kuti ndangavasundidzira bedzi vachibva vawira pasi,” Togarepi akapindura baba vake achifemera pamusoro nehasha amire pamusiwo wemba yekubikira.

Baba vakamugamha vachiti kusundudzira amai vake hakuna kusiyana nekuvarova, imhosha yekuzvisikira moto muziso. Vakamuti izvi zvichamuita kuti atande botso senzira yekuripira mhosva yake.

Mukomana uyu akabva abuda mumba umu asina kugeza mawoko esadza raaidya ndokuenda kudoro rendari.

Asi baba vake havana kumuvanzira: “Uchatanda botso”.

Kwayedza yakaita ongororo pamusoro petsika yekutanda botso ikanzwa zvakawanda.

Pakutanda botso, nyakupara mhosva anonzi anochehura nemisha ine veruzhinji akapfeka madhumbu kana masaga apo anenge achipemha zvinhu zvakaita sezviyo. Zvinhu zvaanopemha izvi zvinozobikiswa doro semuripo wekutadzira kwaanenge akaitira mubereki wake.

Mukuru wesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiyero (40), vanoti botso rinotandwa nemunhu anenge akanganisira mubereki wake, kunyanya kumurova.

“Botso rinoitwa nemwana anenge arova amai kana baba vake, kuvatuka, kuvananga huroyi, kunanga amai chipfambi nezvimwewo zvinovashatirisa zvakanyanya.

“Munhu haatumwe kutanda botso asi kuti pane kusagadzikana kunoitika muupenyu hwake semunyama, kushaya basa, kugara achipomerwa mhosva sekungwa nemapurisa. Munhu iyeye akazvitsvaga anotaurirwa kuti atande botso,” vanodaro.

VaKandiyero vanoti kurova vabereki zvakafanana nekupara ngozi uye mhosva iyi inogona kupfuka vachiri vapenyu.

“Kurova amai kana baba ingozi inogona kupfuka vari vapenyu, wototanga kutambura. Vamwe vanotanga kuita marombe, kunyangwe vakashanda kusvika papi hapana zvavanoburitsa kusvikira vazozviwana. Koita pamwe pekuti vabereki vafa munhu anozozvitsvaga onzi atande botso.”

VaKandiyero vanoti munhu anotanda botso anopfeka masaga apo anofamba achikumbira chibage, mapfunde, zviyo, mari nezvimwewo izvo anozoshandisa pakubikisa doro rekuzvichenura.

Doro iri rinonzi rinonwiwa rose nevatorwa kwete naiye kana hama dzake.

VaKandiyero, avo sangano ravo rinomiririra n’anga nemaporofita, vakaenderera mberi vachiti: “Anenge achitanda botso uyu anotukwa nevanhu apo iye oga anotaura zvaakaita, kungava akarova amai, baba kana kuvatuka. Anoenda kunovakirwa musososo (chimba chehuswa) musango uko kunozobikirwa doro nemasahwira emhuri apo iye anozorwa dota nekudirwa madhaka nemvura kana makoko ezvekudya nezvimwe achisveeredzwa.”

Vanotiwo nyakutanda botso uyu anouraya mombe yake, nyama yacho yodyiwa nevatorwa pamwe nekuzoripa mombe nembudzi izvo zvinopihwa baba kana amai vaanenge akatadzira. Kana vasisipo zvinopihwa vehukama.

VaKandiyero vanopikisa pfungwa dzevamwe, vanoti amai ndivo chete vanotandirwa botso nekumuka ngozi kana vakanganisirwa nemwana wavo. Vanoti baba vanotandirwawo botso.

“Vanhu ngavarege kuda kurerutsa zvinhu panyaya yekukanganisira vabereki. Mubereki, mubereki bedzi. Ukarova amai, baba kana kuvatuka unofanirwa kuripa nekutanda botso.

“Mazuva ano vamwe havachada kutanda botso, vave kunopotera kumasahwira nemadzisekuru vachitemba nemari yavo voripa vabereki vavo,” vanodaro. Mambo Chivero vekuMhondoro, VaBrown Shopo (62), vanoti pachivanhu imhosva huru kurova kana kutuka mubereki.

“Tsika yechivanhu inoti vemhuri inenge iine mwana anoda kutanda botso vakange vafamba vakazviwana, vanoenda kwashe kana kwamambo wavo vonozivisa nezvemhosva iyi. Izvi zvinoitirwa kuti madzimambo vakazoita zvekunzwa nemakuhwa kuti kune munhu ari kufamba akapfeka masaga mudunhu ravo inoguma yava imwe mhosva.

“Shoko rinoendeswa kumasabhuku kuti vazivise vanhu vavo kuti vasarova munhu uyu asi kuti vamubatsire,” vanodaro Mambo Chivero.

Vanoti nyakutanda botso anoendawo kwamambo onosiya mari kana huku inonzi yechishwe yekukumbira kuti azotanda botso uye anobva apihwa nzvimbo yaanoitira basa rake musango nepanobikirwa doro racho.

“Basa iri rapera, anodzoka kuzotaura kuti akachenurwa mhosva yake akaripa, apo dunhu rinoziviswa.”

Mbuya Agnes Carson (59) vekuLower Gweru, avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti botso rinotandwa nemunhu wose anenge akoromora mhosva huru kumubereki wake.

“Ukarova amai kana baba unoguma watanda botso chete. Unopemha wakapfeka masaga uchipihwa zvirimwa, mari nezvimwe. Zvaunopihwa izvi unozozvisanganisa nezvako wobika doro uchibatsirwa nemadzisahwira. Doro riya raibva, unobvisa mombe nembudzi zvekuripa vangava baba kana amai vaunenge wakatadzira. Unodirwa doro re’Seven Days’ muviri wose neveruzhinji,” vanodaro Mbuya Carson.

Zvirongo, hari nemadhiramu zvinobikirwa doro iri zvinozogezwa nemadzisahwira zvodzoserwa kudzimba kwazvakatorwa sezvo risingabikirwe mumidziyo inobva kudzimba dzevakapara mhosva kana kuhama dzavo.

“Anenge achenurwa uyu, apedza kutamba botso rake, anozogezeswa nemadzisahwira kusango ikoko. Anoigirwa mbatya dzakanaka opfekedzwa achibviswa masaga ozoperekedzwa kumusha uko anosvikokwazisana nababa kana amai vake achivakumbira zvakare ruregerero, ndokunge vari vapenyu.

“Anozopa mubereki waanenge akatadzira ingava huku kana mbudzi iyo inouraiwa yobikwa pamusha vachizodya vose semhuri,” vanodaro.

VaJoseph Edwin (37) vekuGlen View 1, muHarare, vanotiwo igaroziva kuti amai kana baba havarohwe kana kutukwa.

“Handimbofa ndakaona chingaite kuti mwana arove amai kana baba vake. Kana iko kutuka chaiko zvinenge zvabva kupi? Kana waona amai kana baba vatsamwa, iwe tiza zvako wozodzoka shungu dzavo dzaserera nekuti unozoguma wave kutanda botso,” vanotsanangudza VaEdwin.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaJimmy Mundezha (37) vemuHarare zvekare vachiti: “Idzi itsika dzedu dzechivanhu, dzekuti arova amai kana baba ngaapfeke masaga opemha nekutanda botso. Ndicho chiwororo.”

Mai Sarah Horomba (46) vekuDewedzo, kwaRusape, vanoti vanhu vanorova vabereki ndiko kushaya hunhu kwekupedzisira nekudaro vanofanirwa kutanda botso.

“Zvandakaita ini izvi mwana wangu ondiisa mbama? Anototanda botso chete. Zvimwe chetezvo nekurova munin’ina kana mukoma wangu,” vanodaro Mai Horomba.

VaShepherd Kadirire (42) vekwaMukarakate, kwaMurehwa vanotiwo vana vanorova vabereki kunze kwekutanda botso vanofanirwa kupihwa zvirango zvekushanda mabasa akaomarara kumatunhu avanogara.

“Tinozviziva kuti anorova amai kana baba anotanda botso nekuripiswa. Asi hazvifanire kugumira ipapo chete, ngavapihwe zvirango zvekushanda zvakaomarara kwemwedzi kana miviri vachiita mabasa kungave kuzunde remadzimambo uko kudya kwacho konozopihwa kuruzhinji,” vanodaro VaKadirire.

Vakatsinhira pfungwa yekuti kunyangwe mwana akarova baba vake anotanda botso.

“Amai vakakosha, ndivo vakatakura mimba yangu. Asi baba zvakare vakakosha nekuti vaviri ava vakabatsirana kuti ndiveko. Mutupo wandiinawo wakabva kuna baba,” vanopedzisa vachidaro.

Share This:

Sponsored Links