Uncategorized

kwayedza haisi kumira

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
kwayedza haisi kumira

Kwayedza

BEPANHAU reKwayedza riri kuramba richisimukira zvikuru sezvo rava kuverengwa nevanhu vakawanda, avo pari zvino vave pachikamu che15% chevaverengi vose vemapepanhau anobuda pasvondo muZimbabwe.

Kwayedza rasimuka kubva pa4% yechikamu chevaverengi kusvika parave zvino.

Ongororo ichangobva kuitwa neveZimbabwe All Media Products Survey (ZAMPS) kumaruwa nemumaguta, iyo yakaburitswa nemusi weChipiri svondo rino, inoratidza kuti pamapepanhau anodhindwa pasvondo munyika yose, Kwayedza riri panhamba yechipiri richitevera rimwe The Sunday Mail, iyo zvose nebepanhau revanhu, zvinodhindwa nekambani yeZimpapers.

Kwayedza inoteverwa neB-Metro (11%), Manica Post (8%) neSunday News (7%), ose ari pasi pehuru yadzo mukupakura nhau —  Zimpapers. Pamapepanhau anodhindwa zuva rega-rega, The Herald ndiro rine vaverengi vakawanda nechikamu che31% uye rinoteverwa neH-Metro (20%), ose zvakare anodhindwa neZimpapers.

Muchikamu chenhepfenyuro, Star FM, iyo iri pasi peZimpapers zvekare, ndiyo huruyadzo mumaguta sezvo vatereri vayo vakawedzera kusvika pa51% kubva pa50%.

Star FM inoteverwa neZi FM (28%), Radio Zimbabwe (26%), Power FM, SFM neNational FM dzichizouyawo shure.

Imwe nhepfenyuro yeZimpapers ichangobva kuburwa kwaMutare – Diamond FM – iri kuita zvinorova sezvo yakakwanisa kukwezva vatereri vanosvika chikamu che9% mugore rimwe chete rayavambwa.

Chamangwiza veZimpapers, VaPikirayi Deketeke, vanoti ongororo ichangobva kuitwa neZAMPS iyi inoratidza kuti kambani yavo ndiyo inotungamirira mune zvenhau munyika yose.

“Sechikamu cheupenyu hwevanhu hwemazuva ose, taramba tiri isu vekutanga vanodiwa panyaya dzekupakura nhau. Zimpapers inoramba yakazvipira kushanda zvakatendeseka pamwe nesimba munyaya dzezvenhau,” vanodaro. VaDeketeke vanoko rokotedza vapepeti vemapepanhau ari pasi peZimpapers pamwe chete nevavanoshanda navo nekuzvipira mubasa ravo.

Mupepeti weKwayedza, Patrick Shamba, anotenda vose vanovatsigira – kunyanya vaverengi vevashambadzi – achiti ndivo bedzi vari kuita kuti zviendeke.

“Pasina vanotitsigira ivava zvinoreva kuti isu hatipo. Ndivo vanotipa manyawi nesimba rekuti tifambire mberi saka tinovatenda zvikuru. Ndokusaka Kwayedza richinzi ibepanhau revanhu, vaverengi nevashambadzi ndivo vanhu vacho,” anodaro Shamba.

Ongororo yekupedzisira yeZAMPS yakaburitswa muna Nyamavhuvhu gore rapera.

(Onai zviri pagirafu.)

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>