Uncategorized

Kwayedza yava 50c

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza
GENERAL Manager veZimpapers Harare Branch, VaSamuel Bepe, vanozivisa vaverengi kuti bepanhau reKwayedza richadzika mutengo waro kubva pa$1 kuenda pa50c kutanga musi waKurume 1. Izvi zvinoreva kuti Kwayedza resvondo rino ndiro rekupedzisira richatengwa ne$1 sezvo resvondo rinouya rinenge rava nemutengo mutsva we50c.

Rimwezve bepanhau reZimpapers, reSouthern Times, iro rinowanikwa munyika dziri muSadc, richadzikawo mutengo kubva pa$1 kuenda pa50c.
VaBepe vanoti kudzikiswa kwemutengo weKwayedza idanho rekutanga rekambani huru munyika pakudhinda mapepa iyi, pasi pehurongwa hwemitengo mitsva, zvichinangana nedonzvo reHurumende rekuti mitengo yezvinhu ideredzwe sezvo mari yechenji yave kuwanikwa kubva pakaunzwa mari yemabond coins.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>