Uncategorized

Mainini vakadzika babamukuru demo

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Mainini vakadzika babamukuru demo LOVEMORE CHINYANI

Kwayedza

LOVEMORE CHINYANI

LOVEMORE CHINYANI

MURUME wekwaSeke akapotsa afa apo akajajadwa kutemwa nedemo nemuramu wake mushure mekunge vanetsanirana muti wemuchero wemuhabhurosi kana kuti muhingi uyo uri pamuganhu peminda yavo.

Muramukadzi uyu akadzika babamukuru vake demo achivapomera kutema mapazi emuti wake uyu. Nyaya yekudzikwa demo kwemuramu uyu yakatopinda mumatare mudzimai uyu ndokubatwa nemhosva yekutema babamukuru vake nedemo.

Mai Alice Nyakudya (59) vakaudza Kwayedza kuti vakatema babamukuru vavo, VaLovemore Chinyani (68), nedemo paruwoko rweruboshwe avo vakakuvara zvekuiswa purasita mushure mekunetsana.

“Kunze kwekutema muti wemuhabhurosi wangu, babamukuru vakatora munda wangu wandakapihwa nababa (tezvara) ndokuupa vana vemukoma wavo, VaMountain Chinyani. Saka izvi zvakandirwadza.

“Mumwe musi ndakabva kunhamo ndikasvikowana imba yangu yabviswa marata ndikabva ndatangisa kuadzosera ndega. Izvi zvakandishamisa sezvo kwakange kusina kumbobvira kwaita chamupupuri,” vakadaro Mai Nyakudya.

Vanoti ave mangwana acho vakamukira kubindu ravo vachibva vasangana nababamukuru vavo vakabata shamhu.

“Ndakavabvunza kuti shamhu yakange iri yekurovesa ani ivo vakati yaive yekurova mafaibha (gavakava kana kuti makonje) akaganhura munda wangu newavo. Vakati vanoda kutema muti wangu asi ndakavarambira sezvo ndirini ndakausima uye unopa mumvuri.

Babamukuru vakazotuma muzukuru wavo, Thomas Musarurwa, kuti akwire mumuti uyu ndokutangisa kutema mapazi pamwe nemwana wemukadzi wavo anonzi baba Vanessa-Edward.”

Mai Nyakudya vanoti vakaedza kudzivisa kutemwa kwemapazi emuchero wemuhabhurosi uyu asi zvakakona.

“Ndakati mwana akange ari mumuti adzike asi akatya baba vake ndokuramba arimo uye babamukuru ndakavaudza kuti vabve pamba pangu asi vakaramba. Mukomana uya paakangodzikisa demo ndipo pandakaritora ndokubva ndavatema naro nekuseri kwaro.

“Pavakaona kuti vave kurohwa, pakaita chimurenga, ndokubva vatanga kutiza vachisiya nhekwe yavo yefodya nedemo ravo,” vanodaro Mai Nyakudya.

Vanoti vakazoenda kwasabhuku wavo, VaJohn Marovanyanga, vachibva vavaudza nezvekutema kwavainge vaita babamukuru vavo VaChinyani.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Mai Nyakudya vasungwe.

“Takazoendeswa kudare reChitungwiza Magistrates Court, muCourt C, umo makatongwa nyaya yangu uye kaive kekutanga kangu kusungwa nekuti handisi munhu wemhirizhonga. Kunyangwe murume wangu akasvika pakushaya tisina kunetsana.

“Ndakapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mina asi ndakazongogaramo kwemazuva matanhatu bedzi mushure mekunge vana vangu vanditsvagira magweta. Nyaya yakabva yazongopera yakadaro,” vakadaro amai ava.

Vanoti dare rakati vakashandisa hasha dzakawanda pamwe nechombo chinogona kuremadza munhu.

“Pakazotongwa nyaya iyi yave Appeal magweta bedzi ndiwo akange achingokweshana mudare zvekuti kana ivo babamukuru havanawo kumbodeedzwa kuti vapewo divi ravo zvinova zvakatishamisa,” vakadaro.

Mai Nyakudya vakaramba nyaya yekuti babamukuru vavo ava vakamboda kuvagara nhaka ivo ndokutsika madziro.

Vachipawo divi ravo, VaChinyani vanoti vakazotema mapazi emuti wakamutsa bongozozo uyu mushure mekunge vataurirana nemuramu wavo.

“Ini ndakatanga ndakumbira kuna amanini kuti nditeme mapazi emuti uyu sezvo akange ave kurembera zvakanyanya achivhunga chibage ivo vakandipa mvumo. Ndakazoshamisika vave kundidzika demo, rakange riri kutouya nemugotsi asi ndakazorivhika neruwoko. Bonzo reruwoko rakabuda zvekuti raitondibaya pachipfuva uye pakaitika izvi ndakazhamba,” vakadaro.

Vanoti Mai Nyakudya vakavanyangira vakarivara mushure mekunge vambobvumirana kuti vateme mapazi emuchero uyu.

“Kusvika pari zvino ndashandisa mari inodarika US$300 kurapwa uye kuri kudiwa imwe kuti ndiiswe simbi kana bonzo rikaonekwa risingadzosereke panzvimbo kuburikidza nepurasita yandakange ndakaiswa,” vakadaro apo vaibva kuchipatara.

Murume uyu anoti chakamushamisa ndechekuti pakaenda nyaya iyi kumatare, iye haana kupihwa mukana wekupa divi rake.

“Ndiri kutarisira kuiita ‘appeal’ panyaya iyi, ndakange ndiripo padare asi ndakazongonzwa kuti nyaya yapera,” vakadaro babamukuru ava.

Zvisinei nekuti misha yevaviri ava yakaganhurana neruzhowa (fenzi), vanoti havachataudza kubvira pakaitika nyaya iyi.

Mudzimai waVaChinyani, Mai Chioniso Nyamuzinga (50), vanoti murume wavo akange akumbira Mai Nyakudya kuti ateme mapazi emuchero uyu.

“Vakatoti kwandiri regai nditaurire amainini kuti ndinoda kuzotema mapazi emuti uyu. Ndakazonzwa mhere yemurume wangu ave kuchema achiti atemwa nedemo naamainini. Pandakaenda kunobvunza amainini vaye vakatotangisa kundidyunga-dyunga mumaziso vachiti vanotoda kunditemawo,” vakadaro.

Vanoti vakazoendesa murume wavo kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital.

Mumwe muzukuru waVaChinyani, Tecla Dhinembira, akataura pamusoro pebotso iri achiti:

“Pazuva ravazotemwa, sekuru vakatotuma mukomana webasa kuti azotora demo kwandiri nekuti ndakange ndamborikumbira. Zvinhu zvakandirwadza kuti vanhu vangapedza nyaya nekutemana? Izvozvi varemadzwa kweupenyu hwese nekuti mabhonzo emunhu mukuru haasi nyore kudzokera panzvimbo.”

Mumwe mwanakomana waVaChinyani, Tichaina Chinyani (23), anoti akange akashanya apo akadzoka onzwa kuti baba vake vakatemwa.

“Ndakatozonzwawo kuti ndozvaitika, zvichinzi inyaya yemuti uri pamuganhu wemunda wakange wave kuvhunga chibage chababa vachibva vakumbira kuti vauteme,” akadaro.

Zvisinei, mumwe mwanakomana waVaChinyani, uyo akaramba kubuditswa zita rake, anoti panogona kunge paine dzimwe nyaya dzinopinda yemunda nekutemwa kwemuti.

“Ini hangu handingatauri zvakawanda nekuti ndiri mwana, asi panogona kunge paine dzimwe nyaya pakati pababa naamainini nekuti ndozviri kutaurika muno, kwete zvemapazi emuti.

“Handiti baba vakange vapihwa mvumo yekutema muti uyu saka vakazotemerwei?” akadaro.

Sabhuku VaJohn Marovanyanga (75), vakatsinhira nyaya iyi.

“Iye Alice paakatema babamukuru vake akatotanga kuuya pano pachake achiti avatema nedemo nekuti vanga vatema muti wake. Saka ini ndakati handiti inyaya yemhirizhonga saka endai kumapurisa,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links