Uncategorized

Makore 42 vachichaya mapoto

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso—

MURUME wekuRuwa, uyo akakwidzwa kudare redzimhosva nemudzimai wake achiti ari kumushungurudza, anoti iye ndiye akatomubira $500 ndokuenda nayo kumba kwavo uye ane fungidziro yekuti aida kunozviroora sezvo iye asina kana kobiri raakabvisa kwavatezvara vake.

Shabhani Sinudya akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naFebbie Nyamayaro.

Nyamayaro akaudza dare kuti agara nemurume wake kwemakore 42 pasina kana chakamboenda kuvabereki vake seroora.

“Baba ava vakandidzinga pamba pandakavaka navo vachinditi ndidzokere kumba kwevabereki vangu asi pasina kana sendi zvaro ravakapa kuvabereki vangu. Ndakamuberekera vana kwemakore 42 atagara tose asi haatendi, anototuka vana ivavo achiti vachaita mhombwe nemhondi,” akadaro.

Nyamayaro anoti murume wake anomutuka zvakare nezvinyadzi vana vavo varipo.

“Akandiudza kuti handigone bonde pamberi pevana vangu apa mukuru wacho ane makore 22 ekuberekwa. Murume mukuru anoshaya nyadzi zvekuti anosvika pakutaura zvinyadzi zvakadaro pane vana? Anoudza vana ndivo vana tete vangu here?” akadaro Nyamayaro.

Anoenderera mberi achiti: “Murume uyu haachina hunhu zvekusvika pakufonera baba vangu vaasina kana kupa tsvakiraikuno achivaudza kuti handichada mwana wenyu nekuti haana zvaanobatsira. Asi ndakamuzvarira vana vari kushevedzwa nezita rekumusha kwake.”

Sinudya akati mudzimai wake aitaura manyepo uye anopikisa chikumbiro chake chegwaro redziviriro.

“Mhuri yangu ndinoida, handina kumbomudzinga pamba asi iye ndiye ega akatiza achinditi ndinonetsa.

‘‘Ini handizvinzwisise nekuti vana vangu ndinoendesa kuchikoro. Akatiza ne$500 yandaida kubhadhara fizi yemwana akaenda nayo kumba kwavo, pamwe aida kunozviroora,” akadaro Sinudya.

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare kuti vanzwe mutongo wavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>