Makwikwi epool oitwa

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Makwikwi epool oitwa

Kwayedza

Abel Ndooka
ACHANGE ari makuwerere svondo rino paLion King Restaraunt, muguta reHarare pachaparurwa ligi reHarare Metropolitan Pool Association.
Zvikwata zvinopfuura 16 zvichasangana kutanga musi weChishanu kusvika Mugovera apo zvichange zvichibandana mumutambo wekupemeberera kutanga kwemwaka mutsva weligi.

HAMPA, sekuzivikanwa kunoitwa ligi iri, yakadana zvimwe zvikwata izvo zvichabva kwaMutare, Bulawayo pamwe nezvemuligi reHarare Pool League kumutambo uyu.

Svondo radarika, zvikwata zvose zvemuligi iri zvakasangana zvakare paLion King apo pakaitwa draw rekuronga mitambo iyi.
Munyori mukuru weHAMPA, Ephraim Choto, anoti zvikwata zvichabudirira kuuya svondo rino zvichaiswa mumapoka akasiyana umo zvichatamba mitambo yeround-robbin. Zvikwata zviviri zvichapedza zviri pamusoro ndizvo zvichafambira mberi kusvika kufainari yemutambo uyu.

“Draw redu rakafamba zvakanaka svondo radarika iye zvino tatarisana nekuparura mwaka mutsva weligi regore rino.
“Zvikwata zvinopfuura 16 zvemuligi redu pamwe nezvimwe zvichabva kwaMutare, Bulawayo nezvimwe zveselect zvichasangana paLion King muHarare apo zvichange zvichitamba mumitambo yakasiyana.

“Tine mibairo yakasiyana yemari iyo tichapa kune zvikwata zvichahwina svondo rino,” akadaro Choto.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>